1生命的活水主知道法利賽人聽見他收門徒和施洗比約翰更多
1Naizvozvo Ishe pakaziva kuti vaFarisi vakange vanzwa kuti Jesu unoita nekubhabhatidza vadzidzi vakawanda kupfuura Johwani,
2(其實不是耶穌親自施洗,而是他的門徒施洗),
2kunyange Jesu pachake wakange asingabhabhatidzi, asi vadzidzi vake,
3就離開了猶太,再往加利利去。
3akabva Judhiya, akaendazve muGarirea.
4他必須經過撒瑪利亞。
4Asi wakange achifanira kugura neSamaria.
5於是到了撒瑪利亞的一座城,名叫敘加;這城靠近雅各給他兒子約瑟的那塊地。
5Zvino wakasvika paguta reSamaria rinonzi Sikari, pedo nedunhu Jakobho raakange apa mwanakomana wake Josefa.
6在那裡有雅各井。耶穌因為旅途疲倦了,就坐在井旁;那時大約正午。
6Zvino chitubu chaJakobho chakange chiripo. Naizvozvo Jesu aneta nerwendo wakagara saizvozvo patsime. Raiva awa rinenge rechitanhatu.
7有一個撒瑪利亞婦人來打水。耶穌對她說:“請給我水喝。”
7Kwakasvika mukadzi achibva Samaria kuzochera mvura; Jesu akati kwaari: Ndipe ndimwe.
8那時,他的門徒都進城買食物去了。
8(Nokuti vadzidzi vake vakange vaenda muguta kunotenga chikafu).
9撒瑪利亞婦人對耶穌說:“你是猶太人,怎麼向我,一個撒瑪利亞婦人要水喝呢?”(原來猶太人和撒瑪利亞人不相往來。)
9Naizvozvo mukadzi muSamaria wakati kwaari: Sei iwe uri muJudha uchikumbira kumwa kwandiri, mukadzi muSamaria? Nekuti vaJudha havadyidzani nevaSamaria.
10耶穌回答她:“你若知道 神的恩賜,和對你說‘請給我水喝’的是誰,你必早已求他,他也必早把活水賜給你了。”
10Jesu akapindura akati kwaari: Dai waiziva chipo chaMwari, uye kuti ndiani unoti kwauri: Ndipe ndimwe; ungadai waikumbira kwaari, uye ungadai akupa mvura mhenyu.
11婦人說:“先生,你沒有打水的器具,井又深,你從哪裡得活水呢?
11Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna chinhu chekucheresa, uye tsime rakadzika; zvino munowanepi mvura mhenyu?
12我們的祖先雅各把這口井留給我們,他自己和子孫以及牲畜都喝這井的水,難道你比他還大嗎?”
12Imwi muri mukuru kuna baba vedu Jakobho, vakatipa tsime, vakamwa pariri ivo, nevana vavo, nezvipfuwo zvavo here?
13耶穌回答:“凡喝這水的,還要再渴;
13Jesu akapindura ndokuti kwaari: Ani nani unomwa pamvura iyi, uchava nenyotazve;
14人若喝我所賜的水,就永遠不渴。我所賜的水要在他裡面成為湧流的泉源,直湧到永生。”
14asi ani nani unomwa pamvura yandichamupa ini, haachatongozovi nenyota nekusingaperi; asi mvura yandichamupa ichava maari chitubu chemvura, inodzutukira kuupenyu hwusingaperi.
15婦人說:“先生,請把這水賜給我,使我不渴,也不用來這裡打水。”
15Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kuva nenyota, kana kuuya pano kuzochera.
16必須用心靈按真理敬拜 神耶穌說:“你去,叫你的丈夫,然後回到這裡來。”
16Jesu akati kwaari: Enda, unodana murume wako, ugouya pano.
17婦人對他說:“我沒有丈夫。”耶穌說:“你說‘沒有丈夫’是不錯的。
17Mukadzi akapindura ndokuti: Handina murume. Jesu akati kwaari: Wareva zvakanaka kuti: Handina murume.
18你以前有五個丈夫,現在有的並不是你的丈夫;你說這話是真的。”
18Nekuti wakava nevarume vashanu, uyo waunaye ikozvino haazi murume wako; apa wareva chokwadi.
19婦人說:“先生,我看出你是先知。
19Mukadzi akati kwaari: Ishe, ndinoona kuti imwi muri muporofita.
20我們的祖先在這山上敬拜 神,而你們卻說,敬拜的地方必須在耶路撒冷。”
20Madzibaba edu aishumira mugomo iri; asi imwi munoti muJerusarema ndimo mune nzvimbo munhu yaanofanira kushumirapo.
21耶穌說:“婦人,你應當信我,時候將到,那時你們敬拜父,不在這山上,也不在耶路撒冷。
21Jesu akati kwaari: Mukadzi, nditende, kuti awa rinouya, ramuchashumira Baba musiri mugomo iri, kana paJerusarema.
22你們敬拜你們所不知道的,我們卻敬拜我們所知道的,因為救恩是從猶太人出來的。
22Imwi munoshumira chamusingazivi; isu tinoshumira chatinoziva; nekuti ruponeso runobva kuvaJudha.
23然而時候將到,現在就是了,那用心靈按真理敬拜父的,才是真正敬拜的人;因為父在尋找這樣敬拜他的人。
23Asi awa rinouya, uye ratova iro, apo vashumiri vechokwadi vachashumira Baba mumweya nemuchokwadi; nekutiwo Baba vanotsvaka vakadaro kuti vamushumire.
24 神是靈,敬拜他的必須用心靈按真理敬拜他。”
24Mwari Mweya; neavo vanomushumira vanofanira kushumira mumweya nemuchokwadi.
25婦人說:“我知道那稱為基督的彌賽亞要來;他來了,要把一切都告訴我們。”
25Mukadzi akati kwaari: Ndinoziva kuti Mesiasi unouya unonzi Kristu; kana iye asvika, uchatiudza zvinhu zvose.
26耶穌說:“我這現在跟你說話的就是他。”
26Jesu akati kwaari: Ini ndinotaura kwauri, ndini.
27正在這時候,門徒回來了,見耶穌和一個婦人說話,就很希奇;但是沒有人問:“你要甚麼?”或說:“你為甚麼跟她說話?”
27Zvino nenguva iyoyo vadzidzi vake vakasvika, vakashamisika kuti unotaura nemukadzi; asi hakuna umwe wakati: Munotsvakei? Kana: Munotaurirei naye?
28那婦人撇下了她的水罐,進到城裡去,對眾人說:
28Naizvozvo mukadzi akasiya chirongo chake, ndokubva oenda muguta, akati kuvanhu:
29“你們來,看看一個人,他把我所作的一切都說出來,難道這人就是基督嗎?”
29Uyai, muone munhu, wandiudza zvinhu zvose zvandakaita; ko uyu haasi iye Kristu here?
30眾人就出城,往耶穌那裡去。
30Naizvozvo vakabuda muguta, vakauya kwaari.
31莊稼已經熟了當時,門徒對耶穌說:“拉比,請吃。”
31Zvichakadaro vadzidzi vakamunyengetedza vachiti: Rabhi*, idyai.
32耶穌說:“我有食物吃,是你們所不知道的。”
32Asi iye wakati kwavari: Ini ndine chikafu chekudya chamusingazivi imwi.
33門徒就彼此說:“難道有人拿東西給他吃了嗎?”
33Naizvozvo vadzidzi vakataurirana vachiti: Kuti pane umwe wamuvigira zvokudya?
34耶穌說:“我的食物就是遵行差我來者的旨意,並且完成他的工作。
34Jesu akati kwavari: Zvokudya zvangu ndizvo kuti ndiite chido chewakandituma, nekupedza basa rake.
35你們不是說‘還有四個月才到收穫的時候’嗎?我告訴你們,舉目向田觀看,莊稼已經熟了,可以收割了。
35Imwi hamutauri here kuti: Kuchine mwedzi mina, zvino kukohwa kunosvika? Tarirai, ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, muone minda, kuti yatochenera kukohwa.
36收割的人得到工資,也積儲五穀直到永生,使撒種的和收割的一同快樂。
36Zvino unokohwa unogamuchira mubairo, uye unounganidza zvibereko muupenyu hwusingaperi; kuti vaviri unokusha neunokohwa vafare pamwe.
37‘這人撒種,那人收割’,這話是真的。
37Nekuti pane izvi shumo ndeyechokwadi inoti: Umwe unokusha, uye umwe unokohwa.
38我派你們去收割你們所沒有勞苦的;別人勞苦,你們卻享受他們勞苦的成果。”
38Ini ndakakutumai kukohwa zvamusakashandira; vamwe vakashanda, zvino imwi mapinda pabasa ravo.
39因著那婦人作見證的話:“他把我所作的一切都說出來了”,那城裡就有許多撒瑪利亞人信了耶穌。
39Zvino vazhinji vevaSamaria kubva muguta iro vakatenda kwaari nekuda kweshoko remukadzi, rakapupura richiti: Wandiudza zvose zvandakaita.
40於是他們來到耶穌那裡,求他和他們同住,耶穌就在那裡住了兩天。
40Zvino vaSamaria vakati vachisvika kwaari, vakamunyengetedza kuti agare navo; ndokugarapo mazuva maviri.
41因著耶穌的話,信他的人就更多了。
41Vazhinji vakawedzerwa vakatenda nekuda kweshoko rake.
42他們就對那婦人說:“現在我們信,不再是因為你的話,而是因為我們親自聽見了,知道這位真是世人的救主。”
42Zvino vakati kumukadzi: Hatichatendi nekuda kwekureva kwako; nekuti tazvinzwira, uye tinoziva kuti uyu ndiye zvirokwazvo Muponesi wenyika, Kristu.
43治好大臣的兒子兩天之後,耶穌離開那裡,往加利利去。
43Zvino shure kwemazuva maviri wakabvapo, ndokuenda Garirea;
44耶穌自己說過:“先知在本鄉是不受尊敬的。”
44nekuti Jesu amene wakapupura kuti muporofita haana rukudzo munyika yekwake.
45耶穌到了加利利的時候,加利利人都歡迎他,因為他們曾經上耶路撒冷去過節,見過他所行的一切。
45Zvino wakati asvika Garirea, vaGarirea vakamugamuchira, vaona zvinhu zvose zvaakaita paJerusarema pamabiko, nekuti naivo vakange vaenda kumabiko.
46耶穌又到了加利利的迦拿,就是他變水為酒的地方。有一個大臣,他的兒子在迦百農患病。
46Zvino Jesu wakasvikazve paKana yeGarirea, paakange aita mvura ive waini. Zvino pakange pane rimwe jinda, mwanakomana waro wakange achirwara paKapenaume.
47他聽見耶穌從猶太到了加利利,就來見他,求他下去醫治他的兒子,因為他的兒子快要死了。
47Iro rakati richinzwa kuti Jesu wabva Judhiya akasvika Garirea, rikaenda kwaari, rikamugombedzera kuti aburukire aporese mwanakomana waro; nekuti wakange wodofa.
48耶穌對他說:“你們若看不見神蹟奇事,總是不肯信。”
48Naizvozvo Jesu akati kwariri: Kunze kwekuti maona zviratidzo nezvishamiso, hamungatongotendi.
49大臣說:“先生,求你趁我的孩子還沒有死就下去吧!”
49Jinda rikati kwaari: Ishe, burukai mwana wangu asati afa.
50耶穌告訴他:“回去吧,你的兒子好了。”那人信耶穌對他說的話,就回去了。
50Jesu akati kwaari: Enda, mwanakomana wako unorarama. Munhu ndokutenda shoko Jesu raakareva kwaari, akaenda.
51正下去的時候,他的僕人迎著他走來,說他的孩子好了。
51Zvino wakati oburuka, varanda vake vakamuchingamidza, vakamuudza vachiti: Mwana wenyu unorarama.
52他就向僕人查問孩子是甚麼時候好轉的。他們告訴他:“昨天下午一點鐘,熱就退了。”
52Zvino akavabvunza awa raakatanga kunaya. Zvino vakati kwaari: Zuro neawa rechinomwe fivhiri yakamuregedza.
53這父親就知道,那正是耶穌告訴他“你的兒子好了”的時候,他自己和全家就信了。
53Naizvozvo baba vakaziva kuti maiva imo muawa Jesu maakati kwaari: Mwanakomana wako unorarama; zvino akatenda iye neimba yake yose.
54這是耶穌從猶太回到加利利以後所行的第二件神蹟。
54Ichizve chiratidzo chechipiri Jesu chaakaita, abva Judhiya asvika Garirea.