聖經新譯本

Shona

Exodus

21

1僕婢的條例(申15:12~18)“你要在眾民面前訂立的典章是這樣的。
1Zvino ndiyo mirairo yaunofamra kuisa pamberi pavo:
2如果你買希伯來人作奴僕,他要服事你六年;到第七年他可以自由出去,不必補償甚麼。
2Kana ukatenga muranda muHebheru, ngaakubatire makore matanhatu; asi nerechinomwe anofanira kubuda hake asina chaanoripa.
3他若是單身來,就可以單身出去;他若是有婦之夫,他的妻子就可以和他同去。
3Kana achipinda ari oga, anofanira kubuda ari oga; kana ano mukadzi, mukadzi wake anofanira kubuda naye.
4他的主人若是給他妻子,妻子又給他生了兒女,那麼妻子和兒女都要歸給主人,他自己要單獨出去。
4Kana tenzi wake akamupa mukadzi, iye akamuberekera vanakomana navanasikana, mukadzi navana vake vanofanira kuva vatenzi wake, asi iye anofanira kubuda ari oga.
5如果那奴僕明明說:‘我愛我的主人和我的妻子兒女,不願意自由出去。’
5Asi kana iye muranda akati, Ndinoda tenzi wangu nomukadzi wangu navana vangu, handidi kubuda hangu;
6他的主人就要把他帶到審判官(“審判官”原文作“ 神”)那裡,又要把他帶到門前,或是門柱旁;他的主人要用錐子刺穿他的耳朵,他就要永遠服事他的主人。
6zvino tenzi wake anofanira kumuisa kuna Mwari, nokumuisa kumukova, kana kugwatidziro romukova; ipapo tenzi wake anofanira kumuurura nzeve yake norunji; zvino anofanira kumubatira nokusingaperi.
7如果有人把女兒賣作婢女,婢女不可像男僕那樣出去。
7Kana munhu akatengesa mukunda wake kuti ave murandakadzi, iye haafaniri kubuda savaranda varume.
8如果主人選定她歸自己,以後又不喜歡她,就要准她贖身;主人沒有權力可以把她賣給外族人,因為主人曾經欺騙了她。
8Kana asingafadzi tenzi wake, akafunga kumuwana amene, anofanira kutendera kuti adzikunurwe, haangavi nesimba rokumutengesa kuvatorwa, nekuti amunyengedzera.
9如果主人選定她歸自己的兒子,就必須照著待女兒的規矩待她。
9Kana akamuwanisa nomwanakomana wake; anofanira kumuitira nenzira yavakunda.
10如果他另娶一個妻子,那麼,對她的飲食、衣著和性的需要,仍然不可減少。
10Kana akazowana mumwe mukadzi, haafaniri kutapudza zvokudya zvake, kana nguvo dzake, kana zvaanofanirwa nazvo pakuwanikwa.
11如果他不向她行這三樣,她就可以自由出去,不必補償甚麼。
11Kana akasamuitira zvinhu izvi zvitatu, anofanira kubuda hake asingaripi chinhu, asingaripi mari.
12懲罰殺人者或傷人者的條例“打人以致把人打死的,必要把那人處死。
12Anorova munhu, akafa, zvirokwazvo iye anofanira kuurawa.
13人若不是蓄意殺人,而是 神交在他手中的,我就給你設立一個地方,他可以逃到那裡去。
13Asi kana munhu asina kumuvandira, asi Mwari achinge atendera kuti awire muruoko rwake, ndichakutarira nzvimbo kwaangatizira.
14若有人任意待他的鄰舍,用詭計把他殺了,你要把他從我的祭壇那裡拿去處死。
14Kana munhu akaita nobwoni kuno wokwake, akamuuraya nokunyengedzera, iwe unofanira kumubvisa paaritari yangu afe.
15“打父母的,必要把那人處死。
15Anorova baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
16“拐帶人口的,無論是把人賣了,或是還留在他手中,必要把那人處死。
16Anoba munhu, akamutengesa, kana zvimwe akawanikwa ari muruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
17咒罵父母的,必要把那人處死。
17Anotuka baba vake kana mai vake, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
18“如果人彼此爭論,一個用石頭或拳頭打另一個,但他還沒有死,不過要躺在床上,
18Kana vanhu vakaita nharo, mumwe akarova mumwe nebwe, kana netsiva, akasafa, asi akavata panhovo;
19以後,他若是能起來,能扶杖出外行走,那打他的就可算無罪,但要賠償他停工的損失,並且要把他完全醫好。
19kana akazomukazve, akafamba panze achidonzva, akamurova haangavi nemhosva, asi anofanira kuripira nguva yaakarasikirwa nayo, uye anofanira kumurapisa kusvikira apora kwazvo.
20“如果有人用棍打他的奴僕或婢女,以致死在他的手下,他必須受刑罰;
20Kana munhu akarova muranda wake kana murandakadzi wake neshamhu, akafira paruoko rwake, zvirokwazvo anofanira kutsiviwa.
21但如果他還活一兩天,那人就不必受刑罰,因為那奴僕是他的財產。
21Asi kana akararama zuva rimwe kana maviri, haafaniri kutsiviwa; nekuti iye imari yake.
22“如果人彼此爭鬥,擊傷了懷孕的婦人,以致流產,但沒有別的損害,那傷害她的必須按照婦人的丈夫要求的,和照著審判官斷定的,繳納罰款。
22Kana varume vakarwa, vakakuvadza mukadzi ane mimba, akashaya, asi asina kukuvadzwa hake zvikuru, iye anofanira kuripiswa sezvaanotarirwa nomurume womukadzi uyo; anofanira kuripa sezvinotarwa navatongi.
23如果有別的損害,你就要以命償命,
23Asi kana achinge akuvadzwa kwazvo, iye anofanira kutsiva upenyu noupenyuwo,
24以眼還眼,以牙還牙,以手還手,以腳還腳,
24ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, rutsoka norutsoka,
25以烙還烙,以傷還傷,以打還打。
25kutsva nokutsva, vanga nevanga, kukuvadzwa nokukuvadzwa.
26“如果有人擊打他奴僕的一隻眼,或婢女的一隻眼,把眼打壞了,就要因他的眼的緣故讓他自由離去。
26Kana munhu akarova ziso romuranda wake, kana ziso romurandakadzi wake, akariuraya, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kweziso rake.
27如果有人打落了他奴僕的一隻牙,或婢女的一隻牙,就要因他的牙的緣故讓他自由離去。
27Kana akarova muranda wake kana murandakadzi wake, zino rake rikabva, anofanira kumurega kuti aende hake nokuda kwezino rake.
28牲畜傷人的賠償條例“如果牛觸了男人或女人,以致死亡,那牛必須用石頭打死,只是不可吃牛的肉;牛的主人卻不必受刑罰。
28Kana nzombe ikatunga murume kana mukadzi, akafa, nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe, nenyama yayo haifaniri kudyiwa; asi muridzi wenzombe haangavi nemhosva.
29如果那牛以前常常觸人,牛主也曾經受過警告,他仍然不把牛拴好,以致觸死了男人或是女人,就要用石頭把那牛打死,牛主也必要處死。
29Asi kana nzombe yaisitunga kare, muridzi wayo akaudzwa izvozvo, akasaichengeta, ikauraya murume kana mukadzi, nzombe inofanira kutakwa namabwe, naiye muridzi wayo anofanira kuurawa.
30如果給他提出贖金,他就必須照著提出的數量全數繳付贖命金。
30Kana achinge atarirwa rudzikunuro, anofanira kuripa zvose zvaatarirwa, kuti adzikunure upenyu hwake.
31牛無論觸了人的兒子,或是觸了人的女兒,都必須照著這定例辦理。
31Kunyange ikatunga mwanakomana kana mwanasikana vanofanira kumuitira nomurayiro uyu.
32如果牛觸了人的奴僕,或是婢女,必須把三百四十克銀子給他的主人,那牛也必須用石頭打死。
32Kana nzombe ikatunga muranda kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripira tenzi wake mashekeri esirivha ana makumi matatu, uye nzombe iyoyo inofanira kutakwa namabwe.
33傷害牲畜的賠償條例“如果有人把井敞開,或是有人挖了井,而不把井口遮蓋,以致有牛或驢掉進裡面,
33Kana munhu akadziura gomba, uye kana munhu akachera gomba, akasaridzivira, nzombe kana dhongi rikawiramo,
34井主要賠償,要把銀子還給牛主或驢主,死的牲畜可以歸自己。
34muridzi wegomba anofanira kuripa, anofanira kubudisira muridzi wayo mari, asi chipfuwo chakafa chichava chake.
35“如果有人的牛傷了他鄰舍的牛,以致死亡,他們要把活牛賣了,平分銀子,也要平分死牛。
35Kana nzombe yomumwe munhu ikatunga yomumwe, ikafa, vanofanira kutengesa nzombe mhenyu, vagovane mutengo wayo, naiyo yakafa vanofanira kuigovana.
36如果人知道那牛以前常常觸人,牛主竟不把牛拴好,他必須賠償,以牛還牛,死的可以歸自己。”
36Kana vaiziva kare kuti nzombe iyo inotunga, muridzi wayo akasaichengeta, zvirokwazvo anofanira kuripa, nzombe nenzombe, asi yakafa ichava yake.