聖經新譯本

Shona

Galatians

4

1我說,那承受產業的,雖然是全部產業的主人,但在孩童的時期,卻和奴僕沒有分別。
1Zvino ndinoti, mudyi wenhaka, kana achingori mwana chete, haatongosiyani nemuranda, kunyange ari ishe wezvose;
2他是在監護人和管家之下,直到父親預先指定的時候。
2asi uri pasi pevarairidzi nevatariri kusvikira panguva yakatarwa nababa.
3我們也是這樣,作孩童的時候,被世俗的言論所奴役;
3Saizvozvo nesu, apo takanga tichiri vana, taiva muuranda pasi pedzidziso dzekutanga dzenyika;
4但到了時機成熟, 神就差遣他的兒子,由女人所生,而且生在律法之下,
4Asi apo kuzara kwenguva kwakati kwasvika, Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaitwa nemukadzi, wakaitwa pasi pemurairo,
5要把律法之下的人救贖出來,好讓我們得著嗣子的名分。
5kuti adzikunure vari pasi pemurairo, kuti tigamuchire kuitwa vanakomana.
6你們既然是兒子, 神就差遣他兒子的靈進入我們心裡,呼叫“阿爸、父!”
6Uye nekuti muri vanakomana, Mwari wakatuma Mweya weMwanakomana wake mumoyo yenyu, achidanidzira achiti: Abha*, Baba!
7這樣,你不再是奴僕,而是兒子;既然是兒子,就靠著 神承受產業了。
7Saka iwe hausisiri muranda, asi mwanakomana; kana wava mwanakomana, wava mudyi wenhaka yaMwari kubudikidza naKristu.
8保羅為加拉太信徒擔憂從前你們不認識 神的時候,是給那些本來不是 神的作奴僕;
8Asi nenguva iyo, musati maziva Mwari, maiva varanda vaivo vasati vari vamwari pachisikigo;
9現在你們既然認識 神,更可以說是 神所認識的,怎麼還回到那些軟弱貧乏的言論,情願再作它們的奴僕呢?
9asi ikozvino sezvo moziva Mwari, zvikuru zvamunozikamwa naMwari modzokerazve sei kuurongwa hwusina simba hweurombo, hwamunoshuvazve kuva muuranda hwahwo?
10你們嚴守日子、月份、節期、年份;
10Munochengetedza misi, nemwedzi, nenguva, nemakore.
11我為你們擔心,恐怕我在你們身上的勞苦是白費了。
11Ndinokutyirai, zvimwe ndakashingairira pasina kwamuri.
12弟兄們,我請求你們要像我一樣,因為我也像你們一樣。你們並沒有虧負過我。
12Ivai seni, nekuti ini ndakaitawo semwi, hama, ndinokukumbirisai. Hamuna kutombonditadzira chinhu;
13你們知道,我第一次傳福音給你們,是因為身體有病。
13zvino munoziva kuti nemuundonda panyama, ndakaparidza evhangeri kwamuri pakutanga,
14雖然我的身體對你們是個試煉,你們卻沒有輕看,也沒有厭棄,反而接納我,好像 神的天使,也好像基督耶穌。
14nemuedzo wangu waiva panyama yangu hamuna kuzvidza kana kuramba; asi makandigamuchira semutumwa waMwari, saKristu Jesu.
15現在,你們的歡樂在哪裡呢?我可以為你們作證,那時如果可能,你們甚至願意把你們的眼睛剜出來給我哩!
15Zvino kuropafadza kwenyu ndekupi? Nekuti ndinopupura nezvenyu, kuti kana zvichibvira, mutumbure meso enyu muape kwandiri.
16現在我把真理告訴你們,反而成了你們的仇敵嗎?
16Zvino ndava muvengi wenyu nekukuuudzai chokwadi here?
17那些人熱心待你們,並不是出於好意,而是想你們和我疏遠,好使你們熱心待他們。
17Vanokushingairirai nemutowo usakanaka; asi vanoda kukusiyai kunze, kuti imwi muvashingairire.
18常常在善事上熱心,總是好的;只是不要我在你們那裡的時候才是這樣。
18Asi zvakanaka kushingaira pachinhu chakanaka nguva dzose, uye kwete kana ndiripo nemwi chete.
19我的孩子們,為了你們我再受生產的痛苦,直到基督在你們裡面成形。
19Vana vangu vaduku, vandinorwadziwazve nemimba pakubereka, kusvikira Kristu aumbwa mamuri.
20我恨不得現今就在你們那裡,改變我的語氣,因為我為你們十分困擾。
20Ndinoshuva kuvapo nemwi ikozvino, uye kushandura inzwi rangu; nekuti ndiri mukukahadzika pamusoro penyu.
21兩個婦人的寓意你們這願意在律法之下的人哪!請告訴我,你們沒有聽過律法嗎?
21Ndiudzei, imwi munoshuva kuva pasi pemurairo, hamunzwi murairo here?
22經上記著說,亞伯拉罕有兩個兒子,一個出於婢女,一個出於自由的婦人。
22Nekuti kwakanyorwa kuti Abhurahamu wakange ane vanakomana vaviri, umwe nemurandakadzi, umwe nemukadzi wakasununguka.
23但那出於婢女的,是按著肉體生的;那出於自由的婦人的,是憑著應許生的。
23Asi wemurandakadzi wakaberekwa nenzira yenyama; asi wemukadzi wakasununguka nechivimbiso.
24這都是寓意的說法:那兩個婦人就是兩個約,一個是出於西奈山,生子作奴僕,這是夏甲。
24Zvinhu izvi zvinofananidzira; nekuti ava isungano mbiri; imwe inobva pagomo reSinai, inobereka vana vevuranda, inova Agari.
25這夏甲是指著阿拉伯的西奈山,相當於現在的耶路撒冷,她和她的兒女都是作奴僕的。
25Zvino Agari uyu ndiro gomo reSinai muArabhiya, rinomiririra Jerusarema razvino uye riri pauranda pamwe nevana varo.
26那在上面的耶路撒冷是自由的,她是我們的母親,
26Zvino Jerusarema riri kumusoro rakasununguka rinova mai vedu tose.
27因為經上記著說:“不能生育、沒有生養的啊,你要歡欣!沒有受過生產痛苦的啊,你要呼喊,大聲呼叫!因為棄婦比有夫之婦有更多兒子。”
27Nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Fara, iwe mhanje, usingazvari, Pururudza, udanidzire, iwe usingarwadziwi nemimba, nekuti musiiwa unavana vazhinji kunovaiye unomurume.
28可是,弟兄們,你們是按著應許作兒女的,好像以撒一樣。
28Zvino isu, hama, saIsaka tiri vana vechivimbiso.
29不過,當時那按著肉體生的,迫害那按著聖靈生的,現在也是這樣。
29Asi sepanguva iyo, uyo wakaberekwa nemutowo wenyama wakamutambudza iye wemutovo weMweya, zvakadaro kunyange ikozvino.
30然而經上怎樣說呢?“把婢女和她的兒子趕出去,因為婢女的兒子,絕對不可以和自由的婦人的兒子一同承受產業。”
30Asi rugwaro runoti kudini? Dzinga murandakadzi nemwanakomana wake; nekuti mwanakomana wemurandakadzi haangavi mudyi wenhaka pamwe nemwanakomana wewakasununguka.
31所以,弟兄們,我們不是婢女的兒女,而是自由的婦人的兒女了。
31Naizvozvo, hama, hatizi vana vemurandakadzi, asi vewakasununguka.