聖經新譯本

Shona

James

3

1要制伏舌頭我的弟兄們,你們不應該有太多人作教師,因為知道我們作教師的將受更嚴厲的審判。
1Musava vadzidzisi vazhinji, hama dzangu, muchiziva kuti tichagamuchira kutongwa kwakakura kupfuvurisa.
2我們在許多的事上都有過錯,假如有人在言語上沒有過錯,他就是完全的人,也能夠控制全身。
2Nekuti tinokanganisa tose pazvinhu zvizhinji. Kana munhu asingakanganisi pashoko, ndiye munhu wakaperedzerwa, unogona kudzora muviri wosewo.
3我們若把嚼環扣入馬嘴,使牠們馴服,就能駕馭牠們的全身。
3Tarira, tinoisa matomu mumiromo yemabhiza kuti atiteerere, tichitenderedza muviri wawo wose.
4試看,船隻雖然甚大,又被狂風催逼,舵手只用小小的舵,就可以隨意操縱。
4Tariraiwo zvikepe, izvo kunyange zviri zvikuru zvakadai zvichitinhwa nemhepo dzinotyisa, zvinodzorwa nechidzoreso chiduku duku kose-kose kune chishuwo chemufambisi.
5照樣,舌頭雖然是個小肢體,卻會說誇大的話。試看,星星之火,可以燎原;
5Kunyange rurimi mutezo muduku wakadaro, uye rwunozvirumbidza zvikuru. Tarirai moto muduku unotungidza huni zhinji sei!
6舌頭就是火,在我們百體中,是個不義的世界,能污穢全身,把整個生命在運轉中焚燒起來,而且是被地獄之火點燃的。
6Nerurimi moto, nyika izere nekuipa; ndizvo zvakaita rurimi pakati pemitezo yedu, kuti runosvibisa muviri wose, nekutungidza nzira yose yeupenyu, uye rwunotungidzwa negehena.
7各類飛禽、走獸、昆蟲、水族,都可以馴服,而且都已經被人類制伏了;
7Nekuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neezvose zvinokambaira, neezvinhu zviri mugungwa angapingudzwa, uye anopingudzwa nechimiro chevanhu;
8可是沒有人能夠制伏舌頭;它是喋喋不休的惡物,充滿了致命的毒素。
8asi hakuna munhu ungapingudza rurimi; rwakaipa, rwunoshanduka-shanduka, rwuzere nechepfu inouraya.
9我們用它來稱頌我們的主和天父,又用它來咒詛照 神的形象被造的人。
9Narwo tinorumbidza Mwari ivo Baba, narwo tinotuka vanhu, ivo vakaitwa nemufananidzo waMwari;
10同一張嘴竟然又稱頌主,又咒詛人;我的弟兄們,這是不應該的!
10mumuromo mumwewo munobva kurumbidza nekutuka. Hama dzangu, ngazviitike saizvozvo.
11同一泉眼裡能夠湧出甜水和苦水來嗎?
11Chitubu chinobudisa pamuromo umwe mvura inonaka neinovava here?
12我的弟兄們,無花果樹能結橄欖嗎?葡萄樹能長無花果嗎?鹹水也不能發出甜水來。
12Ko, hama dzangu, muvonde ungabereka maorivhi here, kana muzambiringa maonde? Saizvozvo chutubu hachibudisi mvura inovava neinonaka.
13從天上來的智慧你們中間誰是有智慧、有見識的呢?他就應當有美好的生活,用明智的溫柔,把自己的行為表現出來。
13Ndiani wakachenjera newakangwara pakati penyu? Ngaaratidze nemufambiro wakanaka mabasa ake neunyoro hweuchenjeri.
14如果你們心中存著刻薄的嫉妒和自私,就不可誇口,也不可說謊抵擋真理。
14Asi kana mune godo rinovava norukave mumoyo yenyu, musazvirumbidza nekurevera chokwadi nhema.
15這種智慧不是從天上來的,而是屬地的、屬血氣的和屬鬼魔的。
15Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumusoro, asi ndokwenyika, kwechisikirwo, kweudhimoni.
16因為凡有嫉妒和自私的地方,就必有擾亂和各樣的壞事。
16Nekuti pane godo nerukave, ndipo pane nyongano nebasa rose rakaipa.
17至於從天上來的智慧,首先是純潔的,其次是和平的,溫柔的,謙遜的,滿有恩慈和善果,沒有偏袒,沒有虛偽。
17Asi uchenjeri hwunobva kumusoro pakutanga hwakachena, kozouya kuva nerugare, kunyorova, kuteerera, kuzara netsitsi nezvibereko zvakanaka, hwusina kutsaura, hwusina kunyengera.
18這是締造和平的人,用和平所培植出來的義果。
18Uye chibereko chekururama chinodzwarwa murugare kune vanoita rugare.