1所以,我們應當離開基督初步的道理,努力進到成熟的地步,不必在懊悔死行,信靠 神,洗禮,按手禮,死人復活,和永遠審判的教訓上再立根基。
1Naizvozvo tichisiya zviga zvedzidziso yaKristu, ngatipfuurire mukupedzerera, tisingaisizve nheyo dzekutendeuka kubva pamabasa akafa, nedzekutenda kuna Mwari,
2
2nedzedzidziso dzebhabhatidzo, nedzekuisa maoko, nedzekumuka kwevakafa, nedzekutonga kusingaperi.
3只要 神允許,我們就這樣作。
3Uye izvi tichazviita, kana Mwari achitendera.
4因為那些曾經蒙了光照,嘗過屬天的恩賜的滋味,與聖靈有分,
4Nekuti hazvigoni kune avo vakambovhenekerwa, vakaravira zvechipo chekudenga, vakava vagovani veMweya Mutsvene,
5並且嘗過 神美善的道和來世的權能的人,
5vakaravira shoko rakanaka raMwari, nemasimba enyika inouya,
6如果偏離了正道,就不可能再使他們重新悔改了。因為他們親自把 神的兒子再釘在十字架上,公然羞辱他。
6uye vakazotsauka ivo vose kuti vavandudzirwezve mukutendeuka, zvavanozvirovererazve pamuchinjikwa Mwanakomana waMwari, vachimunyadzisa pachena.
7這就像一塊地,吸收了常常下在它上面的雨水,如果長出對種植的人有用的菜蔬,就從 神那裡得福。
7Nekuti nyika iyo inomwa pamvura inogaronaya pamusoro payo, ichibereka miriwo yakafanira avo vanoirimawo, ndiyo inoropafadzwa naMwari;
8但如果這塊地長出荊棘和蒺藜來,就被廢棄,近於咒詛,結局就是焚燒。
8asi iyo inobereka mhinzwa nerukato inorambwa, yava pedo nerushambwa; kuguma kwayo ndiko kupiswa.
9不過,親愛的弟兄們,我們雖然這樣說,但對於你們,我們卻深信你們有更好的表現,結局就是得救。
9Asi vadiwa, tine chokwadi pamusoro penyu chezvinhu zviri nani uye zvinhu zvine ruponeso, kunyange tichitaura sezvizvi.
10因為 神並不是不公義,以致忘記了你們的工作,和你們為他的名所表現的愛心,就是你們以前服事聖徒,現在還是服事他們。
10Nekuti Mwari haazati ari usakarurama kuti akangangamwe basa renyu nebasa guru rerudo rwamakaratidza kuzita rake, zvamakashumira vatsvene uye muchiri kungovashumira.
11我們深願你們各人都表現同樣的熱誠,一直到底,使你們的盼望可以完全實現,
11Zvino tinoshuva kuti umwe neumwe wenyu aratidze kushingaira kwakadaro, kuti muve netariro yakakwana kusvikira pakuguma.
12並且不要懶惰,卻要效法那些憑著信心和忍耐承受應許的人。
12Kuti murege kuva simbe, asi vateveri vaivo vanodya nhaka yezvipikirwa kubudikidza nerutendo nemoyo murefu.
13 神起誓保證他的應許 神應許亞伯拉罕的時候,因為沒有比自己更大的可以指著起誓,他就指著自己起誓,
13Nekuti Mwari paakaita chitsidzo kuna Abhurahamu, nekuti wakange asina mukuru kwaari waangapika naye, wakapika naiye amene,
14說:“我必定賜福給你,必定使你的後裔繁多。”
14achiti: Zvirokwazvo kuropafadza ndichakuropafadza, nokuwanza ndichakuwanza.
15這樣,亞伯拉罕耐心等待,終於獲得了所應許的。
15Nekudaro, wakati atsungirira nemoyo murefu akawana chivimbiso.
16因為人起誓都是指著比自己大的起誓。這誓言就了結了他們中間的一切糾紛,作為保證。
16Nekuti vanhu zvirokwazvo vanopika nemukuru kwavari; nemhiko yekusimbisa kwavari kuguma kwegakava rose.
17照樣, 神定意向那些承受應許的人,更清楚地表明他的旨意是不更改的,就用起誓作保證。
17Pakazoti Mwari achida zvikuru kuratidza kuvadyi venhaka yechivimbiso kusashanduka kwezano rake, wakasimbisa nokupika,
18這兩件事是不能更改的,因為 神是決不說謊的。因此,我們這些逃進避難所的人,就大得安慰,抓緊那擺在我們面前的盼望。
18kuti nezvinhu zviviri zvisingashanduki, pazviri pasingabviri kuti Mwari areve nhema, tive nekunyaradzwa kwakasimba, iyesu, takatiza kuti tibatirire kutariro yakaiswa pamberi pedu;
19我們有這盼望,就像靈魂的錨,又穩當又堅固,通過幔子直進到裡面。
19yatinayo sehaka yeMweya zvose isingazununguswi yakasimba, inopinda kune zviri mukati mevheiri;
20耶穌已經為我們作先鋒進入了幔子裡面;他是照著麥基洗德的體系,成了永遠的大祭司。
20pakapinda nhungamiri nekuda kwedu, iye Jesu wakaitwa mupristi mukuru nekusingaperi, wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.