1那時,彼拉多吩咐人把耶穌拉去鞭打。
1Naizvozvo ipapo Pirato wakatora Jesu, akamurova netyava.
2士兵用荊棘編成冠冕,戴在他的頭上,又給他披上紫色的外袍,
2Zvino mauto akaruka korona yemhinzwa akaisa pamusoro wake, ndokumupfekedza nguvo dzine ruvara rwehute.
3然後來到他面前,說:“猶太人的王萬歲!”並且用手掌打他。
3Vakati: Hekanhi, Mambo wevaJudha! Ndokumurova nembama.
4彼拉多再次出到外面,對猶太人說:“看!我把他帶出來給你們,讓你們知道我查不出他有甚麼罪。”
4Naizvozvo Pirato akabudazve panze, ndokuti kwavari: Tarirai, ndinomubudisira kwamuri, kuti muzive kuti handiwani mhosva maari.
5於是耶穌出來,戴著荊棘的冠冕,披著紫色的外袍。彼拉多對他們說:“看,這個人!”
5Naizvozvo Jesu wakabuda panze, akapfeka korona yemhinzwa, nenguvo ine ruvara rwehute. Pirato ndokuti kwavari: Tarirai munhu uyu!
6祭司長和差役看見耶穌,就喊叫說:“把他釘十字架!把他釘十字架!”彼拉多對他們說:“你們自己把他帶去釘十字架吧!我查不出他有甚麼罪。”
6Naizvozvo vapristi vakuru nemapurisa pavakamuona, vakadanidzira vachiti: Roverera pamuchinjikwa, roverera pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Mutorei imwi, muroverere pamuchinjikwa; nekuti ini handiwani mhosva kwaari.
7猶太人回答:“我們有律法,根據那律法,他是該死的,因為他自命為 神的兒子。”
7VaJudha vakamupindura vakati: Isu tine murairo, uye nemurairo wedu unofanira kufa, nekuti wakazviita Mwanakomana waMwari.
8彼拉多聽見這話,就更加害怕,
8Naizvozvo Pirato paakanzwa shoko iro, wakanyanya kutya.
9又進了官邸,問耶穌:“你究竟是從哪裡來的?”耶穌卻不回答他。
9Akapindazve mumba memutungamiriri, ndokuti kuna Jesu: Unobvepi iwe? Asi Jesu haana kumupa mhinduro.
10彼拉多對他說:“你不對我說話嗎?你不知道我有權釋放你,也有權把你釘十字架嗎?”
10Pirato akati kwaari: Hautauri neni here? Hauzivi here kuti ndine simba rekukuroverera pamuchinjikwa uye ndine simba rekukusunungura?
11耶穌說:“如果不是從天上給你權柄,你就無權辦我;因此,把我交給你的那人,罪更重了。”
11Jesu akapindura akati: Haungatongovi nesimba pamusoro pangu, dai usina kuripiwa kubva kumusoro; naizvozvo unondikumikidza kwauri une chivi chikuru.
12從那時起,彼拉多想釋放耶穌;可是猶太人卻喊叫說:“如果你釋放這個人,就不是凱撒的忠臣了。凡是自命為王的,就是與凱撒為敵。”
12Kubva ipapo Pirato akatsvaka kumusunungura. Asi vaJudha vakadanidzira, vachiti: Kana mukasunungura uyu, hamusi shamwari yaKesari; umwe neumwe unozviita mambo, unopikisana naKesari.
13彼拉多聽了這些話,就把耶穌帶到外面,到了一個名叫“鋪石地”(希伯來話叫加巴大)的地方,就在那裡開庭審問。
13Naizvozvo Pirato anzwa shoko iri wakabudisa Jesu panze, akagara pachigaro chekutonga, panzvimbo inonzi Pakarongwa neMambwe, asi nechiHebheru Gabhata.
14那天是逾越節的預備日,約在正午的時候。彼拉多對猶太人說:“看,你們的王!”
14Zvino raiva gadziriro repasika, uye raiva awa rinenge rechitanhatu; ndokuti kuvaJudha: Tarirai Mambo wenyu!
15他們就喊叫起來:“除掉他!除掉他!把他釘十字架!”彼拉多問他們:“我可以把你們的王釘十字架嗎?”祭司長回答:“除了凱撒,我們沒有王!”
15Asi vakadanidzira vachiti: Bvisai, bvisai, murovererei pamuchinjikwa! Pirato akati kwavari: Ndoroverera pamuchinjikwa mambo wenyu here? Vapristi vakuru vakapindura vachiti: Hatina mambo kunze kwaKesari.
16於是彼拉多把耶穌交給他們去釘十字架。
16Naizvozvo ipapo akamukumikidza kwavari, kuti arovererwe pamuchinjikwa. Zvino vakatora Jesu vakamutinha.
17耶穌被釘十字架(太27:33~44;可15:22~32;路23:33~43)他們把耶穌帶去了。耶穌自己背著十字架出來,到了一個名叫“髑髏”的地方,希伯來話叫各各他。
17Zvino wakatakura muchinjikwa wake akabuda akaenda kunzvimbo yainzi yeDehenya, ichinzi nechiHebheru Gorogota;
18他們就在那裡把耶穌釘在十字架上;和他一同釘十字架的,還有兩個人,一邊一個,耶穌在中間。
18pevakamuroverera pamuchinjikwa nevamwe vaviri naye, parutivi neparutivi, naJesu pakati.
19彼拉多寫了一個牌子,放在十字架上頭,寫的是:“猶太人的王拿撒勒人耶穌。”
19Pirato ndokunyorawo chiziviso akaisa pamuchinjikwa; chakange chakanyorwa kuti: JESU MUNAZARETA MAMBO WEVAJUDHA.
20有許多猶太人念了這牌子上所寫的,因為耶穌釘十字架的地方離城不遠,而且那牌子是用希伯來文、拉丁文和希臘文寫的。
20Naizvozvo vazhinji vevaJudha vakaverenga chiziviso ichi; nekuti nzvimbo pakange pakarovererwa Jesu pamuchinjikwa yaiva pedo neguta; uye pakange pakanyorwa nechiHebheru, nechiRoma, nechiGiriki.
21猶太人的祭司長對彼拉多說:“不要寫‘猶太人的王’,要寫‘這個人自稱:我是猶太人的王’。”
21Naizvozvo vapristi vakuru vevaJudha vakati kuna Pirato: Musanyora muchiti: Mambo wevaJudha; asi kuti uyu wakati: Ndiri mambo wevaJudha.
22彼拉多說:“我所寫的,我已經寫了!”
22Pirato akapindura akati: Zvandanyora, ndanyora.
23士兵把耶穌釘了十字架之後,就把他的衣服拿來,分成四分,每個兵一分。他們又拿他的內衣;這內衣是沒有縫的,是從上到下整件織成的。
23Naizvozvo mauto akati aroverera Jesu pamuchinjikwa, akatora nguvo dzake, akaita migove mina, kumuuto umwe neumwe mugove; nenguvo yepasi; asi shati iyi yakange isina musono, yakange yakarukwa yose kubva kumusoro.
24因此,他們彼此說:“我們不要把它撕開,我們來抽籤吧,看看是誰的。”這就應驗了經上所說的:“他們分了我的外衣,又為我的內衣抽籤。”士兵果然這樣作了。
24Naizvozvo vakataurirana vachiti: Ngatirege kuibvarura, asi tiikandire mijenya, kuti ichava yaani; kuti rugwaro ruzadziswe rwunoti: Vakagovana nguvo dzangu pakati pavo, vakakandawo mujenya pamusoro pechokufuka changu. Naizvozvo mauto akaita zvinhu izvi.
25站在耶穌十字架旁邊的,有他母親和他母親的姊妹,還有高羅巴的妻子馬利亞,和抹大拉的馬利亞。
25Zvino pamuchinjikwa waJesu pakange pamire mai vake, nemunin'ina wamai vake, Maria mukadzi waKiropasi, naMaria Magidharini.
26耶穌看見母親,又看見他所愛的那門徒站在旁邊,就對母親說:“母親(“母親”原文作“婦人”),看!你的兒子。”
26Naizvozvo Jesu wakati achiona mai vake, nemudzidzi waaida amirepo, akati kuna mai vake: Mukadzi, tarira mwanakomana wako.
27然後他對那門徒說:“看!你的母親。”從那時起,那門徒就把她接到自己的家裡去了。
27Shure kweizvozvo wakati kumudzidzi: Tarira mai vako. Zvino kubva paawa iro mudzidzi wakavatora akavaisa kumba kwake.
28耶穌死時的情形(太27:48、50;可15:36~37;路23:36)這事以後,耶穌知道一切都已經成就了,為了要使經上的話應驗,就說:“我渴了。”
28Shure kwaizvozvi, Jesu achiziva kuti zvinhu zvose zvatopedzwa, kuti rugwaro rwuzadziswe, akati: Ndine nyota.
29在那裡有一個罈子,盛滿了酸酒,他們就拿海綿浸了酸酒,綁在牛膝草上,送到他的口裡。
29Zvino pakange pakagadzikwa hari izere nevhiniga; zvino vakazadza chipanje nevhiniga vakaisa parutanda rwehisopi*, vakaisa kumuromo wake.
30耶穌嘗了那酸酒,說:“成了!”就低下頭,斷了氣。
30Naizvozvo Jesu agamuchira vhiniga, wakati: Zvapedzwa! Akakotamisa musoro, akapa Mweya wake.
31因為那天是預備日,為了要避免屍體在安息日留在十字架上(因為那安息日是個重要的日子),猶太人就請求彼拉多打斷那些被釘十字架的人的腿,把他們拿下來。
31Naizvozvo vaJudha nekuti rakange riri gadziriro, kuti mitumbi isagara pamuchinjikwa nesabata (nekuti zuva resabata iro raiva guru), vakakumbira Pirato kuti makumbo avo avhuniwe, uye vabviswe.
32於是士兵來了,把和耶穌一同釘十字架的那兩個人的腿都先後打斷了。
32Naizvozvo mauto akauya, akavhuna makumbo ewokutanga, neeumwe wakange arovererwa pamuchinjikwa pamwe naye;
33他們來到耶穌那裡,看見他已經死了,就沒有打斷他的腿。
33asi vasvika kuna Jesu, pavakaona kuti watofa, havana kuvhuna makumbo ake;
34但是有一個士兵用槍刺他的肋旁,立刻有血和水流出來。
34asi umwe wemauto wakabaya rutivi rwake nepfumo, pakarepo kukabuda ropa nemvura.
35那看見這事的人已經作證了,他的見證是真實的,他也知道自己所說的是實在的,使你們也相信。
35Uye iye wakaona wakapupura, uye kupupura kwake ichokwadi; uye iye unoziva kuti unoreva chokwadzi, kuti imwi mutende.
36這些事的發生,是要應驗經上所說的:“他的骨頭,一根也不可折斷。”
36Nekuti zvinhu izvi zvakaitwa kuti rugwaro rwuzadziswe runoti: Fupa rake haringavhunwi.
37另有一處經文說:“他們要仰望自己所刺的人。”
37Uyezve rumwe rugwaro rwunoti: Vachamutarira wavakabvovora.
38耶穌葬在新墳墓裡(太27:57~61;可15:42~47;路23:50~56)這些事以後,有一個亞利馬太人約瑟來求彼拉多,要領耶穌的身體;他因為怕猶太人,就暗暗地作耶穌的門徒。彼拉多批准了,他便把耶穌的身體領去。
38Shure kweizvozvi Josefa weArimatia, ari mudzidzi waJesu, asi pachivande nekutya vaJudha, wakakumbira kuna Pirato kuti abvise mutumbi waJesu; Zvino Pirato akamutendera. Naizvozvo akauya akabvisa mutumbi waJesu.
39從前夜間來見耶穌的尼哥德慕也來了,帶著沒藥和沉香混合的香料,約有三十二公斤。
39Kwakauyawo Nikodhimo, wakauya pakutanga kuna Jesu usiku, akatakura musanganiswa wemura* nearosi* mapaundi anenge zana.
40他們領取了耶穌的身體,照著猶太人的葬禮的規例,用細麻布和香料把他裹好。
40Ipapo vakatora mutumbi waJesu, vakamuputira nemicheka yerineni nezvinonhuhwira, seyaiva tsika yevaJudha yekuviga.
41在耶穌釘十字架的地方,有一個園子,園裡有一個新的墓穴,是從來沒有葬過人的。
41Zvino panzvimbo iyo paakarovererwa pamuchinjikwa pakange pane bindu, uye mubindu mune guva idzva, makange musina kumboradzikwa munhu.
42因為那天是猶太人的預備日,又因為那墓穴就在附近,他們就把耶穌葬在那裡。
42Naizvozvo vakaradzika Jesu ipapo nekuda kwegadziriro yevaJudha, nekuti guva rakange riri pedo.