1雅各差遣眾子往埃及買糧雅各見埃及有糧食,就對兒子們說:“你們為甚麼彼此對望呢?”
1Zvino Jakove akaona kuti zviyo zvaiveko kuEgipita, Jakove akati kuvanakomana vake, Munotarirana neiko?
2他又說:“我聽說埃及有糧食,你們下到那裡去,給我們買些糧食,使我們可以活下去,不至餓死。”
2Akati, Ndanzwa kuti zviyo zviriko kuEgipita; burukiraiko, mundotitengerako, tipone, tirege kufa.
3於是,約瑟的十個哥哥就下去了,要從埃及買五穀。
3Ipapo vakoma vaJosefa vane gumi vakaburuka kundotenga zviyo Egipita.
4但雅各並沒有打發約瑟的弟弟便雅憫與哥哥們同去,因為雅各說:“恐怕他會遇到災害。”
4Asi Bhenjamini, munin'ina waJosefa, Jakove haana kumutuma navakoma vake; nekuti akati, Zvimwe angawirwa nenjodzi.
5以色列的眾子也在前來買糧的人群中,因為迦南地也有饑荒。
5Zvino vanakomana vaIsiraeri vakauya kuzotenga pakati pavamwe vaiuya, nokuti nzara yakanga iripo panyika yeKenani.
6當時治理埃及地的官長是約瑟,賣糧給那地所有的人民的就是他。所以,約瑟的哥哥們來俯伏在地向他下拜。
6Zvino Josefa aiva mubati wenyika; ndiye aitengesera vanhu vose venyika; vakoma vaJosefa vakauya, vakamupfugamira, zviso zvavo zvakatarira pasi.
7約瑟看見他的哥哥們,就認得他們,可是他裝作陌生人,對他們說嚴厲的話,問他們:“你們是哪裡來的?”他們回答:“我們是迦南地來買糧食的。”
7Josefa akaona vakoma vake, akavaziva, asi akaita saasingavazivi, akataura nehasha navo, akati kwavari, Mabvepiko? Ivo vakati, Tabva kunyika yeKanani kuzotenga zvokudya.
8約瑟認得他的哥哥們,他們卻不認得他。
8Josefa akaziva vakoma vake, asi ivo havana kumuziva.
9約瑟想起從前所作關於他們的兩個夢,就對他們說:“你們是間諜,是來偵察本地的虛實。”
9Ipapo Josefa akarangarira kurota kwake kwaakadeya kurota pamusoro pavo, akati kwavari, Muri vashori, mauya kuzoona kuti nyika yakashama papi.
10他們對他說:“我主啊,不是這樣,僕人們實在是來買糧食的。
10Ivo vakati kwaari, Kwete, ishe wedu, asi varanda venyu vauya kuzotenga zvokudya.
11我們都是一個人的兒子,是誠實人;僕人們並不是間諜。”
11Tiri vanakomana vomunhu mumwe chete tose; tiri vanhu vakatendeka, varanda venyu havazi vashori;
12約瑟對他們說:“不是的,你們實在是來偵察本地的虛實。”
12iye akati kwavari, Kwete, mauya kuzoona nyika kuti yakashama papi.
13他們說:“僕人們本是兄弟十二人,我們都是迦南地一個人的兒子。最小的現在與我們的父親在一起,還有一個不在了。”
13Ivo vakati, Isu varanda venyu, tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete panyika yeKanani; zvino worugotwe ari kuna baba vedu nhasi; mumwe haachisipo.
14約瑟對他們說:“我剛才對你們說:‘你們是間諜。’這話實在不錯。
14Josefa akati kwavari, Ndizvo zvandanga ndichitaura kwamuri, ndichiti muri vashori;
15我要這樣試試你們:我指著法老的性命起誓,如果你們最小的弟弟不到這裡來,你們就決不得離開這裡。
15hechi chinhu chamuchaedzwa nacho. Noupenyu hwaFarao, hamungabudi pano kana munin'ina wenyu worugotwe asina kuuya pano.
16你們可以派你們中間一個人回去,把你們的弟弟帶來;其餘的人都要囚禁起來,好證明你們的話真實不真實。如果不真實,我指著法老的性命起誓,你們就是間諜。”
16Tumai mumwe wenyu kuti andotora munin'ina wenyu, asi imwi muchafanira kugara makasungwa, kuti mashoko enyu aedzwe, kana makatendeka; kana zvisina kudaro, zvirokwazvo, noupenyu hwaFarao muri vashori.
17於是,約瑟把他們收在監房裡三天。
17Ipapo akavaisa pamwechete vose mutirongo, kuti vachengetwe mazuva matatu.
18到了第三天,約瑟對他們說:“我是敬畏 神的,你們要這樣作,就可以活著;
18Josefa akati kwavari nezuva retatu, Itai chinhu ichi, mupone; ini ndinotya Mwari;
19如果你們是誠實人,就叫你們兄弟中一個人囚禁在監裡,你們其餘的人可以帶著糧食回去,解救你們家人的饑荒。
19kana muri vanhu vakatendeka, mumwe wavanin'ina venyu ngaagare akasungwa mutirongo yenyu; asi imwi endai makatakura zviyo kundopa mhuri dzenyu dzine nzara.
20然後把你們最小的弟弟帶到我這裡來,這樣,就可以證明你們的話是真實的,你們就不必死了。”他們就照樣作了。
20Mugouya nomunununa wenyu worugotwe kwandiri; naizvozvo mashoko enyu achasimbiswa, murege kufa. Vakaita saizvozvo.
21他們彼此說:“我們在對待弟弟的事上實在有罪。他向我們求情的時候,我們看見他心裡的痛苦,卻不肯聽他,所以這次苦難臨到我們身上了。”
21Vakataurirana vachiti, Zvirokwazvo tine mhosva nokuda komunin'ina wedu, nokuti takaona kutambudzika komweya wake musi uya waakatinyengetera, tikaramba kumuteerera; naizvozvo tawirwa nokutainbudzika.
22流本回答他們,說:“我不是對你們說過:‘不要傷害那孩子’嗎?可是你們不肯聽,現在流他血的罪要向我們追討。”
22Ipapo Rubheni akapindura, akati, Handina kukuudzai here, ndichiti, Regai kutadzira mwana, mukaramba kunditeerera? Naizvozvo tarirai, ropa rake rotsvakwa.
23他們不知道約瑟聽得明白,因為他們中間有人當傳譯。
23Zvino vakanga vasingazivi kuti Josefa anonzwisisa, nekuti kwanga kuine mupinduri pakati pavo.
24約瑟轉身離開他們,哭了一陣,又回到他們那裡,與他們說話。然後從他們中間拉出西緬來,在他們眼前把他捆綁起來。
24Ipapo Josefa akabva kwavari, akachema; akadzokerazve kwavari, akataura navo, akatora Simioni pakati pavo, akamusunga vachizviona.
25雅各的眾子返回迦南約瑟吩咐人把五穀裝滿他們的袋,把他們的銀子放回各人的布袋裡;又給他們路上用的食物。一切就照樣辦了。
25Josefa akaraira kuti midziyo yavo izadzwe nezviyo, uye kuti mumwe nomumwe adzoserwe mari yake muhomwe yake, uye kuti vapiwewo mbuva yokufamba nayo; vakaitirwa saizvozvo.
26他們把糧食馱在他們的驢上,離開那裡去了。
26Ipapo vakatakudza madhongi avo zviyo zvavo, vakaenda.
27到了住宿的地方,他們其中的一個人打開了布袋,要拿飼料餵驢的時候,才發現自己的銀子還在袋口那裡。
27Zvino mumwe wavo akati achisunungura homwe yake, kuti ape dhongi rake zvokudya pavakavata usiku, akawana mari yake; heyo yakanga iri mumuromo wehomwe yake.
28於是對兄弟們說:“我的銀子都歸還了。你們看,就在我的布袋裡。”他們就心裡驚慌,彼此戰戰兢兢地說:“ 神向我們作的是甚麼呢?”
28Akati kuhama dzake, Mari yangu yadzoswa; heyi iri muhomwe yangu; ipapo vakaora moyo, vakatarirana, vachibvunda, vakati, Chinyiko ichi chataitirwa naMwari?
29他們回到迦南地他們的父親雅各那裡,把他們遭遇的一切事都告訴了他,說:
29Vakasvika kuna baba vavo panyika yeKanani, vakavaudza zvose zvakanga zvavawira;
30“那地的主人對我們說了一些嚴厲的話,把我們當作偵察那地的間諜。
30vakati, Murume uya, ishe wenyika iyoyo, akataura nesu nehasha, akati, tiri vashori venyika.
31我們對他說:‘我們是誠實人,並不是間諜。
31Tikati kwaari, Tiri vanhu vakatendeka, hatizi vashori;
32我們本是兄弟十二人,都是一個父親的兒子;有一個不在了,最小的現在與我們的父親一起在迦南地。’
32tiri vanakomana vane gumi navaviri vomunhu mumwe chete, vanakomana vababa vedu; mumwe haachipo, worugotwe ari kuna baba vedu nhasi panyika yeKanani.
33那地的主人對我們說:‘我用這個辦法就可以知道你們是不是誠實人:你們兄弟中要留下一人在我這裡,其餘的人可以帶著糧食回去,解救你們家人的饑荒。
33Zvino murume uya, ishe wenyika, akati kwatiri, Hechi chinhu chandichaziva nacho kuti muri vakatendeka, Siyai mumwe wenyu kwandiri, mutore zviyo, mundopa mhuri dzenyu dzine nzara, muende.
34然後把你們最小的弟弟帶到我這裡來,我就知道你們不是間諜,而是誠實人了。這樣,我就把你們的兄弟交還給你們,你們也可以在這地自由來往。’”
34Mugouyazve kwandiri nomunin'ina wenyu worugotwe; ipapo ndichaziva kuti hamuzi vashori, asi kuti muri vanhu vakatendeka; ipapo ndichakupai munin'ina wenyu, mugotenga panyika ino.
35後來他們倒布袋的時候,不料各人的銀包仍然在各人的布袋裡。他們和他們的父親看見了銀包,就都懼怕起來。
35Zvino vakati vachidurura homwe dzavo, tarira chiputu chemari yomumwe nomumwe chakanga chiri muhomwe yake; vakati vachiona zviputu zvemari yavo, vakatya ivo nababa vavo.
36他們的父親雅各對他們說:“你們總是使我喪失兒子:約瑟沒有了,西緬也沒有了,你們還要把便雅憫帶走;每一件事都是針對我。”
36Zvino Jakove akati kwavari, Manditorera vana; Josefa haachipo, naSimioni haachipo, zvino moda kutora naBhenjaminiwo; zvinhu zvose izvi zvandiwira.
37流本對他父親說:“如果我不把他帶回來給你,你可以殺死我的兩個兒子;只管把他交給我吧,我必把他帶回來給你。”
37Ipapo Rubheni akataura nababa vake, akati, Mungauraya henyu vanakomana vangu vaviri, kana ndisingadzoki naye kwamuri; chimuisai henyu mumaoko angu, ini ndichauya nayezve kwamuri.
38雅各說:“我的兒子不可與你們一同下去,因為他的哥哥死了,只剩下他一個;如果他在你們所走的路上遇到不幸,你們就使我這白髮老人愁愁苦苦地下陰間去了。”
38Vakati, Mwanakomana wangu haangaburuki nemi, nekuti mukoma wake wakafa, iye asiiwa ari oga; kana akawirwa nenjodzi parwendo rwamunofamba, muchaburutsira vhudzi rangu jena kuguva nokuchema.