1律法和信心無知的加拉太人哪!耶穌基督釘十字架,已經活現在你們眼前,誰又迷惑了你們呢?
1Haiwa vaGaratia matununu, ndiani wakakuroyai, kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso enyu, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu?
2我只想問你們這一點:你們接受了聖靈,是靠著行律法,還是因為信所聽見的福音呢?
2Ichechi chete ndinoda kudzidza kwamuri: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
3你們是這樣的無知嗎?你們既然靠著聖靈開始,現在還要靠著肉體成全嗎?
3Ko muri matununu akadai? Mambotanga muMweya, zvino mopedzeredzwa nenyama here?
4你們受了這麼多的苦,都是白受的嗎?恐怕真是白受的了。
4Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Kana zvakadaro ndinoreva pasina!
5那麼, 神賜聖靈給你們,又在你們中間行神蹟,是因為你們行律法,還是因為你們信所聽見的福音呢?
5Naizvozvo uyo unokupai Mweya nekuita mabasa esimba pakati penyu, unozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo?
6正如亞伯拉罕信 神,這就算為他的義。
6Abhurahamu sezvaakatenda Mwari zvikaverengwa kwaari kuti kururama.
7所以你們要知道,有信心的人,就是亞伯拉罕的子孫。
7Naizvozvo munoziva kuti avo vari verutendo ndivo vana vaAbhurahamu.
8聖經既然預先看見 神要使外族人因信稱義,就預先把好信息傳給亞伯拉罕:“萬國都必因你得福。”
8Nerugwaro zvarwakaona zviri mberi kuti Mwari unoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahamu, ruchiti: Mauri marudzi ose acharopafadzwa.
9這樣看來,有信心的人,必定和有信心的亞伯拉罕一同得福。
9Naizvozvo ivo vari verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahamu wakatendeka.
10凡是靠行律法稱義的,都在咒詛之下,因為經上記著:“凡不常常照著律法書上所寫的一切去行的,都被咒詛。”
10Nekuti vose vari vemabasa emurairo vari pasi perushambwa; nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vakapiwa rushambwa vose vasingarambiri pazvinhu zvose zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti vazviite.
11很明顯,在 神面前,沒有一個人可以靠著律法稱義,因為“義人必因信得生”(“義人必因信得生”或譯:“因信稱義的人,必定得生”)。
11Zvino, zviri pachena kuti hakuna munhu unonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nekuti kunonzi: Wakarurama uchararama nerutendo.
12律法本來不是出於信,而是說:“遵行這些事的人,就必因這些事而活。”
12Zvino murairo haubvi parutendo; asi uyo unozviita uchararama mazviri.
13基督替我們受了咒詛,就救贖我們脫離了律法的咒詛,因為經上記著:“凡掛在木頭上的,都是受咒詛的。”
13Kristu wakatidzikunura parushambwa rwemurairo, aitwa rushambwa nekuda kwedu, nekuti kwakanyorwa, kuchinzi: Vane rushambwa vose vanoturikwa pamuti;
14這樣,亞伯拉罕所蒙的福,就在耶穌基督裡臨到外族人,使我們因著信,可以領受所應許的聖靈。
14Kuti ropafadzo yaAbhurahamu isvike kuvahedheni kubudikidza naJesu Kristu; kuti tigamuchire chivimbiso cheMweya kubudikidza nerutendo.
15律法和應許弟兄們,我照著人的常理說:一個立好了的約,雖然是人所立的,卻沒有人可以廢棄或增加。
15Hama, ndinotaura nemutowo wevanhu; kunyange iri sungano yevanhu, kana yasimbiswa hakuna munhu unoikonesa kana kuwedzera kwairi.
16那些應許本來是給亞伯拉罕和他的後裔的。 神並沒有說“給眾後裔”,好像指著多數;而是說“給你的一個後裔”,指著一個,就是基督。
16Zvino zvivimbiso zvakaitwa kuna Abhurahamu nekumbeu yake. Haarevi, achiti: Nekumbeu dzako sevanenge vazhinji; asi saanenge ari mumwe, unoti; Nokumwana wako; unova Kristu.
17我要這樣說, 神預先立好的約,那四百三十年後才有的律法,不能把它廢掉,使那應許落空。
17Zvino ndinoreva ichi: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo wakazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti chivimbiso chishaiswe maturo.
18因為所承受的,如果是出於律法,就不是出於應許;但 神是憑著應許賜給了亞伯拉罕。
18Nekuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa kuna Abhurahamu nechivimbiso.
19那麼,為甚麼要有律法呢?是為了過犯的緣故才加上的,直到那得應許的後裔來到。律法是藉著天使經中保的手設立的;
19Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvikira mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri.
20中保不是為單方面的,但 神卻是一位。
20Asi murevereri haazi weumwe, asi Mwari ndeumwe.
21律法的功用這樣,律法和 神的應許是對立的嗎?絕對不是。如果所賜下的律法能使人得生命,義就真的是出於律法了。
21Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nekuti dai pakanga pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchiuya nemurairo.
22但聖經把所有的人都圈在罪中,好把那因信耶穌基督而來的應許,賜給相信的人。
22Asi rugwaro rwakapfigira zvose pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda.
23但信的道理還沒有來到以前,我們在律法下被囚禁、被圍困,直到那要來的信的道理顯明出來。
23Asi rutendo rwusati rwasvika, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa murutendo rwaizozarurwa shure.
24這樣,律法成了我們的啟蒙教師,領我們到基督那裡,使我們可以因信稱義。
24Saizvozvo murairo wakange uri murairidzi wedu, kutiisa kuna Kristu kuti tinzi takarurama nerutendo.
25但信的道理既然來到,我們就不再在啟蒙教師之下了。
25Zvino rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi.
26因信作承受產業的兒子你們因著信,在基督耶穌裡都作了 神的兒子。
26Nekuti mose muri vana vaMwari nerutendo rwaKristu Jesu.
27你們所有受洗歸入基督的人,都是披戴基督的,
27Nekuti mose makabhabhatidzwa muna Kristu makafuka Kristu;
28並不分猶太人或希臘人,作奴僕的或自由人,男的或女的,因為你們在基督耶穌裡都成為一體了。
28Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume kana munhukadzi; nekuti imwi mose muri vamwe muna Kristu Jesu.
29如果你們屬於基督,就是亞伯拉罕的後裔,是按照應許承受產業的了。
29Zvino kana muri vaKristu, saka muri vana vaAbhurahamu, vadyi venhaka maererano nechivimbiso.