1治好病了三十八年的人這些事以後,到了猶太人的一個節期,耶穌就上耶路撒冷去。
1Shure kwezvinhu izvi kwakava nemutambo wevaJudha; Jesu ndokukwira kuJerusarema.
2在耶路撒冷靠近羊門有一個水池,希伯來話叫作畢士大,池邊有五處走廊。
2Zvino paJerusarema pedo nesuwo regwai pane dziva rinonzi Bhetisaidha nechiHebheru, rine maberere mashanu.
3在那裡躺著許多病人,有瞎眼的、瘸腿的和癱瘓的。
3Mukati mawo makange muvete chaunga chikuru chevarwere, chemapofu, chezvirema, chevakawonyana, vakamirira kubvongodzwa kwemvura.
4(有些抄本有以下一段:“他們等候水動,4因為有主的使者按時下去攪動池水,水動之後,誰先下去,無論甚麼病,必得痊愈。”)
4Nekuti mutumwa waiburukira pane imwe nguva mudziva iro, achibvongodza mvura; koti unoitanga kupinda shure kwekubvongodzwa kwemvura, waiporeswa, pachirwere chipi zvacho chaainge akabatwa nacho.
5那裡有一個人,病了三十八年。
5Zvino kwaivapo umwe munhu waiva nemakore makumi matatu nemasere ane chifo.
6耶穌看見他躺著,知道他病了很久,就問他:“你要痊愈嗎?”
6Jesu wakati amuona avete, achiziva kuti ikozvino wakange ava nenguva refu, akati kwaari: Unoda kuporeswa here?
7病人回答:“先生,水動的時候,沒有人把我放在池裡;自己想去的時候,總是給別人搶先。”
7Murwere akamupindura akati: Ishe, handina munhu unondikanda mudziva, kana mvura ichibvongodzwa; asi kana ini ndichiuya, umwe unoburukira mberi kwangu.
8耶穌對他說:“起來,拿著你的褥子走吧。”
8Jesu akati kwaari: Simuka, simudza nhovo yako, ufambe.
9那人立刻痊愈,就拿起褥子走了。那天正是安息日。
9Pakarepo munhu uyu akaporeswa, ndokusimudza nhovo yake akafamba. Zvino raiva sabata nemusi iwoyo.
10因此猶太人對那醫好了的人說:“今天是安息日,你拿著褥子是不可以的。”
10Naizvozvo vaJudha vakati kune wakaporeswa: Isabata; hazvisi pamutemo kuti utakure nhovo.
11他卻回答:“那使我痊愈的對我說:‘拿起你的褥子走吧’。”
11Akavapindura akati: Uyo wandiporesa, ndiye wati kwandiri: Simudza nhovo yako, ufambe.
12他們就問:“那對你說‘拿起來走吧’的是誰?”
12Saka vakamubvunza vachiti: Ndiani munhu uyo wati kwauri: Simudza nhovo yako ufambe?
13那醫好了的人不知道他是誰,因為那裡人很多,耶穌已經避開了。
13Zvino wakange aporeswa wakange asingazivi kuti ndiani; nekuti Jesu wakange asvova, zvakwaiva nechaunga panzvimbo iyoyo.
14後來,耶穌在殿裡遇見那人,對他說:“你已經痊愈了,不可再犯罪,免得招來更大的禍患。”
14Shure kwezvinhu izvi Jesu akamuwana mutembere, akati kwaari: Tarira waporeswa; usatadzazve, zvimwe chimwe chakanyanya kuipa chingaitika kwauri.
15那人就去告訴猶太人,使他痊愈的就是耶穌。
15Munhu akabva, akaudza vaJudha kuti ndiJesu wakamuporesa.
16從此猶太人就迫害耶穌,因為他常常在安息日作這些事。
16Zvino nekuda kweizvozvo vaJudha vakashusha Jesu, ndokutsvaka kumuuraya, nekuti wakaita zvinhu izvi nesabata.
17耶穌卻對他們說:“我父作工直到現在,我也作工。”
17Asi Jesu wakavapindura akati: Baba vangu vanoshanda kusvikira ikozvino, neni ndinoshanda.
18因此猶太人就更想殺耶穌,因為他不但破壞安息日,而且稱 神為自己的父,把自己與 神當作平等。
18Saka naizvozvo vaJudha vakanyanya kutsvaka kumuuraya, nekuti wakange asingadariki sabata chete, asi wakatiwo Mwari ndiBaba vake vomene, achizvienzanisa naMwari.
19人子的權柄耶穌又對他們說:“我實實在在告訴你們,子靠著自己不能作甚麼,只能作他看見父所作的;因為父所作的事,子也照樣作。
19Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Mwanakomana haagoni kuita pachake, kunze kwezvaanoona Baba vachichiita; nekuti chero zvavanoita, izvo ndizvowo saizvozvo Mwanakomanawo zvaanoita.
20父愛子,把自己所作的一切指示給他看,還要把比這些更大的事指示給他看,使你們驚奇。
20Nekuti Baba vanoda Mwanakomana, uye vanomuratidza zvinhu zvose zvavanoita ivo; vachamuratidzawo mabasa makuru anopfuura awa, kuti imwi mushamisike.
21父怎樣叫死人復活,使他們得生命,子也照樣隨自己的意思使人得生命。
21Nekuti Baba sezvavanomutsa vakafa vachivararamisa, saizvozvo Mwanakomana unoraramisawo vaanoda.
22父不審判人,卻已經把審判的權柄完全交給子,
22Nekuti naBaba havatongi munhu, asi vakapa Mwanakomana kutonga kose;
23使所有的人尊敬子好像尊敬父一樣。不尊敬子的,就是不尊敬那差他來的父。
23kuti vose vakudze Mwanakomana sezvavanokudza Baba. Usingakudzi Mwanakomana, haakudzi Baba vakamutuma.
24我實實在在告訴你們,那聽見我的話又信那差我來的,就有永生,不被定罪,而是已經出死入生了。
24Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unonzwa shoko rangu, nekutenda kune wakandituma, une upenyu hwusingaperi; uye haasviki mukupiwa mhosva, asi wapfuura murufu akaenda muupenyu.
25我實實在在告訴你們,時候將到,現在就是了,死人要聽見 神兒子的聲音,聽見的人就要活了。
25Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Awa rinouya, nazvino ravapo, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari, uye vanonzwa vachararama.
26就如父是生命的源頭,照樣他也使子成為生命的源頭,
26Nekuti Baba sezvavane upenyu mavari pachavo, saizvozvo vakapa kuMwanakomanawo kuti ave neupenyu maari pachake;
27並且把執行審判的權柄賜給他,因為他是人子。
27uye vakamupa simba rekutongawo, nekuti Mwanakomana wemunhu.
28你們不要把這事看作希奇,因為時候將到,那時所有在墳墓裡的都要聽見他的聲音,
28Musashamisika nezvizvi; nekuti awa rinouya, apo vose vari mumakuva vachanzwa inzwi rake,
29並且都要出來;行善的復活得生命,作惡的復活被定罪。
29zvino vachabuda, avo vakaita zvakanaka, mukumuka kweupenyu; neavo vakaita zvakaipa, mukumuka kwekupiwa mhosva.
30給耶穌作見證的“我靠著自己不能作甚麼,我怎樣聽見,就怎樣審判。我的審判是公義的,因為我不尋求自己的意思,只求那差我來者的旨意。
30Ini handigoni kuita chinhu pachangu; semanzwiro angu, ndinotonga; uye kutonga kwangu kwakarurama, nekuti handitsvaki chido changu, asi chido chaBaba vakandituma.
31我若為自己作證,我的見證就不真。
31Kana ndichipupura nezvangu, uchapupu hwangu hahusi hwechokwadi.
32然而另有一位為我作證的,我知道他為我作的見證是真的。
32Uripo umwe unopupura nezvangu; uye ndinoziva kuti uchapupu hwaanopupura nezvangu ndehwechokwadi
33你們曾經派人到約翰那裡,他為真理作過見證。
33Imwi makatumira kuna Johwani, uye akapupurira chokwadi.
34我不接受從人而來的見證,但我說這些事,是要你們得救。
34Asi ini handigamuchiri uchapupu hunobva kumunhu, asi ndinoreva zvinhu izvi kuti imwi muponeswe.
35約翰是一盞點亮的燈,你們情願暫時在他的光中歡樂。
35Iye wakange ari mwenje unopfuta neunovhenekera, nemwi makange muchishuva kufara kwazvo kwechinguvana muchiedza chake.
36但我有比約翰更大的見證,因為父賜給我要我完成的工作,就是我所要作的,證明我是父所差來的。
36Asi ini ndine uchapupu ukuru kune hwaJohwani; nekuti mabasa Baba avakandipa kuti ndimapedze, awa mabasa ini andinoita, anopupura nezvangu kuti Baba vakandituma.
37差我來的父親自為我作了見證。他的聲音,你們從沒有聽過;他的容貌,你們從沒有見過;
37NaBaba vakandituma, ivo vakapupura nezvangu. Hamuna chero nguva kunzwa inzwi rake, kana kuona chimiro chake.
38他的道,你們也不放在心裡,因為你們不信他所差來的那一位。
38Uye hamuna shoko rake rinogara mamuri, nekuti iye waakatuma, uyu imwi hamuna kumutenda.
39你們研究聖經,因為你們認為聖經中有永生,其實為我作證的就是這聖經,
39Nzverai magwaro, nekuti imwi munofunga kuti mune upenyu hwusingaperi maari, uye ndiwo anopupura nezvangu.
40然而你們卻不肯到我這裡來得生命。
40Asi hamudi kuuya kwandiri, kuti muve neupenyu.
41“我不接受從人而來的稱讚;
41Handigamuchiri rukudzo kuvanhu;
42我知道你們心裡沒有 神的愛。
42asi ndinokuzivai imwi, kuti hamuna rudo rwaMwari mamuri.
43我奉我父的名而來,你們不接待我;如果有別人以自己的名義而來,你們倒接待他。
43Ini ndauya muzita raBaba vangu, asi hamuna kundigamuchira; kana umwe akauya muzita rake pachake, muchamugamuchira iye.
44你們彼此接受稱讚,卻不尋求從獨一的 神而來的稱讚,怎麼能信呢?
44Munogona kutenda sei imwi munogamuchira rukudzo umwe kune umwe, asi musingatsvaki rukudzo rwunobva kuna Mwari oga?
45不要以為我要向父控告你們,有一位控告你們的,就是你們所仰賴的摩西。
45Musafunga kuti ini ndichakupai mhosva kuna Baba; uriko unokupai mhosva, ndiye Mozisi wamunovimba naye imwi.
46你們若信摩西,也必信我,因為他所寫的書曾論及我。
46Nekuti dai maitenda Mozisi, maitenda ini; nekuti iye wakanyora nezvangu.
47你們若不信他所寫的,怎能信我的話呢?”
47Asi kana musingatendi magwaro ake, muchatenda sei mashoko angu?