聖經新譯本

Shona

Exodus

22

1偷竊的賠償條例“如果人偷了牛或是羊,無論是宰了或是賣了,他必須賠償,以五牛還一牛,以四羊還一羊。(本節在《馬索拉抄本》為21:37)
1Kana munhu akaba nzombe kana gwai, akazviuraya, kana akazvitengesa, anofanira kuripa nzombe shanu panzombe imwe, namakwai mana pagwai rimwe.
2“竊賊挖窟窿入屋的時候,如果被人發現,把他打了,以致打死,打死人的就沒有流人血的罪。(本節在《馬索拉抄本》為22:1)
2Kana mbavha ikabatwa ichipaza, ikarohwa, ikafa, wamuuraya haangavi nemhosva paropa rake.
3如果太陽出來了,他就有流人血的罪。竊賊必須賠償,如果他一無所有,就要賣身,還他所偷之物。
3Asi kana zuva rakanga ramubudira, achava nemhosva paropa rake, anofanira kuripa; kana asina chinhu anofanira kutengeswa nokuda kokuba kwake.
4所偷之物,無論是牛、是驢,或是羊,如果發現在他手中仍然活著,他必須雙倍償還。
4Kana chaakanga aba chikawanikwa muruoko rwake chichiri chipenyu, kana iri nzombe, kana dhongi, kana gwai, anofanira kuripa kaviri.
5如果有人在田間或葡萄園裡放牲畜吃草,任由牲畜到別人的田裡去吃草,就必須拿自己田間最好的,或自己葡萄園中最好的賠償。
5Kana munhu akadyisa munda, kana munda wemizambiringa, akasundira chipfuwo chake, chikandodya munda womumwe, anofanira kuripa sezvakaisvonaka zvomunda wake, nezvakaisvonaka zvomunda wake wemizambiringa.
6“如果火燒起來,燒著了荊棘,以致把別人堆積的禾捆、豎立的莊稼,或是田園都燒盡了,那點火的必須賠償。
6Kana moto ukadarika, ukabata mhinzwa, ukapisa murwi wezviyo, kana zviyo zvichiri mumunda, kana munda umene, iye akatungidza moto anofanira kuripa.
7“如果人把銀子或家中物件交給鄰舍看守,這些東西從那人的家被偷去;如果把竊賊抓到了,竊賊就要雙倍償還。
7Kana munhu achinge apa wokwake mari kana nhumbi kuti azvichengete, zvikabiwa mumba momunhu uyo, mbavha, kana ikawanikwa, inofanira kuripa kaviri.
8如果找不到竊賊,那家主必要到審判官(“審判官”原文作“ 神”)那裡,查明他有沒有下手拿去鄰舍的財物。
8Kana mbavha ikasawanikwa, muridzi weimba anofanira kuswedera kuna Mwari, kuti zvionekwe kana iye asina kuisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake,
9任何爭訟的案件,無論是為了牛、驢、羊、衣服,或是甚麼遺失了的東西,如果一方說:‘這是我的’,這樣,雙方的案件就要帶到審判官(“審判官”原文作“ 神”)面前,審判官定誰有罪,誰就要雙倍償還給他的鄰舍。
9pamhaka dzose dzokudarika, kana iri yenzombe, kana yedhongi, kana yegwai, kana yechokufuka, kana yechinhu chipi nechipi chakarasika, kana zvikanzi, Ndicho! mhaka yavose vaviri inofanira kuuya pamberi paMwari; uyo anopiwa mhosva naMwari anofanira kuripira wokwake kaviri.
10“如果人把驢、牛、羊,或是任何牲畜交給鄰舍看守,牲畜死亡、受傷,或是被趕去,又沒有人看見,
10Kana munhu akapa wokwake dhongi, kana nzombe, kana gwai, kana chimwe chipfuwo, kuti achichengete, chikafa, kana kukuvara, kana kutinhwa asina kuzviona;
11兩人必須在耶和華面前起誓,表明他沒有下手拿去鄰舍的財物;如果物主接受那誓言,看守的人就不必賠償。
11ivo vaviri ngavapikirane pamberi paJehovha, kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake panhumbi dzowokwake; muridzi wazvo ngaatende nazvo, iye arege kuripa.
12如果牲畜真的從看守的人那裡被偷去,他就要賠償給物主。
12Asi kana zvikabiwa zviri kwaari, anofanira kuripira muridzi wazvo.
13如果真的被野獸撕碎了,看守的人就要把被撕碎的帶來作證據,這樣,他就不必賠償。
13Kana zvikabvamburwa nechikara, ngaauye nazvo chive chapupu; haafaniri kuripa zvabvamburwa.
14“如果人向鄰舍借甚麼,所借的無論是受了傷,或是死了,物主不在場,借的人就必須償還。
14Kana munhu achinge akumbira chinhu kunowokwake, chakuvara, kana kufa, muridzi wacho asisipo, zvirokwazvo anofanira kuchiripa.
15如果物主在場,他就不必償還;若是雇來的,也不必償還,因為他為雇價來的。
15Kana muridzi wacho aripo, haafaniri kuripa; kana chiri chinhu chairipirwa, muripo wacho wauya panzvimbo yacho.
16保障人權的條例“如果人引誘還沒有許配人的處女,與她同寢,他必須交出聘禮,娶她為妻。
16Kana munhu achinge anyengedzera musikana asina kunyengwa, akavata naye, zvirokwazvo anofanira kumuroora, ave mukadzi wake.
17如果處女的父親堅決不肯把女兒嫁給他,他就要按照處女的聘禮,交出聘銀來。
17Kana baba vake vakaramba chose kumupa iye, anofanira kuripa mari yakaenzana neroora yavasikana.
18“不可讓行巫術的女人活著。
18Usarega muroyi ari mupenyu.
19“凡與牲畜同寢的,那人必須處死。
19Ani naani anovata nechipfuwo, zvirokwazvo anofanira kuurawa.
20“除了獨一的耶和華以外,還獻祭給別神的,那人必須滅絕。
20Anobayira mumwe mwari, asi Jehovha chete, anofanira kuparadzwa chose.
21不可欺負寄居的,也不可壓迫他,因為你們在埃及地也作過寄居的。
21Usaitira mutorwa zvakaipa, kana kumumanikidza, nekuti nemiwo maiva vatorwa munyika yeEgipita.
22不可苦待任何孤兒寡婦。
22Usatambudza chirikadzi kana nherera.
23如果你們真的苦待他們,他們一向我呼求,我必定聽他們的呼求,
23Kana ukatongovatambudza, vakadana kwandiri, ndichateerera kudana kwavo;
24並且我要發怒,用刀殺死你們,使你們的妻子成為寡婦,你們的兒女成為孤兒。
24kutsamwa kwangu kuchamuka, ndikakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi, navana venyu nherera.
25“如果你借錢給我的人民,就是與你們在一起的窮人,你對待他們不可像放債的人一樣,不可在他們身上取利。
25Kana ukapa mumwe wavanhu vangu vaunavo chikwereti chemari, ari murombo, usaita kwaari somupi wechikwereti; usareva mhindu kwaari.
26如果你拿了鄰居的衣服作抵押,必須在日落之前歸還給他。
26Kana ukatongotora nguvo yowokwako ruve rubatso, unofanira kuidzosera kwaari zuva rovira;
27因為這是他唯一的鋪蓋,是他蔽體的衣服;如果沒有了它,他拿甚麼睡覺呢?如果他向我呼求,我必應允,因為我是滿有恩惠的。
27nekuti ndicho chokufuka chake choga, inguvo yake yaanofukidza nayo ganda rake; achavata neiko? Kana iye akadana kwandiri, ndichamunzwa, nekuti ndine tsitsi.
28“不可咒罵 神,也不可咒詛你人民的領袖。
28Usatuka Mwari, kana kushuridzira mubati pakati pavanhu vako.
29要把你豐收的五穀和初榨的新酒獻上,不可遲延;要把你頭生的兒子獻給我。
29Usanonoka kupa Mwari zvimwe kune zvizhinji zvezviyo zvako nezvinomwiwa. Undipe dangwe ravana vako vavakomana.
30對於牛羊頭生的,你也要這樣作;七天之內,可以和母的在一起,第八天就要把牠獻給我。
30Uitewo saizvozvo nenzombe dzako namakwai ako; rigare mazuva manomwe namai varo, ugondipa iro nezuva rorusere.
31你們要歸我作聖潔的人;因此田間被野獸撕碎的肉,你們不可以吃,要把它丟給狗吃。”
31imwi munofanira kuva vanhu vatsvene kwandiri; naizvozvo hamufaniri kudya nyama yakabvamburwa nezvikara kusango, muikandire imbwa.