聖經新譯本

Shona

Job

9

1 神的智慧與能力約伯回答說:
1Ipapo Jobho akapindura, akati,
2“我實在知道是這樣,但是,人在 神面前怎能算為公義呢?
2Zvirokwazvo ndinoziva kuti ndizvo. Nekuti munhu angava akarurama pamberi paMwari seiko?
3人若願意與他辯論,連千分之一也答不出來。
3Kana iye akada kuita nharo naye, Haangagoni kumupindura shoko rimwe pamashoko ane zviuru.
4他心裡有智慧,而且有極大的能力,有誰對他剛硬而平安無事呢?
4Iye anomoyo wakangwara, une simba guru; Ndianiko akamuomesera moyo wake, akazofara?
5他在怒中移山翻岡;山岡卻不知道;
5Iye anobvisa makomo, iwo asingazvizivi, Kana achiashandura pakutsamwa kwake.
6他使大地震動離開本處,大地的柱子就搖撼;
6Iye anozunungusa nyika ikabva panzvimbo yayo, Mbiru dzayo dzinodengenyeka.
7他吩咐太陽,太陽就不上升,又封閉眾星;
7Iye anoraira zuva, rikarega kubuda; Iye anodzitira nyeredzi.
8他獨自鋪開蒼天,步行在海浪之上;
8Iye oga anotatamura denga, Anotsika pamusoro pamafungu
9他造北斗與參星,昴星和南方的星座;
9Iye anoita nyeredzi dzeAkituro, nedzeOrinoni, nedzeChimutanhatu, Namakamuri enyasi.
10他所行的大事無法測度,所行的奇事不可勝數。
10Iye anoita zvinhu zvikuru zvisinganzverwi, Izvo zvinhu zvinoshamisa, zvisingagoni kuverengwa.
11他行過我身邊,我卻看不見;他掠過去,我竟不覺察。
11Tarira, anopfuura pedo neni, ndisingamuoni; Anopfuurawo hake, asi handimuoni.
12他奪取,誰能攔阻他?誰敢問他:‘你幹甚麼?’
12Tarira, anotora hake, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, Unoiteiko?
13人受苦難不一定因為罪 神必不抑制他的怒氣,海怪拉哈伯的助手都俯伏在他以下。
13Mwari haangadzori kutsamwa kwake; Vabatsiri vaRahabhi vakakotamira pasi pake.
14何況我呢?我怎敢回答他,措辭與他辯論呢?
14Ko zvino ini ndichamupindura seiko, Nditsaure mashoko angu ndiite nharo naye?
15即使我有理,也不敢回答,只向那審判我的求憐憫;
15Kunyange ndaiva akarurama handizaimupindura; Ndaikumbira nyasha kumutongi wangu.
16即使我呼求,他也回答我,我還是不信他會垂聽我的聲音。
16Kana ndichinge ndadana, akandipindura, Kunyange zvakadaro handizaitenda kuti akanzwa inzwi rangu.
17他用暴風傷害我,無緣無故加添我的創傷。
17Nekuti anondiputsa nedutu remhepo, Anowanza mavanga angu ndisine mhosva hangu.
18他不讓我喘一口氣,卻使我飽嘗苦楚。
18Handitenderi kutema mweya wangu, Asi anondizadza nezvinovava.
19若論力量,他多麼強大,若論訴訟,他說:‘誰能把我傳來?’
19Kana riri simba guru, tarira, iye anaro! Kana iri mhosva inotongwa, ndiani achanditarira nguva?
20即使我有理,我的口還是定我有罪;即使我完全,我的口還是判我乖謬。
20Kunyange ndaiva akarurama hangu, muromo wangu umene uchandipa mhaka; Kunyange ndaiva akakwana, iye aiti handina kururama.
21我雖然完全,卻不顧我自己,倒厭惡我的生命。
21Ndakakwana hangu, handizvirangariri; Ndinozvidza upenyu hwangu.
22所以我說,善惡都是一樣,完全人和惡人,他都滅盡。
22Zvose zvakafanana hazvo; saka ndinoti, Iye anoparadza vakarurama navakaipa vose.
23災禍忽然把人殺害的時候,他就必嘲笑無辜人的遭遇。
23Kana nyatwa ichinge yauraya nokukurumidza, Iye achaseka njodzi yavasina mhosva.
24全世界交在惡人的手中,他蒙蔽世上審判官的臉,如果不是他,那麼是誰呢?
24Nyika yakaiswa mumaoko avakaipa; Iye anofukidza meso avatongi vayo; Kana asiri iye, zvino ndianiko?
25我的日子過得比信差還快,飛快逝去,不見福樂。
25Zvino mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; Anotiza asina kuona zvakanaka.
26我的日子消逝有如快船,好像俯衝猛撲食物的鷹。
26Apfuura sezvikepe zvinomhanyisa; Segondo rinokurumidzira chiurawa.
27我若說:‘我要忘記我的苦情,要除去愁容,面露喜樂。’
27Kana ndikati, Ndichakangamwa kunyunyuta kwangu, Ndicharega chiso changu chinopunyaira, ndifare hangu.
28我就懼怕我的一切痛苦,因為我知道你必不以我為無辜。
28Ndinotya njodzi dzangu dzose, Ndinoziva kuti hamungati handine mhosva.
29我既然被定為有罪,又何必徒然勞苦呢?
29Ndichapiwa mhosva; Zvino ndinotamburireiko zvisina maturo?
30我若用雪水洗淨我的身,又用鹼水潔淨我的手,
30Kana ndikangura nemvura yechando, Ndikachenesa maoko angu kwazvo;
31你還是把我扔入坑中,連我的衣服也憎惡我。
31Kunyange zvakadaro imwi mungandinyudza mumatope, Nenguvo dzangu dzichandisema.
32他不像我是個人,使我可以答他,讓我們一起對簿公堂。
32Nekuti iye haazi munhu akafanana neni, kuti ndimupindure, Kuti tikwirirane pakutonga.
33我倆之間並沒有仲裁者,能夠按手在我們雙方身上。
33Hakuna mununuri pakati pedu, Ungatibata tose noruoko rwake.
34願他使他的刑杖離開我,願他可畏的威嚴不驚嚇我,
34Ngaabvise shamhu yake kwandiri, hasha dzake dzirege kundityisa;
35我就說話,也不怕他,因為我本身並不是這種人。”
35Ipapo ndaitaura, ndisingamutyi, nekuti handizakadaro hangu.