1以試煉為喜樂 神和主耶穌基督的僕人雅各,向散居各地的十二支派問安。
1Jakobho, muranda waMwari newaIshe Jesu Kristu, kumarudzi gumi nemaviri akapararira: Kwaziwai!
2我的弟兄們,你們遭遇各種試煉的時候,都要看為喜樂;
2Hama dzangu, zvitorei zvose semufaro kana muchiwira mumiidzo yakasiyana siyana;
3因為知道你們的信心經過考驗,就產生忍耐。
3muchiziva kuti kuidzwa kwerutendo rwenyu kunobereka kutsungirira.
4但忍耐要堅持到底(“堅持到底”原文作“有完全的功效”),使你們可以完全,毫無缺乏。
4Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakapedzeredzwa, kuti muve vakaperedzera nekukwana musingashaiwi chinhu.
5你們中間若有人缺少智慧,就當向那厚賜眾人,而且不斥責人的 神祈求,他就必得著。
5Uye kana umwe wenyu achishaiwa uchenjeri ngaakumbire kuna Mwari, unopavhurira vose asingagunun'uni; uchapiwa hake.
6可是,他應該憑著信心祈求,不要有疑惑;因為疑惑的人,就像被風吹蕩翻騰的海浪。
6Asi ngaakumbire murutendo, asingakahadziki chinhu; nekuti munhu unokahadzika wakaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richidzungaidzwa.
7那樣的人,不要想從主得到甚麼;
7Nekuti munhu uyu ngaarege kufunga kuti uchazogamuchira chinhu kubva kuna Ishe;
8因為三心兩意的人,在他的一切道路上,都搖擺不定。
8munhu une moyo miviri, usina kwake panzira dzake dzose.
9富貴榮華轉眼消逝卑微的弟兄應當以高升為榮;
9Asi hama yakaderera ngaifare pakukudzwa kwake;
10富足的也不應該以降卑為辱;因為他如同草上的花,必要過去。
10nemufumi pakuderedzwa kwake, nekuti seruva reuswa uchapfuura.
11太陽一出,熱風一吹,草必枯乾,花必凋謝,它的美容就消失了;富足的人也必在他的奔波經營中這樣衰落。
11Nekuti zuva rinobuda pamwe nekupisa kunopfutidza ndokuwomesa uswa; ruva rahwo rinowira pasi, nokunaka kwechimiro chahwo kwakaparara; saizvozvowo mufumi uchabvuruvara panzira dzake.
12忍受試煉的人有福了能忍受試煉的人,是有福的;因為他經過考驗之後,必得著生命的冠冕,這冠冕是主應許給愛他的人的。
12Wakaropafadzwa munhu unotsungirira pamuidzo; nekuti kana anzverwa, uchagamuchira korona yeupenyu Ishe yaakavimbisa avo vanomuda.
13人被試探,不可說“我被 神試探”;因為 神不能被惡試探,他也不試探任何人。
13Kusava nemunhu unoti achiidzwa ati: Ndinoidzwa naMwari; nekuti Mwari haangaidzi nezvakaipa, naiye amene haangaidzi munhu.
14每一個人受試探,都是被自己的私慾所勾引誘惑的。
14Asi munhu umwe neumwe unoidzwa kana achikwehwa nekukwezwa nekuchiva kwake.
15私慾懷了胎,就生出罪;罪長成了,就產生死亡。
15Zvino kuchiva kana kwakurirwa kunozvara chivi; nechivi kana chaperedzerwa, chinobereka rufu.
16我親愛的弟兄們,不要看錯了。
16Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikamwa.
17各樣美好的賞賜,各樣完備的恩賜,都是從上面、從眾光之父降下來的,他本身並沒有改變,也沒有轉動的影子。
17chipo chose chakanaka nechipo chose chakaperedzerwa chinobva kumusoro, chichiburuka kubva kuna Baba vezviedza, uyo usina kupinduka kana mumvuri wekushanduka.
18他憑著自己的旨意,藉著真理的道生了我們,使我們作他所造的萬物中初熟的果子。
18Nekuda kwekuda kwake wakatibereka neshoko rechokwadi, kuti isu tiite sechibereko chekutanga chezvisikwa zvake.
19要作行道的人我親愛的弟兄們,你們要知道,人人都應該快快地聽,慢慢地說,慢一點動怒;
19Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, munhu umwe neumwe ngaave unokurumidza kunzwa, unononoka kutaura, unononoka kutsamwa;
20因為人的忿怒並不能成全 神的義。
20Nekuti kutsamwa kwemunhu hakuiti kururama kwaMwari.
21所以你們應當擺脫一切污穢和所有的邪惡,以溫柔的心領受 神栽種的道;這道能救你們的靈魂。
21Saka bvisai zvinyangadzo zvose nekuwanda kweunhubu, mugamuchire nemoyo munyoro shoko rakabatanidzwa pamuri, rinogona kuponesa mweya yenyu.
22你們應該作行道的人,不要單作聽道的人,自己欺騙自己;
22Asi ivai vaiti veshoko, uye kwete vanzwi voga, muchizvinyengera.
23因為人若只作聽道的人,不作行道的人,他就像一個人對著鏡子看自己本來的面貌,
23Nekuti kana ani nani ari munzwi weshoko, asiri muiti waro wakafanana nomunhu unoona chiso chake chechisikigo muchionioni.
24看過走開以後,馬上就忘記自己的樣子。
24Nekuti unozviona, ndokuenda, ndokukangamwa pakarepo kuti wanga akadini.
25唯有詳細察看那使人自由的全備的律法,並且時常遵守的人,他不是聽了就忘記,而是實行出來,就必因自己所作的蒙福。
25Asi uyo unocherekedza murairo wakaperedzerwa wekusunungurwa, akaramba achidaro asati ari munzwi unokangamwa, asi muiti webasa, munhu uyu ucharopafadzwa pakuita kwake.
26如果有人自以為虔誠,卻不約束他的舌頭,反而自己欺騙自己,這人的虔誠是沒有用的。
26Kana munhu pakati penyu achiti unotenda, asingadzori rurimi rwake, asi achinyengera moyo wake, rutendo rwemunhu uyu harwuna maturo.
27在父 神看來,純潔無玷污的虔誠,就是照顧患難中的孤兒寡婦,並且保守自己不被世俗所污染。
27Rutendo rwakarurama, rwusina kusvibiswa pamberi paMwari naBaba ndirworwu, kufambira nherera nechirikadzi pakutambudzika kwavo, kuti azvichengete asina gwapa kubva kunyika.