聖經新譯本

Shona

Exodus

23

1司法公正“不可傳播謠言,也不可與惡人攜手作假見證。
1Usapupurira mumwe nhema; usabatsirana nowakaipa pakuita chapupu chisakarurama.
2不可隨眾行惡,不可在訴訟的事上隨眾說歪曲正義的話;
2Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwechete navazhinji kuti irege kururamiswa;
3也不可在訴訟的事上偏護窮人。
3usatsaura murombo uchimuitira tsitsi pamhaka yake.
4“如果你遇見你仇敵的牛或是驢走迷了路,就應該把牠牽回來給他。
4Kana ukasangana nenzombe kana dhongi rakarasika remuvengi wako, zvirokwazvo unofanira kuidzosera kwaari.
5如果你看見恨你的人的驢伏在重擔之下,不可走開不理牠,你應該與驢主一同卸下重擔。
5Kana ukaona dhongi remuvengi wako rawira pasi nemutoro waro, usaramba kumubatsira, zvirokwazvo umubatsire kuisunungura.
6不可在窮人訴訟的事上歪曲正義。
6Usatsautsa zvakarurama zvomurombo pamhaka yake.
7要遠離虛假的事;不可殺無辜和正義的人,因為我決不以惡人為義人。
7Unzvenge shoko renhema; usauraya munhu asina mhosva uye akarurama, nekuti handingaruramisiri akaipa.
8不可受賄賂,因為賄賂能使明眼人變瞎,又能歪曲義人的話。
8Usagamuchira fufuro, nekuti fufuro inopofumadza vanoona, nokukanganisa mashoko avakarurama.
9不可壓迫寄居的,因為你們在埃及地也作過寄居的,知道寄居者的心情。
9Usatambudza mutorwa, nekuti munoziva moyo womutorwa, zvamakanga muri vatorwa munyika yeEgipita.
10安息年與安息日“六年之內你要耕種田地,收取地的出產;
10Dzvara munda wako makore matanhatu, uchikohwa zvibereko zvawo.
11但是第七年,你要讓地歇息,不耕不種,使你民間的窮人可以有吃的;他們吃剩的,田間的野獸可以吃;你的葡萄園和橄欖園,也要這樣作。
11Asi negore rechinomwe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti varombo vavanhu vako vadye, nemhuka dzesango dzidye zvavasiya. Saizvozvo uitewo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi.
12六日之內,你要作你的工;但第七日你要安息,好使你的牛和驢可以歇息,並且使你婢女的兒子和寄居的也可以有時間喘息一下。
12Ubate mabasa ako namazuva matanhatu, ugozorora nezuva rechinomwe; kuti nzombe yako nedhongi raako zvizorore, nomwanakomana womurandakadzi wako nomutorwa vambofema havo.
13我對你們所說的一切,你們都要小心謹守,你們不可提別神的名,也不可讓人從你的口中聽到。
13Zvinhu zvose zvandakakuudzai muzviteerere; musareva zita ravamwe vamwari, ngarirege kunzwika pamiromo yenyu.
14當守的三個節期(出34:18~26;申16:1~17)“每年三次,你要為我守節。
14Undiitire mutambo katatu pagore.
15你要守無酵節,要照我吩咐的,在亞筆月內所定的日期,吃無酵餅七天,因為你是在這個月從埃及出來的。你們不可空手朝見我。
15Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi (nokuti wakabuda nawo Egipita); kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu;
16又要守收割節,就是收在田間你勞碌耕種所得初熟之物的節;也要在年底守收藏節,就是在田間收集你勞碌所得之物的時候。
16uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadzvara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda.
17一年三次,你所有的男丁都要朝見主耶和華的面。
17Varume venyu vose ngavauye pamberi paShe Mwari katatu pagore.
18“你不可把我祭牲的血和有酵的餅一同獻上;也不可把我節日祭牲的脂油留過夜到早晨。
18Usandivigira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; namafuta omutambo wangu arege kuvata usiku hwose kusvikira mangwana.
19要把你地上最上好的初熟之物帶到耶和華你 神的殿中。不可用山羊羔母的奶去煮山羊羔。
19Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
20應許與訓誨“看哪,我在你面前差派使者,好在路上保護你,領你到我預備的地方去。
20Tarira, ndinotuma mutumwa pamberi pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira.
21你們在他面前要謹慎,要聽他的話,不可違背他;不然,他必不赦免你們的過犯,因為他是奉我的名來的。
21Munzwei, muteerere inzwi rake, musamutsamwisa, nekuti haangakukangamwiriyi kudarika kwenyu, nekuti zita rangu riri maari.
22如果你實在聽他的話,遵行我吩咐的一切,我就要作你仇敵的仇敵,作你敵人的敵人。
22Asi kana ukateerera inzwi rake nomoyo wako wose, ukaita izvozvo zvose zvandinotaura, ndichava muvengi wavavengi vako, nomudzivisi wavadzivisi vako.
23我的使者必在你前面走,領你到亞摩利人、赫人、比利洗人、迦南人、希未人、耶布斯人那裡去;我要把他們除掉。
23Nekuti mutumwa wangu achakutungamirira, akusvitse kuvaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaKanani, navaHivhi, navaJebhusi; ini ndichavaparadza.
24你不可跪拜他們的神像,也不可事奉它們,不可作他們所作的,不可模仿他們的行為,卻要把神像完全拆毀,打碎他們的柱像。
24Usapfugamira vamwari vavo, kana kuvashumira, kana kutevera mabasa avo; asi unofanira kuvaparadza chose, nokuputsanya shongwe dzavo.
25你們要事奉耶和華你們的 神,他就必賜福你的糧和你的水,我也必從你們中間除去疾病。
25Shumira Jehovha Mwari wako, kuti aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni ndichabvisa urwere pakati penyu.
26在你的境內,必沒有流產和不育的婦女;我必使你一生的壽數滿足。
26Hakungavi nechinhu chinosvodza, kana chisingabereki panyika yako; ndichazadzisa mazuva ako.
27我必在你面前展露我的威嚴;凡你所到的地方,我必使那裡的人民慌亂,又使你所有的仇敵都轉背而逃。
27Ndichatuma chityiso changu pamberi pako, nokukanganisa ndudzi dzose dzauchasvika kwadziri, ndichafuratidza vavengi vako vose.
28我必在你面前打發大黃蜂,把希未人、迦南人、赫人,都從你面前驅逐出去。
28Ndichatuma mago pamberi pako, adzinge vaHivhi, navaKanani, navaHeti pamberi pako.
29我不在一年之內把他們從你面前驅逐出去,恐怕這地變為荒涼,又恐怕田野間的走獸多起來害你。
29Handingavadzingi pamberi pako negore rimwe, kuti nyika irege kuita renje, zvikara zvesango zvirege kukuwandira.
30我要漸漸地把他們從你面前驅逐出去,等到你的人數增多起來,承受那地為止。
30Ndichanyatsovadzinga pamberi pako, kusvikira mava vazhinji, upiwe nyika ive nhaka yako.
31我要限定你的境界,從紅海直到非利士海,從曠野直到大河。我要把那地的居民交在你手中,你要把他們從你面前驅逐出去。
31Ndichaisa miganhu yako kubva paGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFirisitia, nokubva kurenje kusvikira kuRwizi, nekuti ndichapa vagere munyika mumaoko enyu, uvadzinge pamberi pako.
32不可與他們和他們的神立約。
32Rega kuita sungano navo, kana navamwari vavo.
33不可讓他們住在你的境內,恐怕他們使你得罪我;如果你事奉他們的神,這必成為你的網羅。”
33Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukutadzisa pamberi pangu, nekuti kana ukashumira vamwari vavo, zvirokwazvo izvo zvichava musungo kwauri.