聖經新譯本

Shona

Genesis

34

1示劍污辱底拿利亞給雅各所生的女兒底拿,出去要看看當地的女子。
1Zvino Dhina mwanasikana waRea, waakaberekera Jakove, aka­buda kunoona vakunda venyika iyoyo.
2當地的首長,希未人哈抹的兒子示劍,看見她,就拉住她,把她強姦,污辱了她。
2Uye Shekemu mwanakomana waHa­mori muHivhi, muchinda wenyika, wakamuona; akamutora, akarara naye, akamufumura.
3示劍的心戀慕雅各的女兒底拿,他深愛這少女,就用甜言蜜語安慰她。
3Mweya wake ndokunamatira panaDhina, mukunda waJakove, ndokuda musikana, akataura kumoyo wemusikana.
4示劍對他父親哈抹說:“求你為我聘這女子為妻。”
4Zvino Shekemu ndokutaura kuna baba vake Hamori achiti: Ndi­torerei musikana uyo ave mukadzi wa­ngu.
5雅各聽見示劍姦污了他的女兒底拿;但那時他的兒子正在田間看守他的牲畜,所以他沒有作聲,只等他們回來。
5Zvino Jakove wakanzwa kuti akasvibisa Dhina mukunda wake; zvino vanakomana vake vakange vari kuzvipfuwo zvake kusango, Jakove ndokunyarara kusvikira vauya.
6雅各的兒子為底拿雪恥示劍的父親哈抹出來見雅各,要與他商議。
6Hamori baba vaShe­kemu vakabuda vakaenda kuna Jakove kunotau­rirana naye.
7雅各的兒子聽見了這事,就從田間回來;各人都感到非常悲痛和忿怒,因為示劍在以色列中作了醜事,就是把雅各的女兒姦污了,這是不應該作的。
7Vakati vachinzwa izvozvo vanakomana vaJakove vakauya vachi­bva kusango; zvino varume ava vakazarirwa kwazvo, vakatsamwa zvi­kuru nekuti wakange aita upenzi pakati pevaIsiraeri nekurara nemukunda waJakove; chinhu chisingafaniri kuitwa saizvozvo.
8哈抹與他們商議說:“我兒子示劍的心依戀你們家的女兒,請你們把她給我的兒子為妻吧。
8Zvino Ha­mori wakataurirana navo achiti: Shekemu mwanakomana wangu, moyo wake unodokwairira mukunda wenyu; domupai he­nyu iye ave mukadzi wake.
9你們與我們可以彼此結親;你們可以把女兒嫁給我們,也可以娶我們的女兒為妻。
9Uye waniranai nesu, tipei vakunda venyu, mugozvitorera vakunda vedu.
10這樣,你們可以與我們同住;這地就擺在你們面前,只管在其中居住,來往作買賣,購置產業吧。”
10Uye garai henyu nesu, nyika ichava pamberi penyu; garai mutengeserane, mupfuwe mairi.
11示劍對底拿的父親和她的兄弟說:“但願我得你們的喜悅,無論你們要甚麼,我必給你們。
11Shekemu ndokuti kuna baba vemusikana nekuhanzvadzi dzake, Ngandiwane nyasha pameso enyu; uye chamuchareva kwandiri, ndichakupai.
12任由你們向我要多重的聘金和多大的禮物,我必照你們所說的給你們,只要你們把這少女給我為妻就是了。”
12Pamhidzirai zvikuru kwandiri roora nechipo; uye ndichapa sezvamuchareva kwandiri; asi ndipei musikana ave mukadzi wangu.
13雅各的眾子,因為示劍姦污了他們的妹妹底拿,就用欺詐的話回答示劍和他父親哈抹,
13Vanakomana vaJakove ndokupi­ndura Shekemu naHamori baba vake, neunyengeri, vakati, nekuti wakasvibisa hanzvadzi yavo Dhina,
14對他們說:“我們不能把妹妹給一個沒有受割禮的人為妻,因為那是我們的恥辱。
14ndokuti kwavari: Hatingagoni kuita chinhu ichi, kupa hanzvadzi yedu munhu une ganda repamberi, nekuti chinyadzo kwatiri.
15只有一個條件,我們才可以答允你們,就是你們當中所有的男子都受割禮,像我們一樣。
15Asi nechinhu ichi tingatenderana nemwi, kana mukava sesu, kuti murume umwe neumwe wekwenyu adzingiswe,
16我們就可以把女兒嫁給你們,也可以娶你們的女兒為妻;我們可以與你們同住,大家成為一族人。
16zvino ticha­kupai vakunda vedu, nesu vakunda venyu tizvitorere; uye tichagara nemwi tive rudzi rumwe.
17但如果你們不肯聽從我們受割禮,我就要把我們家的女兒帶走了。”
17Asi kana musingatitereri mukadzingiswa, tichatora mukunda wedu tiende.
18哈抹和他兒子示劍覺得他們的提議很好。
18Mashoko avo akava akanaka pameso aHamori, nepameso aShekemu, mwanakomana waHamori.
19那少年就立刻照著去作,因為他喜愛雅各的女兒;他在他父親的全家中又是最受尊敬的。
19Jaya harina kunonoka kuita chinhu ichi, nekuti waifarira muku­nda waJakove; uye waiku­dzwa kupfuura imba yose yababa vake.
20哈抹和他兒子示劍來到自己的城的門口,對城裡的人說:
20Zvino Hamori wakasvika, naShekemu mwa­nakomana wake, kusuwo reguta ravo, ndokutaurirana nevanhu veguta ravo vachiti:
21“這些人與我們和平相處,不如讓他們在這地居住,來往作買賣吧。這地兩邊都很寬闊,可以容納他們;我們可以娶他們的女兒為妻,也可以把我們的女兒嫁給他們。
21Varume ava vane rugare nesu; naizvozvo ngavagare munyika, vagotengeseranamo; nekuti nyika, tarirai, yakafara pamberi pavo; vakunda vavo tichavatora vave vakadzi vedu, nevakunda vedu tichavapa ivo.
22但是只有一個條件,這些人才應允與我們同住,大家成為一族人,就是我們中間所有的男子都受割禮,好像他們受了割禮一樣。
22Asi pachinhu ichi chete varume vachatenderana nesu, kugara nesu, nekuva serudzi ru­mwe, kuti murume wose wedu adzingiswa, sezvavakadzingiswa ivo.
23這樣他們的牲畜、財產和所有的牲口,不都要歸我們所有嗎?只要我們應允他們的條件,他們就與我們同住了。”
23Ko mo­mbe dzavo, nenhumbi dzavo, nezvipfuwo zvavo zvose hazvichavi zvedu here? Ngatitenderane navo koga, vagogara nesu.
24所有從城門出入的人,都聽從了哈抹和他兒子示劍的話。於是,所有從城門出入的男子,都受了割禮。
24Zvino vakateerera Hamori naShe­kemu mwanakomana wake, vose vaibuda pasuwo reguta rake, ndokudzingiswa, murume umwe neumwe, vose vaibuda pasuwo reguta rake.
25到了第三天,他們正在疼痛的時候,雅各的兩個兒子,就是底拿的哥哥西緬和利未拿著刀劍,趁著他們想不到的時候,進了那城,把所有的男子都殺了。
25Zvino zvakaitika nezuva retatu vachiri paku­rwadziwa, vanakomana vaviri vaJako­bho, Simioni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina, vakatora umwe neumwe munondo wake, vakanyangira guta, ndokuuraya varume vose.
26又用刀劍殺了哈抹和他兒子示劍,然後從示劍的家裡把底拿帶走。
26Ndokuuraya Hamori naShekemu mwanakomana wake, nekwakapinza kwemunondo, vakabudisa Dhina mumba maShekemu, va­kabuda.
27雅各的兒子因為他們的妹妹被人姦污了,就來到被殺的人那裡,搶掠那城,
27Vanakomana vaJakove vakauya pamusoro pevakauraiwa, vakapamba guta, nekuti vakange vasvibisa hanzvadzi yavo.
28奪去他們的羊群、牛群和驢,以及城裡和田間所有的,
28Vakatora makwai avo nemombe dzavo nemadhongi avo nezvaiva muguta nezvaiva kusango;
29又把他們所有的財物、孩子和婦女都擄去。屋裡所有的東西,都搶掠一空。
29nefuma yavo yose, nevana vavo vaduku vose, nevakadzi vavo vakavatapa vakapamba, nezvinhu zvose zvaiva mudzimba.
30雅各對西緬和利未說:“你們連累了我,使我在這地的居民,就是在迦南人和比利洗人中間,成了可憎的人。我們人數不多,如果他們聯合起來對付我,攻擊我,我和我的家就必滅絕了。”
30Jakove ndokuti kuna Simioni naRevhi: Manditambudza, nekundinhuwisa pakati pevagari vemunyika ino, pakati pevaKanani nevaPerezi; ini ndiri mushoma pauwandu, vachandiunganira, vagondirova; ndichaparara ini neimba yangu.
31他們回答說:“他怎可以待我們的妹妹好像妓女一樣呢?”
31Ivo ndokuti: Aite hanzvadzi yedu sechifeve here?