聖經新譯本

Shona

Isaiah

4

1錫安的更新與蒙福到那日,七個女人必拉住一個男人,說:“我們吃自己的飯,穿自己的衣服;只求你讓我們歸在你名下,使我們的羞辱可以除掉。”
1Nezuva iro vakadzi vanomwe vachabata murume mumwe, vachiti, Tichadya zvokudya zvedu, tichafuka zvokufuka zvedu; tinongoda kudamwa zita rako chete; bvisa kunyadzwa kwedu.
2到那日,從耶和華那裡發生的苗必華美榮耀;那地的果實成為以色列那些逃脫的人的誇耀和光榮。
2Nezuva iro bukira raJehovha richanaka nokubwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa kuna vakapukunyuka valsiraeri.
3那時,錫安餘剩、仍留在耶路撒冷的人,就是所有登記在耶路撒冷活人名冊上的,都必稱為聖。
3Vakasiiwa paZiyoni, navakasara paJerusaremu, ivo vachanzi vatsvene, ani naani akanyorwa pakati pavapenyu muJerusaremu;
4主要用審判的靈和焚燒的靈把錫安女子的污穢洗去,又把耶路撒冷中間的血腥洗淨。
4kana Ishe ashambidza tsvina yavakunda veZiyoni, anatsa ropa reJerusaremu achiribvisa mukati maro, nomweya wokururamisa uye nomweya wokupisa.
5然後,耶和華必在錫安全山之上,並會眾之上,在日間創造雲和煙,夜間創造有火燄的光亮,因為在一切榮耀之上,必有遮蓋。
5Zvino Jehovha achasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZiyoni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya komoto unopfuta usiku; nekuti pachava nechifukidzo pamusoro pokubwinya kose.
6也必有亭子,日間可以使人得陰涼、避炎熱,也可以作避難時藏身之所,或作躲避狂風暴雨之處。
6Kuchavapo netende, richava mumvuri masikati kana zuva richipisa, noutiziro nechivando kana pane dutu nemvura.