聖經新譯本

Shona

Leviticus

16

1贖罪祭的條例亞倫的兩個兒子走近耶和華面前而死亡以後,耶和華對摩西說:
1Zvino Jehovha wakataura naMozisi, shure kokufa kwavanakomana vaAroni, musi wavakaswedera pamberi paJehovha, vakafa;
2“你要告訴你的哥哥亞倫,不可隨時進入聖所的幔子裡面,到約櫃上的施恩座,免得他死亡,因為我在施恩座上的彩雲中顯現。
2Jehovha akati kuna Mozisi, Taura naAroni mukuru wako, kuti arege kupinda nguva dzose panzvimbo tsvene mukati mechidzitiro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa, chiri pamusoro peareka, kuti urege kufa; nekuti ndichazviratidza mugore pamusoro pechifunhiro chokuyananisa.
3亞倫進入聖所時要帶一頭公牛犢作贖罪祭,一隻公綿羊作燔祭。
3Zvino Aroni ngaapinde munzvimbo tsvene nezvinhu izvi: Nzombe duku, chive chipiriso chezvivi, negondobwe, chive chipiriso chinopiswa.
4他要穿上細麻布的聖內袍,也要把細麻布的褲子穿在身上,腰束細麻布的帶子,頭戴細麻布禮冠;這些就是聖衣。他要先用水洗身,然後才穿上聖衣。
4Anofanira kufuka jasi dzvene romucheka, avewo namabhurukwa omucheka pamuviri wake, nokuzvisunga chiuno chake nebhanhire romucheka, nokudzikawo nguwani yomucheka; ndidzo nguvo tsvene; ngaashambidze muviri wake nemvura, agozvifuka.
5他要從以色列的會眾中,取兩隻公山羊作贖罪祭,一隻公綿羊作燔祭。
5Zvino anofanira kutora kuungano yavana vaIsiraeri nhongo mbiri dzembudzi, chive chipiriso chezvivi, negondobwe rimwe, chive chipiriso chinopiswa.
6亞倫為自己的罪獻上作贖罪祭的公牛,為自己和家人贖罪,
6Aroni anofanira kuuya nenzombe yake duku yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire, iye neveimba yake.
7然後把兩隻公山羊牽來,放在會幕門口,耶和華的面前;
7Zvino ngaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana;
8亞倫要為這兩隻山羊抽籤:一籤歸耶和華,另一籤歸阿撒瀉勒(“阿撒瀉勒”是希伯來文音譯,這字原意不能確定)。
8Aroni zvino anofanira kukanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri, mumwe mujenya waJehovha, mumwe waAzazeri.
9亞倫要把那抽籤歸耶和華的山羊,獻作贖罪祭。
9Zvino Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJehovha, ndokuibayira chive chipiriso chezvivi.
10至於那抽籤歸阿撒瀉勒的山羊,卻要活活地擺在耶和華面前,用來贖罪,然後叫人把牠送到曠野,歸阿撒瀉勒。
10Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehovha kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwa iende kurenje, ive yaAzazeri.
11“亞倫要先為自己獻上作贖罪祭的公牛,為自己和家人贖罪,他要把那為自己作贖罪祭的公牛宰殺。
11Zvino Aroni anofanira kuuya nenzombe duku yake yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire nayo, iye naveimba yake, auraye nzombe yake yechipiriso chezvivi;
12從耶和華面前的祭壇上,拿一個盛滿火炭的香爐,又拿一捧搗細的芬芳香料,帶進幔子裡,
12ipapo ngaatore harana yezvinonhuhwira, izere namazimbe omoto uri paaritari pamberi paJehovha, namaoko ake azere nezvinonhuhwira zvakanaka zvakakuyiwa, auye nazvo mukati mechidzitiro;
13在耶和華面前把香放在火上,使香的煙雲遮掩約櫃上的施恩座,免得他死亡。
13zvino ngaaise zvinonhuhwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, kuti gore routsi bwezvinonhuhwira rifukidze chifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, kuti arege kufa;
14他要取些公牛的血,用指頭彈在施恩座的東面,再用指頭在施恩座的前面,彈血七次。
14zvino ngaatore rimwe ropa renzombe, arisase nomumwe wake pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, kurutivi rwamabvazuva, nerimwe ropa arisase nomumwe wake kanomwe pamberi pechifunhiro chokuyananisa.
15“然後他要宰殺那為人民作贖罪祭的公山羊,把血帶進幔子裡,彈羊血在施恩座的上面和施恩座的前面,好像彈公牛的血一樣。
15Ipapo anofanira kuuraya mbudzi yechipiriso chezvivi chavanhu, ndokuuya neropa rayo mukati mechidzitiro, agoita neropa rayo sezvaakaita neropa renzombe, arisase pamusoro pechifunhiro chokuyananisa;
16他要為聖所贖罪,使聖所脫離以色列人的不潔和他們的過犯,就是他們的一切罪孽。然後他又要為會幕同樣的贖罪。因為會幕和他們在一起,在他們的不潔中間。
16anofanira kuyananisirawo nzvimbo tsvene nokuda kokusanaka kwavana vaIsiraeri, uye nokuda kokudarika kwavo nezvivi zvavo zvose; saizvozvo anofanira kuitirawo tende rokusangana rinogara navo pakati pokusanaka kwavo.
17他進入至聖所贖罪的時候,會幕裡不可有人;直到他為自己和家人,以及以色列全體會眾,贖了罪出來為止。
17Ngakurege kuva nomunhu mutende rokusangana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda, apedza kuzviyananisira iye naveimba yake, neungano yose yavaIsiraeri.
18他出來,就到耶和華面前的祭壇那裡,為壇贖罪。他要取一點公牛的血和山羊的血,抹祭壇的四角。
18Ipapo anofanira kubuda kuaritari iri pamberi paJehovha, agondoiyananisira; ngaatore rimwe ropa renzombe, nerimwe ropa rembudzi, ariise panyanga dzearitari panhivi dzose.
19又用指頭向祭壇彈血七次,潔淨祭壇,使它分別為聖,脫離以色列人的不潔。
19Rimwe ropa ngaarisase kanomwe pamusoro payo nomumwe wake, kuti ainatse nokuiita tsvene pakusanaka kwavana valsiraeri.
20代罪的山羊“亞倫為聖所、會幕和祭壇贖了罪以後,就要把那隻活山羊獻上。
20Kana apedza kuyananisira nzvimbo tsvene netende rokusangana, nearitari, ngaauye nembudzi mhenyu,
21亞倫兩手按在那隻活山羊頭上,承認以色列人的一切罪孽和他們的過犯,就是他們一切罪孽。把它們都歸在那山羊的頭上;然後經由已預定的人,把羊送到曠野裡去。
21Aroni agoisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri nokudarika kwavo kose, izvo zvivi zvavo zvose; ngaazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumwe kurenje nomunhu wakange arairwa.
22那隻山羊就擔當他們的一切罪孽,把它們帶到一個完全隔離的地;所以那人要把那隻山羊送到曠野裡去。
22Mbudzi iyo inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose kunyika isina vanhu; anofanira kuregedza mbudzi iyo murenje.
23“亞倫要進會幕,把他進聖所時所穿的細麻布衣服脫下,放在那裡。
23Zvino Aroni anofanira kupinda mutende rokusangana, anofanira kubvisa nguvo dzake dzomucheka, idzo dzaakanga akafuka pakupinda kwake panzvimbo tsvene, agodzisiyapo.
24然後在聖潔的地方用水洗身,穿回自己的衣服出來,把自己的燔祭和眾民的燔祭獻上,為自己和眾民贖罪。
24Anofanira kushambidza muviri wake nemvura munzvimbo tsvene, ndokufuka nguvo dzake ndokubuda, agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, kuti azviyananisire iye navanhu.
25贖罪祭牲的脂肪,他要焚燒在祭壇上。
25Zvino ngaapise mafuta echipiriso chezvivi pamusoro pearitari.
26那送走歸阿撒瀉勒的山羊的人,要洗淨自己的衣服,用水洗身,然後才可以進到營裡。
26Uya munhu unondoregedza mbudzi yokubvisa anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
27那作贖罪祭的公牛和作贖罪祭的公山羊,牠們的血既然被帶進去為聖所贖罪,牠們的身體就要搬出營外去;牠們的皮、肉和糞都要用火燒掉。
27Asi nzombe yechipiriso chezvivi, nembudzi yechipiriso chezvivi zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kutakurirwa kunze kwemisasa; zvino vanofanira kupisa matebwe azvo nenyama yazvo namazvizvi azvo nomoto.
28那燒祭牲的人要洗淨自己的衣服,用水洗身,然後才可以進營。
28Nomunhu unozvipisa anofanira kusuka nguvo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure.
29每年當守一次贖罪日“每逢七月十日,你們要刻苦己心,無論是本地人,或是寄居在你們中間的外人,甚麼的工,你們都不可作,這要作你們永遠的律例。
29Unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri: Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi romwedzi, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokusabata mabasa ose, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu;
30因為在這一天,他要為你們贖罪,使你們潔淨,脫離你們一切罪孽,使你們在耶和華面前成為潔淨。
30nekuti munofanira kuyananisirwa nezuva iro, kuti munatswe; munofanira kunatswa pazvivi zvenyu zvose pamberi paJehovha.
31這是完全休歇的安息,你們要刻苦己心。這是永遠的律例。
31Rinofanira kuva sabata rokuzorora kwazvo kwamuri, munofanira kuchema pamweya yenyu; murayiro usingaperi.
32那被膏立,承受聖職,接替他父親作祭司的,要穿上細麻布衣服,就是聖潔的衣服,進行贖罪。
32mupristi uchazozodzwa nokugadzwa paupristi panzvimbo yababa vake, iye anofanira kuyananisira nokufuka nguvo dzomucheka, idzo nguvo tsvene;
33他要為至聖所贖罪,又為會幕和祭壇贖罪,以及為祭司們和全體會眾贖罪。
33anofanira kuyananisira nzvimbo tsvene, uye anofanira kuyananisira tende rokusangana nearitari; uye anofanira kuyananisira vapristi navanhu vose veungano.
34每年一次,要因以色列人一切的罪,為他們贖罪。這是你們永遠的律例。”於是亞倫照著耶和華吩咐摩西的去行。
34Uyu unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri, kuyananisira vana vaIsiraeri kamwe chete pagore pamusoro pezvivi zvavo. Akaita sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha.