聖經新譯本

Shona

Job

8

1比勒達首次發言書亞人比勒達回答說:
1Ipapo Bhiridhadhi muShuhi akapindura akati,
2“這些話你要說到幾時,你口中的言語像狂風到幾時呢?
2Ucharamba uchitaura mashoko awa kusvikira rinhiko?
3 神怎會歪曲公平?全能者怎會屈枉公義?
3Ko Mwari angakanganisa pakutonga here WaMasimbaose angakanganisa zvakarurama here?
4你的兒女若得罪了他,他就因他們的過犯撇棄他們。
4Kana vana vako vakanga vamutadzira iye, Akavaisa pakudarika kwavo;
5你若殷勤尋求 神,向全能者懇求;
5Kana iwe ukashingaira kutsvaka Mwari, Ukakumbira kuna waMasimbaose;
6你若又潔淨又正直,他就必為你奮起,復興你公義的居所。
6Kana ukava akanaka, akaruruma; Iye angadai aimuka zvino nokuda kwako, Akafambisa zvakanaka imba yako yakarurama.
7你起初雖然微小,到後來必定非常興旺。
7Kunyange kutanga kwako kwaiva kuduku, Asi kuguma kwako kwaiva kukuru kwazvo.
8離開 神毫無倚靠請你查問前幾代,留意他們列祖所查究的。
8nekuti chidobvunza hako rudzi rwakare, Ucherekedze zvakanzverwa namadzibaba avo.
9我們只是昨天才有的,所以一無所知;我們在世的日子不過是影兒。
9(Nokuti isu tiri vazuro hedu, hatizivi chinhu, nekuti mazuva edu panyika akafanana nemumvuri;)
10難道他們不指教你,從心裡發出言語來嗎?
10Ivo havangakudzidzisi here, nokukuudza, Nokureva mashoko anobva pamoyo yavo here?
11蒲草沒有泥,怎能生長?蘆葦沒有水,怎能長大呢?
11Ko nhokwe ingamera pasine nhope here? Ko rutsanga rungamera pasine mvura here?
12尚青還沒有割下來的時候,就比百草先枯槁。
12Ruchiri runyoro, rusati rwatemwa, Runosvava mimwe miriwo ichigere.
13忘記 神的,他們的末路也是這樣;不敬虔的人,他的指望必成泡影。
13Ndizvo zvakaita nzira dzavose vanokangamwa Mwari; Uye tariro yomunhu asingadi Mwari ichapera;
14他所自恃的,必被折斷;他所靠賴的,不過是蜘蛛網。
14Chaakatarira chichaputsanyiwa, Chaakatenda chakafanana namambure edandemutande
15他倚靠自己的家,家卻立不住,他抓緊自己的家,家卻存不久。
15Uchasendamira paimba yake, asi haingamiri; Uchaibata, asi haingagari.
16他在陽光之下,枝潤葉青,它的嫩枝長滿園子,
16Iye muti mutema pamushana, Matavi ake anotandavarira pamunda wake.
17它的根纏繞石堆,扎入石地之中。
17Midzi yake yakapombera patsime, Unoona nzvimbo yorukangarabwe.
18他若從本處被拔除,那處就否認他,說:‘我沒有見過你。’
18Kana akaparadzwa panzvimbo yake, Ichamuramba, ichiti, Handina kukuona,
19看哪,這就是他人生的樂趣,往後必有別的人從塵土中生出來。
19Tarira, ndiwo mufaro wenzira yake; Paguruva panobuda vamwe.
20 神不丟棄完全人看哪, 神必不離棄完全人,也不扶助行惡的人之手;
20Tarira, Mwari haangarashi munhu wakarurama, Haangabatsiri vanoita zvakaipa.
21他還要以歡笑充滿你的口,以歡呼充滿你的嘴。
21Achazozadza hake muromo wako nokuseka, Nemiromo yako nokupururudza.
22恨你的都必以羞恥為衣,惡人的帳棚必歸於無有。”
22Vanokuvenga vachafukidza nokunyara; Uye tende ravakaipa haringazovipo.