聖經新譯本

Shona

Genesis

29

1雅各到達巴旦.亞蘭雅各繼續前行,到了東方人的地方。
1Zvino Jakove wakasimudza tsoka dzake, akaenda kunyika yevana vekumabvazuva.
2他看見田間有一口井;有三群羊躺臥在井旁,因為人都是用那井裡的水給羊群喝;井口上有一塊大石頭。
2Zvino wakaona, tarira, tsime musango, zvino tarira ipapo, mapoka matatu emakwai avete pariri; nekuti patsime iri vaimwisa mapoka; paiva neibwe guru patsime iroro.
3當所有羊群都到齊了,牧人就把井口的石頭輥開,取水給羊群喝,然後把石頭放回井口原處。
3Uye ndipapo paiungana mapoka ose; zvino vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime, ndokumwisa makwai, vachidzosera ibwe pamuromo wetsime panzvimbo yaro.
4雅各問這些牧人:“弟兄們,你們是哪裡來的?”他們回答:“我們是從哈蘭來的。”
4Jakove ndokuti kwavari: Hama dza­ngu, munobvepi? Ivo ndokuti: Tinobva kuHarani.
5他問他們:“你們認識拿鶴的孫子拉班嗎?”他們回答:“我們認識。”
5Zvino wakati kwavari: Munoziva here Ra­bhani mwanakomana waNahori? Ivo ndokuti: Tinomuziva.
6雅各又問他們:“他平安嗎?”他們回答:“平安。你看,他的女兒拉結領著羊群來了。”
6Zvino wakati kwavari: Wakafara here? Ivo ndokuti: Wakafara; zvino tarira, Rakeri mukunda wake, unouya nemakwai.
7雅各說:“現在太陽還高,不是牲畜聚集的時候;你們取水給羊群喝,再去牧放吧。”
7Zvino wakati: Tarirai, achiri masikati ma­kuru, haisi nguva yekuti zvipfuwo zviunganidzwe; mwisai makwai, mugonoafudza.
8他們回答:“我們不能這樣作,必須等到所有的羊群都到齊了,有人把井口的石頭輥開,我們才可以取水給羊群喝。”
8Zvino vakati: Hatingagoni kusvikira mapoka ose aunganidzwa, vagokungurusa ibwe pamuromo we­tsime; ndipo patichamwisa makwai.
9雅各還跟他們說話的時候,拉結領著她父親的羊群來了。拉結原來是個牧羊女。
9Achiri kutaura navo, Rakeri wakasvika nemakwai ababa vake, nekuti waiva mufudzikadzi.
10雅各看見了舅父拉班的女兒拉結,和舅父拉班的羊群,就上前來,把井口的石頭輥開,取水給舅父拉班的羊群喝。
10Zvino zvakaitika Jako­bho achiona Rakeri mukunda waRabhani hanzvadzi yamai vake nemakwai aRabhani hanzvadzi yamai vake, kuti Jakove wakaswedera, akakungurutsa ibwe kubva pamu­romo wetsime, akamwisa makwai aRa­bhani, hanzvadzi yamai vake.
11雅各和拉結親嘴,就放聲大哭。
11Jakove ndokutsvoda Rakeri, akasimudza inzwi rake akabudisa misodzi.
12雅各告訴拉結,自己是她父親的外甥,是利百加的兒子。拉結就跑去告訴她的父親。
12Jakove ndokuudza Rakeri kuti ihama yababa vake, uye kuti mwanakomana waRabheka, ndokumhanya, ndokuudza baba vake.
13拉班聽見了關於外甥雅各的消息,就跑去迎接他,擁抱他,和他親嘴,帶他到自己的家裡。雅各就把一切經過都告訴拉班。
13Zvino zvakaitika Rabhani anzwa ma­shoko aJakove mwanakomana wehanzvadzi yake, kuti wakamhanya kunomuchingamidza, ndokumumbundikira, ndokumutsvoda, ndokumuisa mumba make. Jakove ndokuudza Rabhani zvinhu izvo zvose.
14拉班對雅各說:“你實在是我的骨肉。”雅各就與拉班同住了一個月。
14Rabhani ndokuti kwaari: Zvirokwazvo uri pfupa rangu nenyama yangu. Aka­gara naye mwedzi wose.
15雅各娶拉班兩個女兒為妻拉班對雅各說:“你因為是我的外甥,就要白白地服事我嗎?告訴我,你要甚麼報酬?”
15Zvino Rabhani wakati kuna Jakove: Nekuti uri hama yangu, ungandibatira pachena here? Ndiudze kuti mubayiro wako uchava chii.
16拉班有兩個女兒;大的名叫利亞,小的名叫拉結。
16Zvino Rabhani wakange ane vakunda vaviri; zita remukuru rakange riri Rea, uye zita remuduku Rakeri.
17利亞的眼睛雖然可愛,拉結卻生得身材美麗,樣貌娟秀。
17Rea wakange ane meso akaneta, asi Rakeri wakange aka­naka kwazvo pachimiro nepachiso.
18雅各愛拉結,所以對拉班說:“我願為你的小女兒拉結服事你七年。”
18Zvino Jakove wakada Rakeri. Ndokuti: Ndichakubatirai makore manomwe pamusoro paRakeri, mukunda wenyu muduku.
19拉班說:“我把她給你,比給別人更好,你就與我同住吧。”
19Rabhani ndokuti: Zviri nani kuti ndimupe kwauri pakuti ndimupe umwe murume; gara neni.
20於是,雅各為拉結服事了拉班七年;他就看這七年好像幾天一樣,因為他愛拉結。
20Jakove ndokubatira Rakeri makore manomwe; asi akava pameso ake semazuva mashoma, nekuda kwekumuda kwake.
21雅各對拉班說:“期限到了,請把我的妻子給我,好讓我與她親近。”
21Jakove ndokuti kuna Rabhani: Ndipei mukadzi wangu, nekuti mazuva angu azadzisika, kuti ndipinde kwaari.
22拉班就擺設筵席,邀請了那地方所有的人。
22Rabhani ndokuunganidza vanhu vose venzvimbo iyo, ndokuita mabiko.
23到了晚上,拉班把自己的女兒利亞帶來給雅各,雅各就與她親近。
23Zvino zvakaitika madekwani, kuti wakatora Rea, mukunda wake, ndokumuisa kwaari; iye ndokupinda kwaari.
24拉班又把自己的婢女悉帕給了女兒利亞作婢女。
24Rabhani ndokupa kumukunda wake Rea Ziripa murandakadzi wake, ave mushandiri wake.
25到了早晨,雅各才看出原來是利亞,就對拉班說:“你向我作的是甚麼事呢?我服事你,不是為了拉結的緣故嗎?你為甚麼欺騙我呢?”
25Zvino zvakaitika, kuti mangwanani, tarira, ndiRea; ndokuti kuna Rabhani: Chii ichi chamaita kwandiri? Handina kukubatirai pamusoro paRakeri here? Mandinyengedzererei?
26拉班回答:“大女兒還沒有出嫁,就先把小女兒嫁出去,我們這地方是沒有這規矩的。
26Rabhani ndokuti: Hakunzarwo panzvimbo yekwedu kupa munin'ina kutangira dangwe.
27你與大女兒七天的慶典過了以後,我們也把小女兒給你,只是你要再服事我七年。”
27Pedzisa vhiki yeuyu, tigokupa uyuwo pamusoro pebasa rauchabata nenizve mamwe makore manomwe.
28於是雅各這樣作了。他與利亞七天的慶典過了以後,拉班就把自己的女兒拉結給雅各為妻。
28Jakove ndokuita saizvozvo, ndokuzadzisa vhiki yeuyu; ndokupa kwaari Ra­keri, mukunda wake kuva mukadzi.
29拉班又把自己的婢女辟拉給了女兒拉結作婢女。
29Rabhani ndokupa kuna Rakeri Bhiriha murandakadzi wake, ave murandakadzi kwaari.
30雅各也與拉結親近,並且愛拉結勝過愛利亞;於是他再服事了拉班七年。
30Jakove ndokupindawo kuna Rakeri, ndokudawo Rakeri kupfuura Rea, ndokubata pamwe naye mamwe makore manomwezve.
31雅各的兒子耶和華見利亞失寵,就使她生育,拉結卻不生育。
31Kuzoti Jehovha aona kuti Rea waivengwa, wakazarura chibereko chake, asi Rakeri waiva mhanje.
32利亞懷孕,生了一個兒子,就給他起名叫流本,因為她說:“耶和華看見了我的苦情,現在我的丈夫必愛我了。”
32Rea ndokubata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokutumidza zita rake kuti Ru­bheni, nekuti wakati: Jehovha wakaona dambudziko rangu; naizvozvo ikozvino murume wangu uchandida.
33她又懷孕,生了一個兒子,就說:“耶和華因為聽見我失寵,所以又賜給我這個兒子。”於是給他起名叫西緬。
33Akabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Nekuti Jehovha wanzwa kuti ndinovengwa, naizvozvo wandipawo uyu; ndokutumidza zita rake kuti Simioni.
34她又懷孕,生了一個兒子,就說:“這一次,我的丈夫要依戀我了,因為我已經給他生了三個兒子。”因此給孩子起名叫利未。
34Akabata mimbazve, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Ikozvino nguva ino murume wangu achazvibatanidza neni, nekuti ndamuberekera vanakomana vatatu; naizvozvo zita rake rakanzi Revhi.
35她又懷孕,生了一個兒子,就說:“這一次,我要讚美耶和華了。”因此給孩子起名叫猶大。這樣,她才停止了生育。
35Zvino wakabata mimbazve, akabereka mwanakomana, ndokuti: Nenguva ino ndicharumbidza Jehovha; naizvozvo wakamutumidza zita rake kuti Judha; aka­mira kubereka.