聖經新譯本

Shona

Isaiah

3

1耶路撒冷的混亂狀態看哪!主萬軍之耶和華,快要從耶路撒冷和猶大,除掉人所倚靠的和所倚賴的,就是眾人所倚靠的糧,眾人所倚賴的水;
1nekuti tarirai, Ishe, Jehovha wehondo anotorera Jerusaremu naJudha mutsigiro nomudonzvo, mutsigiro wose wezvokudya, nomutsigiro wose wemvura;
2除掉勇士和戰士、審判官和先知、占卜的和長老、
2munhu wemhare, nomunhu wehondo; mutongi, nomuporofita, nomuvuki, nomukuru;
3五十夫長和尊貴的人、謀士和有技藝的工人,以及精通法術的。
3mukuru wamakumi mashanu, nowanokudzwa, namakurukota, nemhizha dzakachenjera, nomuvuki anoziva.
4我必使孩童作他們的領袖,使嬰孩管轄他們。
4Ndichavapa vakomana nhubu vave machinda avo, navacheche vachatonga pamusoro pavo .
5人民必互相壓迫,人欺壓人,也欺壓自己的鄰舍;年輕人要欺凌老年人,卑賤人必欺凌尊貴人。
5Vanhu vachamanikidzwa, mumwe achimanikidza mumwe, nomumwe nomumwe nowokwake; mwana achava namanyawi kuna vakuru, nowakazvidzwa kunowanokudzwa.
6人若在父家裡,拉住自己一個兄弟,說:“你有一件外衣,你就作我們的官長吧!這敗落的事就歸你的手處理。”
6Musi uyo munhu achabata munin'ina wake mumba mababa vake, achiti, Iwe une nguvo, chiva mutongi wedu; kuparadzwa uku ngakugadzirwe noruoko rwako.
7那時,那人必高聲說:“我不作醫治你們的人,因為我家裡沒有糧食,也沒有外衣,你們不要立我作人民的官長。”
7Zvino nezuva iro achadanidzira, achiti, Handidi kuva n'anga, nekuti mumba mangu hamune zvokudya nezvokufuka; musandiita mutongi wavanhu.
8耶路撒冷敗落,猶大傾倒,是因為他們的舌頭和行為都敵對耶和華,惹怒了他那充滿榮光的眼目。
8nekuti Jerusaremu raparadzwa, Judha wawa; nekuti marimi avo namabasa avo anopesana naJehovha, kutsamwisa meso ake anokubwinya.
9他們面上的表情指證他們的不對;他們像所多瑪一般宣揚自己的罪惡,並不隱瞞;他們有禍了,因為他們自招禍害。
9Zvinoonekwa paziso ravo zvinovapupurira; zvivi zvavo vanozvibudisa pachena seSodhoma; havazvivanzi. Mweya yavo ine nhamo, nekuti vakazviitira zvakaipa.
10你們要告訴義人,他們必得福樂,因為他們必享自己行為所結的果子。
10Iti pamusoro powakarurama, kuti achava nomufaro; nekuti vachadya zvibereko zvamabasa avo.
11惡人卻有禍了,他們必遭災難,因為他們必按自己手所作的得報應。
11Wakaipa ane nhamo ! Iye haangavi nomufaro, nekuti achapiwa mubayiro wamaoko ake.
12至於我的子民,孩童欺壓他們,婦女管轄他們;我的子民啊!那引導你們的,使你們走錯了路,並且混亂了你們所走的方向。
12Kana vari vanhu vangu, vana ndivo vamanikidzi vavo, vakadzi vanovabata ushe. Haiwa, vanhu vangu, vatungamiriri venyu vanokutadzisai, ndivo vanoparadza nzira dzamaifanira kufamba nadzo.
13耶和華的審判耶和華起來辯論,站著審判人民。
13Jehovha asimuka kutamba mhaka; amire kuti atonge vanhu.
14耶和華必審問他子民中的長老和領袖,說:“那吞盡葡萄園的,就是你們;從貧窮人那裡掠奪的,都在你們家中。”
14Jehovha achatonga vakuru vavanhu vake namachinda avo, achiti, Ndimi mapedza munda wemizambiringa; zvakapambwa zvavarombo zviri mudzimba dzenyu.
15主萬軍之耶和華說:“你們為甚麼壓迫我的子民,搓磨貧窮人的臉呢?”
15Munoiteiko zvamunopwanya vanhu vangu, muchikuya zviso zvavarombo? Ndizvo zvinotaura Ishe, Jehovha wehondo.
16錫安女子的命運耶和華又說:“因為錫安的女子高傲,走路挺直頸項,媚眼看人,俏步徐行,用腳發出叮噹聲。
16Uyezve Jehovha akati, Vakunda veZiyoni zvavana manyawi, vachifamba nemitsipa yakati tasa, vachiita mesomeso, vachifamba vachinzenzeta, zviri pamakumbo avo zvichiti ngwerengwere,
17因此,主必使錫安的女子頭頂長出禿瘡;耶和華又使她們露出前額。”
17naizvozvo Ishe acharova nhongonya dzemisoro yavakunda vaZiyoni negwenyu-kwenyu, Jehovha achafukura miviri yavo.
18到那日,主必除掉她們華美的腳釧、髮網、月牙圈、
18Nezuva iro Ishe achabvisa ukomba hwamakumbo avo, nezvizuva nezvimwedzi;
19耳墜、手鐲、蒙臉的帕子、
19nezvinoremberedzwa, noungetani hwamaoko, nezvifukidzo;
20頭飾、腳環、華帶、香盒、符囊、
20nezvishongo zvomusoro, noungetani hwamakumbo, nezvisungo, nezvitende zvezvinonhuhwira, namazango;
21戒指、鼻環、
21nezvimhete, noukomba bwemhino;
22美服、外衣、錢袋、
22nenguvo dzomutambo, nezvijasi, nezvijari, nezvikwama;
23鏡子、細麻襯衣、頭巾、蒙身帕子。
23nezviwoni-woni zvamaoko, nomucheka wakaisvonakal nemicheka yomusoro, nezvifukidzo zvameso.
24必有腐臭代替馨香,繩子代替腰帶,光禿代替美髮,麻衣繫腰代替美服,烙痕代替美貌。
24Zvino zvichaitika kuti panzvimbo yezvinonhuhwira pachava nezvinonhuwa; panzvimbo yevhudzi rakarukwa zvakanaka, pachava nemhanza; panzvimbo yenguvo yakaisvonaka, pachava nechisimiro chegudza; nokupiswa kouranda panzvimbo yokunaka.
25你的男丁要倒在刀下,你的勇士必死在戰場。
25Varume venyu vachaparadzwa nomunondo, nemhare dzenyu pakurwa.
26錫安的城門必悲哀哭號,錫安被掠奪,成了一片荒涼後,必坐在地上。
26Masuwo aro achachema nokurira; richaitwa dongo ndokugara pasi.