聖經新譯本

Shona

Galatians

6

1信徒的責任弟兄們,如果有人陷在一些過犯裡,你們屬靈的人,要用溫柔的心使他回轉過來,自己卻要小心,免得也被引誘。
1Hama, kunyange munhu akabatwa pane kumwe kudarika, imwi veMweya mudzose wakadai nemweya weunyoro; uchizvichenjerera iwe, kuti iwewo urege kuidzwa.
2你們各人的重擔要互相擔當,這樣就成全了基督的律法。
2Takuriranai mitoro yenyu, saizvozvo zadzisai murairo waKristu.
3如果有人本來沒有甚麼了不起,卻自以為是了不起的,就是欺騙自己。
3Nekuti kana munhu achizviona sechinhu, asati ari chinhu, unozvinyengera.
4各人應該省察自己所作的,這樣,他引以為榮的,就只在自己而不在別人了;
4Zvino munhu umwe neumwe ngaanzvere basa rake amene, ipapo ungazvirumbidza pamusoro pake amene oga, asi kwete pamusoro peumwe.
5因為各人的擔子,是要自己擔當的。
5Nekuti munhu umwe neumwe uchatakura mutoro wake.
6在聖道上受教的,應該和施教的人分享自己的一切美物。
6Uye unodzidziswa shoko ngaagovane neunodzidzisa pazvinhu zvose zvakanaka.
7不要自欺, 神是不可輕慢的。人種的是甚麼,收的也是甚麼:
7Musanyengerwa, Mwari haasekwi; nekuti chimwe nechimwe munhu chaanodzvara ndichowo chaanokohwa.
8順著自己的肉體撒種的,必定從肉體收取敗壞;順著聖靈撒種的,必定從聖靈收取永生。
8Nekuti unodzvara kunyama yake, uchakohwa kuora kunobva panyama; asi unodzvara kumweya uchakohwa upenyu hwusingaperi, hwunobva kumweya.
9我們行善,不要覺得厭煩;如果不鬆懈,到了適當的時候,就有收成。
9Asi ngatirege kuneta pakuita zvakanaka; nekuti nenguva yakafanira, tinozokohwa kana tisinganeti.
10所以,我們一有機會,就應該對眾人行善,對信徒更要這樣。
10Naizvozvo zvatine mukana, ngatiite zvakanaka kune vose, zvikuru kune veimba yerutendo.
11勸勉和祝福請看,我親手寫給你們的字是多麼的大。
11Vonai kuti akakura sei mavara andinonyora kwamuri neruoko rwangu.
12那些在外表上要體面的人,他們勉強你們受割禮,不過是怕為了基督的十字架受迫害。
12Vose vanoda kuonekera panyama, ndivo vanokurovererai kuti mudzingiswe; chete kuti varege kutambudzwa nekuda kwemuchinjikwa waKristu.
13那些受割禮的人,自己也不遵守律法,反而要你們受割禮,為的是要藉著你們的肉身誇口。
13Nekuti kunyange ivo pachavo vakadzingiswa havachengeti murairo, asi vanoda kuti mudzingiswe, kuti vazvirumbidze panyama yenyu.
14至於我,我絕不以別的誇口,只誇我們主耶穌基督的十字架。藉著這十字架,在我來說,世界已經釘在十字架上了;就世界來說,我也已經釘在十字架上了。
14Asi kwandiri ngakurege kuva nekuzvirumbidza, kunze kwepamuchinjikwa waIshe wedu Jesu Kristu; kubudikidza naye nyika yakarovererwa pamuchinjikwa kwandiri, neni kunyika.
15受割禮或不受割禮,都算不得甚麼,要緊的是作新造的人。
15Nekuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hakuna maturo, asi chisikwa chitsva.
16所有照這準則而行的人,願平安憐憫臨到他們,就是臨到 神的以色列。
16Vose vanofamba nemurairo uyu, rugare ngaruve pamusoro pavo, netsitsi, nepamusoro pevaIsraeri vaMwari.
17從今以後,誰也不要攪擾我,因為我身上帶著耶穌的烙痕。
17Kubvira zvino ngakurege kuva nemunhu unonditambudza; nekuti ndakatakura pamuviri wangu mavanga aIshe Jesu.
18弟兄們,願我們主耶穌基督的恩惠與你們同在(“與你們同在”原文作“與你們的心靈同在”)。阿們。
18Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu, ngadzive nomweya wenyu, hama. Ameni.