1約伯自信智慧並非不及三友約伯回答說:
1Ipapo Jobho akapindura, akati,
2“你們真的是有知識的民,你們死了,智慧也跟你們一同滅亡。
2Zvirokwazvo, imwi muri vanhu vakangwara, Kungwara kuchafa pamwechete nemi.
3但我也有聰明像你們一樣,我並非不及你們,像你們所說的這些事,有誰不曉得呢?
3Asi ini ndine njerewo semi; Handizi muduku kwamuri, Zvirokwazvo, ndianiko asingazivi zvinhu zvakadai?
4我這求告 神,又蒙他應允的,竟成為朋友的笑柄,公義完全的人竟成為笑柄,
4Ndakafanana nomunhu anosekwa nowaanogara naye, Munhu akadana kuna Mwari, iye akamupindura; Munhu wakarurama, akakwana, ndiye wosekwa.
5平靜的人心中藐視災禍,作將滑跌者的分。
5Munhu anogara akafara hake anoshora pamifungo yake munhu uri panjodzi. Kushorwa kunogarira vanhu vanotedzemuka norutsoka rwavo.
6強盜的帳幕興旺,惹 神發怒的安穩, 神的手賞賜他們。
6Matende amakororo anofara hawo, Avo vanotsamwisa Mwari vanogara havo zvakanaka; Ivo vanozadzirwa ruoko rwavo naMwari.
7你且問走獸,走獸必指教你,又問空中的飛鳥,飛鳥必告訴你;
7Asi bvunzai henyu zvino mhuka, dzichakudzidzisai Neshiri dzokudenga, dzichakuudzai;
8或向地說話,地必指教你,海中的魚也必向你說明。
8Kana taurai henyu nenyika, ichakudzidzisai; Nehove dzegungwa dzichakuparidzirai.
9從這一切看來,誰不知道,是耶和華的手作成這事的呢?
9Ndianiko asingazivi pazvinhu izvi zvose, Kuti ndirwo ruoko rwaJehovha rwakaita izvi zvose?
10活物的生命與全人類的氣息,都在耶和華的手中。
10Mweya wezvipenyu zvose uri muruoko rwake, Nokufema kwavanhu vose.
11耳朵不是試驗說話,好像上膛嘗試食物嗎?
11Ko nzeve haiidzi mashoko, Somukamwa unoravira zvokudya here?
12你們說:老年的有智慧,長壽的有聰明。
12Vatana ndivo vakangwara, Vana mazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa.
13陳述 神的智慧與能力他有智慧與能力,又有謀略與聰明。
13Iye ndiye anokungwara nesimba, Ndiye anamano nokunzwisisa.
14他所拆毀的,就不能重建,他所囚禁的,就不能釋放。
14Tarirai, iye anokoromora, hazvingavakwizve; Iye anopfigira munhu, haangazozarurirwi.
15他若把水阻截,水就乾涸,他再把水放出,水就使地翻倒。
15Tarirai, iye anodzivisa mvura, ndokupwa kwayo; Uye anoitumazve, ndokushandura kwayo nyika.
16他有大能與智謀,受騙的與騙人的,都是屬他的。
16Iye ane simba nokungwara kukuru; Akanyengerwa nounonyengera ndavake vose.
17他把謀士剝衣擄去,並且愚弄審判官。
17Unokanganisa mano amanevanje, Vatongi anovaita mapenzi.
18他解開了君王綁人的繩索,又用腰布捆綁君王的腰。
18Anosunungura simba ramadzimambo, Ndokusunga zviuno zvavo negwarada.
19他把祭司剝衣擄去,傾覆有權有勢的人。
19Anotorera vapristi ukuru hwavo, Nokukunda vane simba.
20他除掉忠信人的言論,又除去老年人的辨別力。
20Anotorera vakatenda mashoko avo, Nokubvisira vakuru kunzwisisa
21他把羞辱傾倒在王子上,又鬆開壯士的腰帶。
21Anodurura kushoora kwake pamusoro pamachinda, Nokusunungura bhanhire ravane simba.
22他從黑暗中彰顯奧祕,把死蔭領進光中。
22Anofukura zvinhu zvakadzika parima, Anobudisira kuchiedza mumvuri worufu.
23他使邦國興盛,又毀滅他們,擴張邦國,又把他們擄去。
23Anowanza ndudzi, ndokudziparadza, Anoparadzira ndudzi kose, ndokudzitapa.
24他除掉地上人民中首領的悟性,使他們在無路的荒野之地飄流。
24Anobvisa kunzwisisa kwavakuru vavanhu venyika, Anovadzungairisa murenje musine nzira.
25他們在黑暗無光中摸索,他使他們飄泊無定像醉漢一樣。”
25Vanotsvangadzira murima vasina chiedza, Anovadzengedzekesa somunhu akabatwa.