1約瑟向他的兄弟表明身分約瑟在所有侍立在他左右的人面前,不能自制,就喊叫說:“叫各人都離開我出去。”這樣,約瑟向他的兄弟們表白自己身分的時候,沒有別人在場。
1Zvino Josefa haana kugona kuzvidzora pamberi pavose vakanga vamire naye, akadana, achiti, Budisai vanhu vose vari pano neni. Zvino kwakanga kusina munhu akamira naye Josefa achizvizivisa kuvana vababa vake.
2於是他放聲大哭,埃及人聽到了;法老一家也聽聞這事。
2Akachema kwazvo, vaEgipita naveimba yaFarao vakazvinzwawo.
3約瑟對他的兄弟們說:“我就是約瑟,我的父親還在嗎?”他的兄弟們不能回答他,因為他們在約瑟面前都非常驚惶。
3Ipapo Josefa akati kuvana vababa vake, Ndini Josefa! Baba vangu vachiri vapenyu Here? Vana vababa vake vakasagona kumupindura, nokuti vakanga vachitya pamberi pake.
4約瑟對他的兄弟們說:“請你們上前來。”他們就上前去。他說:“我就是被你們賣到埃及的弟弟約瑟。
4Josefa akati kuvana vababa vake, Doswederai henyu kwandiri. Zvino vakaswedera. lye akati, Ndini Josefa, mwana wababa venyu wamakatengesa ndikaiswa Egipita.
5現在你們不要因為把我賣到這裡來,而自憂自責。這原是 神差派我在你們以先來這裡,為要保全性命。
5Zvino musazvidya moyo, kana kuzvitsamwira, zvamakanditengesera kuno; nekuti Mwari akandituma pamberi penyu, kuti ndichengete upenyu.
6現在這地的饑荒已經有兩年了,還有五年不能耕種,也沒有收成。
6nekuti zvino ava makore maviri enzara panyika ino; mamwe makore mashanu achiko, avasingazorimi nokukohwa nawo.
7 神差派我在你們以先來這裡,為要給你們在地上留下餘種,大大施行拯救,保全你們的性命。
7Mwari akandituma pamberi penyu kuti ndikuchengetei, muve navamwe vachasara panyika, ndikuraramisei kuti musunungurwe nokusunungurwa kukuru.
8這樣看來,差派我到這裡來的,不是你們,而是 神。他立我作法老之父,作他全家之主,又作全埃及地的首相。
8Zvino hamuzimi makandituma pano, asi Mwari; iye akandiita baba kuna Farao nashe weimba yake yose, nomubati wenyika yose yeEgipita.
9你們要趕快上到我父親那裡去,對他說:‘你的兒子約瑟這樣說: 神立我作了全埃及的主;請你下到我這裡來,不要耽延。
9Kurumidzai, mukwire kuna baba vangu, mundoti kwavari, Zvanzi naJosefa, mwanakomana wenyu, Mwari akandiita ishe weEgipita rose; burukirai kwandiri musanonoka;
10你和你的眾兒孫、牛羊,以及你一切所有的,都可以住在歌珊地,與我相近。
10mugare panyika yeGosheni, mugova pedo neni, imwi, navanakomana venyu, navana vavana venyu, namakwai enyu, nemombe dzenyu, nezvose zvamunazvo;
11我要在那裡供養你,因為還有五年的饑荒,免得你和你的家人,以及你一切所有的,都陷入窮困裡。’
11ndichakuchengetaipo, nekuti mamwe makore mashanu enzara achiripo, kuti murege kuzova varombo, imwi, naveimba yenyu, nezvose zvamunazvo.
12看哪,你們和我弟弟便雅憫都親眼看見,是我親口對你們說話。
12Tarirai meso enyu anoona, nameso omunin'ina wangu Bhenjamini kuti muromo wangu unotaura kwamuri.
13你們也要把我在埃及的一切尊榮,和你們所看見的一切,都告訴我的父親,又要趕快把我的父親接到這裡來。”
13Mundoudza baba vangu kukudzwa kwangu kose paEgipita, nezvose zvamaona; mukurumidze kuburutsira baba vangu kuno.
14於是,約瑟伏在他弟弟便雅憫的頸項上,哭起來了;便雅憫也伏在約瑟的頸項上哭。
14Akawira pamutsipa waBhenjamini, munin'ina wake, akachema, naiye Bhenjamini akachema pamutsipa wake.
15他又與眾兄弟親嘴,擁抱著他們哭。然後,他的兄弟們就跟他說話。
15Akatsvoda vakoma vake vose, akachema pamusoro pavo; shure kwaizvozvo vakoma vake vakataura naye.
16法老命約瑟迎接父親消息傳到法老的家裡,說:“約瑟的兄弟們來了。”法老和他的臣僕都很高興。
16Zvino mukurumbira wazvo wakanzwika mumba maFarao, zvichinzi, Vana vababa vaJosefa vasvika! Farao navaranda vake vakafara naizvozvo.
17法老對約瑟說:“你要對你的兄弟們說:‘你們要這樣作:使你們的牲口載滿貨物,起程到迦南地去,
17Farao akati kuna Josefa, Iti kuvana vababa vako, Itai chinhu ichi: Takudzai zvipfuwo zvenyu, mufambe, muende kunyika yeKanani;
18把你們的父親和家人都接到我這裡來;我要把埃及地美好的產物賜給你們,你們也可以吃這地肥美的食物。’
18mundotora baba venyu navedzimba dzenyu muuye kwandiri; ndichakupai zvinhu zvakaisvonaka zvenyika yeEgipita, mudye zvakakora zvenyika.
19現在我再吩咐你對他們說:‘你們要這樣作:從埃及地帶些車輛回去,用來接你們的孩子和妻子,並且把你們的父親接來。
19Zvino chiitai sezvamarairwa; torerai vana venyu vaduku navakadzi venyu ngoro panyika yeEgipita, mundotora baba venyu, muuye.
20不要顧惜你們的家具,因為埃及全地美好的產物都是你們的。’”
20Musafunga nhumbi dzenyu, nekuti zvakaisvonaka zvenyika yose yeEgipita ndezvenyu.
21以色列的兒子們就照樣作了。約瑟照著法老所吩咐的,給了他們一些車輛和路上用的食物。
21Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaakarairwa naFarao, akavapa mbuva yokufamba nayo.
22又給了他們各人一套新衣服,但是給便雅憫三千四百二十克銀子和五套衣服。
22Akapa vose, mumwe nomumwe nguvo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguvo dzakanaka shanu.
23約瑟送去給他父親的,有公驢十頭,載著埃及美好的產物,以及母驢十頭,載著五穀、餅和給他父親在路上用的食物。
23Nababa vake akavatumira mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveEgipita, namakadzi emadhongi gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo.
24於是,約瑟打發他的兄弟們回去,他們走的時候,約瑟對他們說:“你們在路上不要爭吵。”
24Zvino akatendera vana vababa vake kuenda, vakabva; akati kwavari, Chenjerai, musatukana munzira.
25兄弟回家迎接父親他們離開埃及,上到迦南地他們父親雅各那裡去,
25Ipapo vakabva Egipita, vakakwira, vakandosvika kunyika yeKanani kuna Jakove, baba vavo.
26告訴他,說:“約瑟還在,並且作了埃及全地的首相。”雅各的心冷淡麻木,因為他不相信他們。
26Vakavaudza, vakati, Josefa achiri mupenyu; ndiye mubati wenyika yose yeEgipita. Ipapo moyo wavo wakati rukutu, nekuti havana kutenda.
27他們就把約瑟對他們所說的一切話,都告訴了他。他們的父親雅各看見了約瑟派來接他的車輛,心才甦醒過來。
27Vakavaudza mashoko ose aJosefa; zvino vakati vaona ngoro dzakanga dzatumwa naJosefa kuzovatakura, mweya waJakove, baba vavo, ukavandudzwa;
28以色列說:“夠了!約瑟我的兒子還在;在我還沒有死以前,我要去看看他。”
28Isiraeri akati, Zvaringana! Josefa, mwanakomana wangu achiri mupenyu; ndichaenda ndimuone ndisati ndafa.