聖經新譯本

Shona

Genesis

30

1拉結見自己沒有給雅各生孩子,就嫉妒她的姊姊,對雅各說:“你要給我兒子,不然,我要死了。”
1Zvino Rakeri akati achiona kuti wakange asingaberekeri Jakove, Rakeri wakagodora mukoma wake, ndokuti kuna Jakove: Ndipe vana; kana zvikasadaro ndife.
2雅各就向拉結生氣,說:“使你不能生育的是 神,我能代替他嗎?”
2Naizvozvo kutsamwa kwaJakove kwakapfutira Rakeri akati: Ndiri pachinzvimbo chaMwari here, wakabata chibereko chechizvaro?
3拉結說:“我的婢女辟拉在這裡,你可以與她親近,使她生子歸我,我就可以從她得到孩子。”
3Iye ndokuti: Tarira, murandakadzi wangu Bhiriha, pinda kwaari, kuti abereke pamabvi angu, neni ndivakwe kwaari.
4於是,拉結把自己的婢女辟拉給了雅各為妾,雅各就與她親近。
4Zvino wakamupa Bhiriha, murandakadzi wake kuva mukadzi; Jakove ndokupinda kwaari.
5辟拉懷孕,給雅各生了一個兒子。
5Zvino Bhiriha wakabata mimba, akaberekera Jakove mwanakomana.
6拉結說:“ 神為我伸了冤,也垂聽了我的聲音,賜給我一個兒子。”所以給他起名叫但。
6Rakeri ndokuti: Mwari wanditongera, uye wanzwa inzwi rangu, ndokundipa mwanakomana. Naizvozvo wakatumidza zita rake kuti Dhani.
7拉結的使女辟拉又懷孕,給雅各生了第二個兒子。
7Bhiriha murandakadzi waRakeri ndokubata mimbazve, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechipiri.
8拉結說:“我與姊姊大大地相爭,我得勝了。”於是給孩子起名叫拿弗他利。
8Zvino Rakeri wakati: Nemutsimba mukuru, ndakaita mutsimba nemukoma wangu, ndikakunda; akatumidza zita rake kuti Nafutari.
9利亞見自己停止生育,就把她的婢女悉帕給了雅各為妾。
9Zvino Rea wakati achiona kuti wamira kubereka, wakatora Ziripa murandakadzi wake, akamupa kuna Jakove kuva mukadzi.
10利亞的婢女悉帕給雅各生了一個兒子。
10Ziripa murandaka­dzi waRea ndokuberekera Jakove mwanakomana.
11利亞說:“我真幸運。”給他起名叫迦得。
11Rea ndokuti: Ndaita rombo rakanaka. Ndokutumidza zita rake kuti Gadhi.
12利亞的婢女悉帕又給雅各生了第二個兒子。
12Zi­ripa, murandakadzi waRea, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechipiri.
13利亞說:“我真有福氣,眾女子都要稱我是有福的。”於是給孩子起名叫亞設。
13Rea ndokuti: Ndezvemufaro wangu, nekuti vakunda vachanditi ndine mufaro. Ndokutumidza zita rake Asheri.
14到了收割麥子的時候,流本出去,在田間找到了一些風茄,就拿來給他母親利亞。拉結對利亞說:“請你把你兒子的風茄分一些給我。”
14Zvino Rubheni akaenda pamazuva okukohwa gorosi, akandowana mamandirakisi* mumunda, akaauisa kuna mai vake Rea. Rakeri ndokuti kuna Rea: Dondipawo mamandirakisi emwanakomana wako.
15利亞回答拉結:“你奪去了我的丈夫,還算小事嗎?你還要奪去我兒子的風茄嗎?”拉結說:“好吧,今夜就讓他與你同睡,來交換你兒子的風茄。”
15Iye ndokuti kwaari: Chinhu chiduku here kuti wakatora murume wangu? Zvino woda kutorazve mamandirakisi emwanakomana wangu here? Rakeri ndokuti: Naizvozvo ucharara newe usiku huno nekuda kwemamandirakisi emwanakomana wako.
16到了晚上,雅各從田間回來,利亞出去迎接他,說:“你要與我親近,因為我實在用我兒子的風茄把你雇下了。”那一夜,雅各就與利亞同睡。
16Zvino Jakove wakati achidzoka kubva kumunda manheru, Rea ndokubuda kunomuchingamidza, akati: Unofanira kupinda kwa­ndiri, nekuti kukuhaya* ndakuhaya nemamandirakisi emwanakomana wangu. Ndokurara naye usiku ihwohwo.
17 神垂聽了利亞的禱告,利亞就懷孕,給雅各生了第五個兒子。
17Zvino Mwari wakanzwa Rea, akabata mimba, akaberekera Jakove mwanakomana wechishanu.
18利亞說:“ 神給了我酬報,因為我把我的婢女給了我的丈夫。”於是給孩子起名叫以薩迦。
18Rea ndokuti: Mwari wandipa mubayiro wangu, nekuti ndakapa murandakadzi wangu murume wangu; ndokutumidza zita rake kuti Isakari.
19利亞又懷孕,給雅各生了第六個兒子。
19Rea ndokubata mimbazve, ndokuberekera Jakove mwanakomana wechitanhatu.
20利亞說:“ 神把美好的禮物送了給我,這一次我的丈夫要抬舉我了,因為我給他生了六個兒子。”於是給孩子起名叫西布倫。
20Rea ndokuti: Mwari wandipa chipo chakanaka; ikozvino murume wangu uchagara neni, nekuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu; ndokutumidza zita rake kuti Zebhuroni.
21後來利亞又生了一個女兒,給她起名叫底拿。
21pashure akazobereka mukunda, akamutumidza zita rake kuti Dhina.
22 神顧念拉結,垂聽了她的禱告,使她能生育。
22Zvino Mwari wakarangarirawo Rakeri, Mwari akamunzwa, akazarura chibereko chake.
23拉結就懷孕,生了一個兒子,說:“ 神把我的恥辱除去了。”
23Akabata mimba, ndokubereka mwanakomana, ndokuti: Mwari wabvisa kunyadziswa kwangu.
24於是給孩子起名叫約瑟,說:“願耶和華再給我一個兒子。”
24Ndokutumidza zita rake kuti Josefa, achiti: Jehovha ngaawedzere kwandiri umwe mwanakomana.
25雅各向拉班訂定工價拉結生了約瑟以後,雅各對拉班說:“請你讓我走吧,我好回到自己的地方,自己的故鄉去。
25Zvino zvakaitia Rakeri abereka Josefa, kuti Jakove wakati kuna Rabhani: Ndiregei ndifambe kuti ndiende kunzvimbo yekwedu nekunyika yekwedu.
26請你把我服事你所得的妻子和兒女都給我,讓我回去;我怎樣服事了你,你是知道的。”
26Ipai kwandiri vakadzi vangu nevana vangu, vandakashandira kwamuri kuti ndiende, nekuti imwi munoziva basa rangu randakakubatirai.
27拉班對他說:“我若蒙你賞臉,請你不要走,因為我得了神旨,知道耶和華賜福給我,是因你的緣故。”
27Rabhani ndokuti kwaari: Kana hangu ndawana nyasha pameso ako; ndaona nekutarisisa kuti Jehovha wakandiropafadza nekuda kwako.
28他又說:“請你定你的工資吧,我必給你。”
28Ndokutiwo: Nditemere mubayiro wako, ndigokupa.
29雅各對拉班說:“我怎樣服事了你,你的牲畜在我手裡情形怎樣,你是知道的。
29Iye ndokuti kwaari: Imwi munoziva kuti ndakakushandirai sei, uye kuti zvipfuwo zvenyu zvaiva zvakadii neni.
30我沒來以前,你所有的很少,現在卻大大地增加了;耶和華隨著我的腳蹤賜福給你。現在,我甚麼時候才能興家立業呢?”
30Nekuti zvishoma zvamaiva nazvo ndisati ndasvika, zvakawanda zvikava zvizhinjizhinji; Jehovha ndokukuropafadzai pakusvika kwangu; zvino ini ndichabatira imba yangu rinhi?
31拉班問:“我該給你甚麼?”雅各回答:“你甚麼也不必給我;只要你答應我這一件事,我就繼續牧放看守你的羊群。
31Iye ndokuti: Ndichakupei? Jakove ndokuti: Hamungandipi chinhu; kana mukandiitira chinhu ichi, ndichafudzazve nekuchengeta zvipfuwo zvenyu.
32今天我要走遍你的羊群,凡有斑點的羊、黑色的綿羊和有斑點的山羊,都挑出來,作為我的工資。
32Ndichagura nepakati peboka renyu rose nhasi, ndichibvisapo gwai rose rine mavara nerine makwapa, negwai rose resvundu pakati pemakwai, nedzine mavara nedzine makwapa pakati pembudzi; zvigova mubayiro wangu.
33日後你來查看我的工資的時候,我好對你證明我的公道。凡在我手裡沒有斑點的山羊,或不是黑色的綿羊,都算是我偷來的。”
33Zvino kururama kwangu kuchandipupurira pazuva rinouya, kana muchiuira mubayiro wangu pamberi pechiso chenyu; zvose zvisina mavara nezvisina makwapa pakati pembudzi, nezvisvundu pamakwai, zvinenge zvabiwa kana zviri kwandiri.
34拉班回答:“好吧,就照你的話去作。”
34Rabhani ndokuti: Tarira, haiwa, ngazvive maererano neshoko rako.
35當日,拉班把有條紋和有斑點的公山羊、有斑點和有白紋的母山羊,以及所有黑色的綿羊,都挑出來交在自己的眾子手裡。
35Zvino nemusi iwoyo wakatsaura nhongo dzembudzi dzakange dzine mitsetse nedzine makwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi dzakange dzine mavara nedzine makwapa, chose chakange chine ruvana ruchena, nechisvundu pamakwai, akapa paruoko rwevana vake.
36又使自己和雅各之間相距有三天的路程。雅各就牧放拉班其餘的羊群。
36Akaisa chinhambwe chemazuva matatu pakati pake naJakove. Jakove akafudza boka raRabhani rakange rasara.
37雅各使用詭計致富雅各拿楊樹、杏樹和楓樹的嫩枝子,把樹皮剝成白色的條紋,使枝子露出白的部分來。
37Zvino Jakove wakatora matanda manyoro emupopura* neemuarimondi neasina makwande, akasvuura mitaro michena paari, akaonesa kuchena kwakange kuri maari.
38然後把剝了皮的枝子插在水溝和水槽裡,枝子正對著來喝水的羊群。羊群來喝水的時候,就彼此交配。
38Ndokuisa matanda aakanga asvuura pamigero nezvimwiro pakanangana nemapoka, paiuya mapoka kuzomwa; kuti abate mazamu pakuuya kwawo kuzomwa.
39羊群對著枝子交配,就生下有條紋和有斑點的小羊來。
39Zvino mapoka akatora zamu pamberi pematanda, mapoka ndokubereka zvine mitsetse nezvine mavara nezvine makwapa.
40雅各把羊羔分別出來,使拉班的羊,對著這些有條紋的和所有黑色的羊。他為自己另組羊群,不把牠們放在拉班的羊群中。
40Zvino Jakove akaparadzanisa makwayana, akataridza zviso zvemapoka kune zvaiva nemitsetse nezvose zvisvundu pamapoka aRabhani; akaisa mapoka ake ari oga; akasaaisa kuzvipfuwo zvaRabhani.
41到了肥壯的羊群要交配的時候,雅各就在羊群的面前把枝子插在水溝裡,使牠們在枝子中間彼此交配。
41Zvino zvakaitika pose akasimba eboka paaibata zamu, kuti Jakove wakaisa matanda pamberi pemeso emapoka pamigero, kuti zviteverwe pakati pematanda.
42但當瘦弱的羊群交配的時候,雅各就不插枝子。這樣,瘦弱的就歸拉班,肥壯的就歸雅各。
42Asi kana boka risina simba haana kuaisa; naizvozvo zvakange zvisina simba zvakange zviri zvaRabhani, uye zvakasimba zvaJakove.
43於是,雅各變成非常富有,擁有很多羊群、僕婢、駱駝和驢。
43Zvino murume akava mukuru kwazvo, akava nemapoka mazhinji nevaranda nevarandakadzi nemakamera nemadhongi.