1至高 神的祭司麥基洗德這麥基洗德就是撒冷王,又是至高 神的祭司。亞伯拉罕殺敗眾王回來的時候,麥基洗德迎接他,並且給他祝福。
1Nekuti Merikizedheki uyu, mambo weSaremi, mupristi waMwari Wekumusoro-soro, wakasangana naAbhurahamu achidzoka kubva kunoponda madzimambo, akamuropafadza,
2亞伯拉罕也把自己得來的一切,拿出十分之一來給他。麥基洗德這名字翻譯出來,頭一個意思就是“公義的王”;其次是“撒冷王”,就是“平安的王”的意思。
2Abhurahamu wakapawo kwaari chegumi chezvose; iye pakutanga ari nekududzirwa mambo wekururama, uye shure kweizvozvo mambo weSaremi, ndokuti mambo werugare;
3他沒有父親,沒有母親,沒有族譜,也沒有生死的記錄,而是與 神的兒子相似,永遠作祭司。
3asina baba, asina mai, asina dzinza, asina mavambo amazuva, kana kuguma kweupenyu, asi wakafananidzwa neMwanakomana waMwari, unogara ari mupristi nekusingaperi.
4麥基洗德的祭司職分你們想一想這人是多麼偉大啊!祖先亞伯拉罕也要從上等的擄物中,拿出十分之一來給了他。
4Zvino rangarirai kuti kukura kwakadini kweuyu, wakapiwa nateteguru Abhurahamu chegumi chezvaakapamba.
5那些領受祭司職分的利未子孫,奉命按照律法向人民,就是自己的弟兄,收取十分之一;雖然他們都是出於亞伯拉罕的。
5Zvino zvirokwazvo avo vari vanakomana vaRevhi, vakagamuchira basa reupristi, vane murairo wekutora chegumi kuvanhu, zvichienderana nemurairo, ndiko kuti kuhama dzavo, kunyange vakabva muchiuno chaAbhurahamu;
6可是那不與他們同譜系的麥基洗德,反而收納了亞伯拉罕的十分之一,並且給這蒙受應許的人祝福。
6asi iye dzinza rake risina kuverengerwa kwavari wakagamuchira chegumi kubva kuna Abhurahamu akamuropafadza iye wakange ane zvivimbiso.
7向來都是位分大的給位分小的祝福,這是毫無疑問的。
7Zvino pasina kupikisa kose, muduku unoropafadzwa nemukuru.
8在這裡,收取十分之一的,都是必死的;但在那裡,收納十分之一的,卻被證實是一位活著的。
8Uye pano vanhu vanofa vanogamuchira zvegumi; asi apo agamuchira uyo unopupurirwa kuti mupenyu.
9並且可以這樣說,連那收取十分之一的利未,也透過亞伯拉罕繳納了十分之一。
9Zvino kunganzi, Revhiwo unogamuchira zvegumi iyewo wakapa zvegumi muna Abhurahamu;
10因為麥基洗德迎接亞伯拉罕的時候,利未還在他祖先的身體裡面。
10Nekuti wakange achiri muchiuno chababa vake, apo Merikizedheki akamuchingamidza.
11耶穌按麥基洗德體系作祭司這樣看來,如果藉著利未人的祭司制度能達到完全的地步(人民是在這制度下領受律法的),為甚麼還需要照著麥基洗德的體系,另外興起一位祭司,而不照著亞倫的體系呢?
11Naizvozvo, kana kupedzeredzwa kwaivapo neupristi hweRevhi (nokuti pasi pahwo vanhu vakapiwa murairo), ko umwe mupristi waifanira kuzomukirei wenhevedzo yerudzi rwaMerikizedheki, asingaidzwi wenhevedzo yerudzi rwaAroni?
12祭司的制度既然更改了,律法也必須更改。
12Nekuti kana upristi hwuchishandurwa, zvinofanirawo kuti kuve neshanduko yemurairo.
13因為這些話所指的那位,原是屬於另外一個支派的,這支派向來沒有人在祭壇前供職。
13Nekuti iye unorehwa zvinhu izvi pamusoro pake wakange ari werumwe rudzi, rwakanga rusino munhu wakambobata basa paaritari.
14我們的主明明是從猶大支派出來的,關於這個支派,摩西並沒有提及祭司的事。
14Nekuti zvinoonekwa pachena kuti Ishe wedu wakabva kuna Judha; irwo rudzi Mozisi rwaasina kumbotaura chinhu pamusoro parwo maererano neupristi.
15如果有另一位像麥基洗德那樣的祭司興起來,那麼,這裡所說的就更明顯了。
15Izvi zvinoratidzwawo pachena kwazvo, kana kuchimuka mumwe mupristi wakafanana naMerikizedheki,
16他成了祭司,不是按著律法上肉身的條例,卻是按著不能毀壞的生命的大能。
16wakaitwa, kwete nenzira yemurairo wekuraira kwenyama, asi nesimba reupenyu hwusingaperi.
17因為有為他作證的說:“你永遠作祭司,是照著麥基洗德的體系。”
17Nekuti iye unopupura achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki.
18一方面,從前的條例因為軟弱,沒有用處,就廢棄了;
18Nekuti kuparadzwa kwemurairo wekutanga kwakaitwa nekuda kweutera hwawo, uye nekuti hauna maturo;
19(因為律法從來沒有使甚麼得到完全,)另一方面,它卻帶來了更美的盼望,藉著這盼望,我們就可以親近 神。
19Nekuti murairo hauna kuperedzera chinhu, asi kuuyisa tariro inopfuura pakunaka, yatinoswedera nayo kuna Mwari.
20此外,還有關於誓言的事。其他成為祭司的,並不是用誓言立的;
20uye, zvaasina kuitwa pasina mhiko;
21只有耶穌是用誓言立的,因為那立他的對他說:“主已經起了誓,決不改變,你永遠作祭司。”
21(nekuti ivo vakaitwa vapristi pasina mhiko, asi uyu nemhiko, naiye wakati kwaari: Ishe wakapika, uye haangazvidembi achiti: Iwe uri mupristi nekusingaperi wenhevedzo yeimba yaMerikizedheki);
22耶穌既然是用誓言立的,就成了更美好的約的保證。
22Saizvozvo Jesu wakaitwa rubatso rwesungano inopfuura pakunaka.
23一方面,從前那些作祭司的,因為受死亡的限制,不能長久留任,所以人數眾多。
23Ivo zvirokwazvo vaiva vapristi vazhinji, nekuti havana kutenderwa kugara nekusingaperi nechikonzero cherufu.
24另一方面,因為耶穌是永遠長存的,就擁有他永不更改的祭司職位。
24Asi uyu nekuti unogara nekusingaperi une upristi hwusingapfuuriri.
25因此,那些靠著他進到 神面前的人,他都能拯救到底;因為他長遠活著,為他們代求。
25Naizvozvo une simbawo rekuponesa kwakaperedzerwa avo vanouya kuna Mwari naye, zvaanongoraramira kuvareverera nekusingaperi.
26這樣的一位大祭司,對我們本是合適的。他是聖潔、沒有邪惡、沒有玷污、從罪人中分別出來、高過眾天的。
26Nekuti mupristi mukuru wakadaro ndiye wakatifanira, mutsvene, usina chakaipa, usina kusvibiswa, wakaparadzaniswa nevatadzi, wakakwidzwa kupfuura matenga;
27他不必像那些大祭司,天天先為自己的罪獻祭,然後為人民的罪獻祭;因為他獻上了自己,就把這事一次而永遠的成全了。
27usingatsvaki zuva nezuva, sevaya vapristi vakuru kubayira pakutanga pamusoro pezvivi zvake, pashure zvevanhu; nekuti wakaita izvozvi kamwe, zvikapera, paakazvibayira iye.
28律法所立的大祭司,都是軟弱的人;可是在律法以後,用誓言所立的兒子,卻是成為完全直到永遠的。
28Nekuti murairo unogadza vanhu kuva vapristi vakuru vane utera; asi shoko remhiko, rakatevera murairo, rinogadza Mwanakomana, wakapedzeredzwa nekusingaperi.