1耶穌被捕(太26:47~56;可14:43~50;路22:47~53)耶穌說完了這些話,就和門徒出去,過了汲淪溪。在那裡有一個園子,耶穌和門徒進去了。
1Jesu areva zvinhu izvi wakabudira mhiri kwerukova Kedhironi nevadzidzi vake, paiva nebindu, maakapinda iye nevadzidzi vake.
2出賣耶穌的猶大也知道那地方,因為耶穌和門徒常常在那裡聚集。
2NaJudhasiwo, wakamutengesa, wakange achiziva nzvimbo iyi; nekuti Jesu kazhinji waiunganapo nevadzidzi vake.
3那時,猶大帶著一隊兵,還有祭司長和法利賽人的差役,拿著燈籠、火把、武器,來到園子裡。
3Naizvozvo Judhasi, atora boka remauto, nemapurisa kubva kuvapristi vakuru nevaFarisi, wakauyapo nemwenje nemarambi nezvombo.
4耶穌知道快要臨到他身上的一切事,就出來對他們說:“你們找誰?”
4Naizvozvo Jesu, achiziva zvinhu zvose zvaizomuwira, wakabuda akati kwavari: Ndiani wamunotsvaka?
5他們回答:“拿撒勒人耶穌!”耶穌說:“我就是。”出賣耶穌的猶大和他們站在那裡。
5Vakamupindura vakati: Jesu muNazareta. Jesu akati kwavari: Ndini. NaJudhasiwo wakamutengesa wakange amire navo.
6耶穌一說“我就是”,他們就往後退,倒在地上。
6Zvino wakati achiti kwavari: Ndini; vakasudurukira shure, vakawira pasi.
7他再問他們:“你們找誰?”他們說:“拿撒勒人耶穌!”
7Zvino akavabvunzazve achiti: Ndiani wamunotsvaka? Ivo vakati: Jesu muNazareta.
8耶穌回答:“我已經告訴你們,我就是了。如果你們來找我,就讓這些人走吧。”
8Jesu akapindura achiti: Ndakuudzai kuti ndini iye; naizvozvo kana muchitsvaka ini, regai ava vaende;
9這應驗了耶穌說過的話:“你賜給我的人,我一個也沒有失落。”
9kuti shoko rizadziswe raakareva rekuti: Vamakapa kwandiri, handina kurasa umwe wavo.
10西門.彼得帶著一把刀,就拔出來,向大祭司的僕人馬勒古砍去,削掉他的右耳。
10Naizvozvo Simoni Petro ane munondo wakauvhomora ndokutema muranda wemupristi mukuru, ndokugura nzeve yake yerudyi. Uye zita remuranda uyo raiva Marikosi.
11耶穌對彼得說:“把刀收入鞘裡去!父給我的杯,我怎能不喝呢?”
11Naizvozvo Jesu wakati kuna Petro: Isa munondo wako mumuhara; mukombe Baba wavakandipa, handingatongoumwi here?
12大祭司審問耶穌(太26:57)於是那一隊兵和千夫長,以及猶太人的差役拿住耶穌,把他綁起來,
12Zvino boka remauto nemukuru wechuru nemapurisa evaJudha vakabata Jesu, vakamusunga,
13先帶到亞那面前。亞那是當年的大祭司該亞法的岳父。
13ndokutanga kumuisa kuna Anasi; nekuti wakange ari mukarabwa waKayafasi, waiva mupristi mukuru gore iroro.
14該亞法就是從前向猶太人提議說“一個人代替人民死,這是有益的”那個人。
14Zvino Kayafasi ndiye wakange araira vaJudha, kuti zvakanaka kuti munhu umwe afire rudzi.
15彼得首次不認主(太26:69~70;可14:66~68;路22:55~57)西門.彼得和另一個門徒跟著耶穌;那門徒是大祭司認識的。他跟耶穌一起進了大祭司的院子,
15Zvino Simoni Petro wakatevera Jesu, neumwe mudzidzi. Mudzidzi uyu waizikamwa nemupristi mukuru, akapinda naJesu muruvanze rwemupristi mukuru;
16彼得卻站在門外。大祭司所認識的那門徒出來,對看門的婢女說了一聲,就帶了彼得進去。
16asi Petro wakange amire pamukova panze. Naizvozvo kwakabuda umwe mudzidzi waizikamwa nemupristi mukuru, akataura nemurindikadzi wemukova, ndokupinza Petro.
17那看門的婢女對彼得說:“你不也是這個人的門徒嗎?”他說:“我不是。”
17Zvino murandakadzi murindi wemukova akati kuna Petro: Iwewo hausi umwe wevadzidzi vemunhu uyu here? Iye akati: Handisi.
18因為天氣寒冷,僕人和差役就生了炭火,站著取暖;彼得也和他們站在一起取暖。
18Zvino varanda nemapurisa vakange vamire vavesa moto wemazimbe, nekuti kwaitonhora, uye vaidziya. Petrowo akamira navo achidziya.
19公議會審問耶穌(太26:59~68;可14:55~65;路22:63~71)那時,大祭司查問耶穌有關他的門徒和他的教訓的事。
19Naizvozvo mupristi mukuru wakabvunza Jesu nezvevadzidzi vake, nezvedzidziso yake.
20耶穌對大祭司說:“我向來對世人講話都是公開的,我常常在會堂和聖殿裡,就是在所有猶太人聚集的地方教導人,暗地裡我並沒有講甚麼。
20Jesu akamupindura akati: Ini ndataura pachena kunyika; ini ndaidzidzisa nguva dzose mumasinangoge nemutembere, panoungana vaJudha nguva dzose, uye handina kureva chinhu pakavanda.
21你為甚麼查問我呢?問問那些聽過我講話的人吧,他們知道我講過甚麼。”
21Unobvunzirei ini? Bvunza avo vainzwa, zvandaitaura kwavari; tarira, ndivo vanoziva ini zvandakareva.
22耶穌說了這些話,站在旁邊的一個差役,就打他一巴掌,說:“你竟敢這樣回答大祭司嗎?”
22Wakati areva zvinhu izvi, umwe wemapurisa wakange amirepo akarova Jesu nembama, achiti: Ko unopindura mupristi mukuru saizvozvo?
23耶穌對他說:“如果我講錯了,你可以指證錯在哪裡;如果我講對了,你為甚麼打我呢?”
23Jesu akamupindura akati: Kana ndareva zvakaipa, pupura zvezvakaipa zvacho; asi kana zvakanaka, wandiroverei?
24亞那仍然綁著耶穌,把他押到大祭司該亞法那裡去。
24Zvino Anasi akamutumira akasungwa kuna Kayafasi mupristi mukuru.
25彼得再三不認主(太26:71~75;可14:69~72;路22:58~62)西門.彼得仍然站在火旁取暖。有人對他說:“你不也是他的門徒嗎?”彼得否認說:“我不是。”
25Zvino Simoni Petro wakange amire achidziya moto; naizvozvo vakati kwaari: Hausiwe umwe wevadzidzi vake here? Iye akaramba, akati: Handisi.
26有一個大祭司的僕人,就是彼得削掉耳朵的那個人的親戚,說:“我不是看見你跟他在園子裡嗎?”
26Umwe wevaranda vemupristi mukuru, ari hama yewenzeve Petro yaakagura akati: Ini handina kukuona mubindu unaye here?
27彼得又否認,立刻雞就叫了。
27Naizvozvo Petro akarambazve; zvino pakarepo jongwe rakarira.
28耶穌被押交彼拉多(太27:11~18;可15:2~5;路23:2~3)清早的時候,猶太人把耶穌從該亞法那裡押往總督的官邸。他們自己沒有進到官邸裡去,恐怕沾染了污穢,不能吃逾越節的晚餐。
28Zvino vakabvisa Jesu kuna Kayafasi vakamuisa kuimba yemutungamiriri; uye aiva mambakwedza, asi ivo havana kupinda mumba memutungamiriri, kuti varege kusvibiswa, asi kuti vadye pasika.
29於是彼拉多走到外面見他們,說:“你們控告這個人甚麼呢?”
29Naizvozvo Pirato akabudira kwavari, akati: Imhosva yei yamunoisa pamunhu uyu?
30他們回答:“如果這個人沒有作惡,我們就不會把他交給你。”
30Vakapindura vakati kwaari: Dai uyu asaiva unoita zvakaipa, tingadai tisina kumukumikidza kwamuri.
31彼拉多對他們說:“你們自己把他帶去,按著你們的律法審問他吧。”猶太人說:“我們沒有權去判人死罪。”
31Naizvozvo Pirato wakati kwavari: Mutorei imwi, mumutonge zvinoenderana nemurairo wenyu. Naizvozvo vaJudha vakati kwaari: Hazvisi pamutemo kwatiri kuti tiuraye munhu;
32這就應驗了耶穌預先說到自己將要怎樣死的那句話。
32kuti shoko raJesu rizadziswe raakareva, achiratidza kuti kufa rudzii kwaaifanira kufa nako.
33彼拉多又進了官邸,把耶穌叫來,問他說:“你是猶太人的王嗎?”
33Naizvozvo Pirato wakapindazve mumba memutungamiriri, akadana Jesu, akati kwaari: Ndiwe mambo wevaJudha here?
34耶穌回答:“這話是你自己說的,還是別人對你說到我的呢?”
34Jesu akamupindura akati: Unozvireva izvi pachako here, kana vamwe vakuudza pamusoro pangu?
35彼拉多說:“難道我是猶太人嗎?你本國的人和祭司長把你交給我,你究竟作了甚麼事?”
35Pirato akapindura, akati: Ini ndiri muJudha here? Rudzi rwako nevapristi vakuru vakukumikidza kwandiri; waitei?
36耶穌回答:“我的國不屬於這世界;如果我的國屬於這世界,我的臣僕就要作戰,使我不至被交給猶太人。不過,我的國不是這世上的。”
36Jesu akapindura akati: Ushe hwangu hahuzi hwenyika ino; kana ushe hwangu hwaiva hwenyika ino, varanda vangu vangadai vairwa, kuti ndirege kukumikidzwa kuvaJudha; asi zvino ushe hwangu hahwusi hwepano.
37於是彼拉多問他:“那麼,你是王嗎?”耶穌說:“我是王,這是你說的。我要為真理作見證,我為此而生,也為此來到世上。凡是屬於真理的人,都聽我的聲音。”
37Naizvozvo Pirato wakati kwaari: Saka uri iwe mambo here? Jesu akapindura akati: Unoreva iwe, kuti ini ndiri mambo. Ini ndakaberekerwa izvi, uye ndakauira izvi munyika kuti ndipupurire chokwadi. Umwe neumwe wechokwadi unonzwa inzwi rangu.
38彼拉多問他:“真理是甚麼?”彼拉多說了這話,又出來見猶太人,對他們說:“我查不出他有甚麼罪。
38Pirato akati kwaari: Chokwadi chii? Zvino wakati areva izvi, akabudirazve kuvaJudha, akati kwavari: Ini handiwani mhosva kwaari.
39彼拉多判耶穌釘十字架(太27:20~23、27~31;可15:6~11、16~20;路23:4、13~19)“你們有個慣例,每逢逾越節,要我給你們釋放一個囚犯。你們願意我給你們釋放這個猶太人的王嗎?”
39Asi mune tsika, kuti ndikusunungurirei umwe papasika; naizvozvo munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wevaJudha here?
40他們又喊叫說:“不要他!要巴拉巴!”這巴拉巴是個強盜。
40Ipapo vakadanidzirazve vose, vachiti: Kwete uyu, asi Bharabhasi; zvino Bharabhasi wakange ari gororo.