1欲以誠實折服約伯“可是,約伯啊,請聽我的言語,留心聽我的一切話。
1Asi Jobho, chidonzwai henyu kutaura kwangu, Teererai mashoko angu ose.
2我現在開口,用舌頭發言;
2Tarirai zvino, ndashamisa muromo wangu, Rurimi rwangu rwataura mumuromo wangu.
3我的話表明我心中的正直,我所知道的,我的嘴唇就誠誠實實地說出來。
3Mashoko angu achadudzira kururama komoyo wangu; miromo yangu ichataura izvo zvainoziva nechokwadi.
4 神的靈創造了我,全能者的氣使我存活。
4Mweya waMwari wakandiita, Kufuridzira kowaMasimbaose kunondipa upenyu.
5你若能夠辦得到,就回答我,用話語攻擊我,表明立場,當面攻擊我。
5Kana mukagona, chindipindurai henyu; Gadzirai mashoko enyu pamberi pangu, simukai henyu.
6在 神面前我與你一樣,也是用土捏造的。
6Rairai, ini ndakafanana nemwi pamberi paMwari; Neniwo ndakaumbwa nevhu.
7我的威嚴必不驚嚇你,我的壓力也不加重在你身上。
7Tarirai, kutyisa kwangu hakungakutyisii imi, Uye handingakuremedziyi.
8你所說的,我已經聽見了,也聽到你言語的聲音,說:
8Zvirokwazvo, makataura ini ndichizvinzwa, Ndakanzwa inzwi ramashoko enyu, richiti,
9‘我是潔淨的,毫無過犯;我是清白的,沒有罪孽。
9Ndakanaka, handina kudarika; Handine mhosva, hapana zvakaipa mukati mangu;
10 神找機會攻擊我,把我當作仇敵;
10Tarirai, iye unowana mhosva kuti arwe neni, Anonditi muvengi wake.
11他把我的兩腳上了木狗,又鑒察我一切所行的。’
11Anomana makumbo angu mumatanda, Anocherekedza nzira dzangu dzose.
12我要告訴你,你這話錯了,因為 神比世人大。
12Tarirai, ndichakupindurai, pachinhu ichi hamuna kururama, nekuti Mwari mukuru kupfuura munhu.
13你為甚麼對 神爭辯,說:‘無論世人的甚麼話,他都不回答’呢?
13Munorwireiko naye? nekuti haazvidaviriri pamashoko ake ose.
14原來 神用這個方法或那個方法說了,只是,世人沒有留意。
14Nekuti Mwari anotaura kamwechete, Kana kaviri, asi munhu haane hanya nazvo.
15世人都在床上打盹,沉睡臨到他們的時候, 神用異夢與夜間的異象,
15Pakurota, kana pane zvinoonekwa usiku, Kana munhu abatwa nehope kwazvo, Kana avete panhovo;
16告訴他們,他堅定他們所得的訓誨,
16Ipapo unodziura nzeve dzavanhu, Nokusimbisa kurairwa kwavo,
17好叫人離開自己的惡行,又叫人與驕傲隔絕,
17Kuti adzore munhu pakuvavarira zvakaipa, Nokuvanzira munhu kuzvikudza;
18攔阻人的性命不下在坑裡,又阻止他的生命不死在刀下。
18Kuti adzore mweya wake pagomba. Upenyu hwake hurege kuparadzwa nomunondo.
19 神教訓人的方法人在床上被痛苦懲治,他的骨頭不住地痛苦掙扎,
19Unorangwawo achirwadziwa panhovo yake, nokurwadza kwemafupa kunoenderera mberi;
20以致他的生命厭惡食物,他的胃口也厭惡美食,
20Naizvozvo hupenyu hwake hunosema zvokudya, Nomoyo wake zvokudya zvinonaka.
21他的肌肉消瘦以致看不見,以前看不見的骨頭,現在都凸出來。
21Nyama yake inopedzwa, haichaonekwi, mafupa ake, akanga asingaonekwi, anobudira kunze.
22他的性命接近深坑,他的生命靠近滅命的天使。
22Zvirokwazvo mweya wake unoswedera kugomba, Nohupenyu hwake kuvaparadzi.
23在一千位天使之中,若有一位作人的中保,指示人當行的事,
23Kana mutumwa akasvika kwaari, Ari mushanduri, mumwe pakati pavane zviuru zvamazana, Kuti aratidze munhu nzira yakarurama;
24恩待他,說:‘救贖他免下深坑;我已經得到了贖價。’
24Mwari akamunzwira tsitsi, akati, Murwirei arege kuburukira kugomba, Ndawana dzikunuro.
25他的肌肉就比孩童的更嫩,他更恢復滿有青春活力的日子。
25Nyama yake ichava itsva kupfuura yomwana; Achadzokera kumazuva ouduku hwake.
26他向 神祈求, 神就喜悅他,他也歡呼著朝見 神的面,人又恢復自己的義。
26Anonyengetera kuna Mwari, iye achimufarira; Naizvozvo anotarira chiso chake nomufaro; Akadzosera munhu kururama kwake.
27他在人面前歌唱,說:‘我犯了罪,顛倒是非,但我沒有受到應得的報應。
27Uchaimba pamberi pavanhu, achiti, Ndatadza, ndakanganisa zvakarurama, Asi hazvina kundibatsira;
28他救贖我的性命免入深坑,我的生命必得見光明。’
28Iye akarwira mweya wangu urege kuburukira kugomba, Hupenyu hwangu huchaona chiedza.
29 神總是三番四次,向人行這一切事,
29Tarirai, Mwari unoita zvinhu izvi zvose, Kaviri kana katatu nomunhu,
30要把人的性命從深坑裡救回來,好使活人之光光照他。
30Kuti adzose mweya wake pagomba, Kuti avhenekerwe nechiedza chavapenyu.
31約伯啊,你當留心聽我,當默不作聲,我要說話。
31Cherekedzai zvakanaka, Jobho, mundinzwei; Nyararai, ini nditaure.
32你若有話說,就請回答我;你只管說吧,因為我願意以你為義。
32Kana mune shoko rokureva, ndipindur ei, Taurai, nekuti ndinoda kukururamisirai.
33你若沒有話說,就要聽我說,你當默不作聲,我就把智慧教導你。”
33Kana musingadi, nditeererei; Nyararai, ini ndikudzidzisei huchenjeri.