1屠殺祭牲的條例耶和華對摩西說:
1Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati,
2“你要告訴亞倫和他的兒子,以及以色列人,對他們說:這是耶和華的吩咐:
2Taura naAroni navanakomana vake navana vaIsiraeri vose, uti kwavari, Ndiro shoko rakarairwa naJehovha:
3以色列家的任何人,不論在營內,或在營外,宰殺公牛、綿羊或山羊,
3Munhu upi noupi kuna veimba yaIsiraeri unouraya nzombe, kana gwayana, kana mbudzi, mukati memisasa, kana unozviuraya kunze kwemisasa,
4而不牽到會幕門口,耶和華的帳幕面前,獻給耶和華作供物,流血的罪就要歸到那人身上;他既然流了牲畜的血,就必從自己的族人中被剪除。
4asina kuzviisa pamukova wetende rokusangana, kuzviisa pamberi petabhenakeri yaJehovha kuti chive chipo kuna Jehovha, munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake;
5這條例的目的是要以色列人把他們慣常在田野裡宰殺的祭牲,帶去給耶和華,到會幕門口交給祭司,好像獻給耶和華作平安祭那樣宰殺牲畜。
5kuti vana vaIsiraeri vauye nezvibayiro zvavo zvavanobayira kusango, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rokusangana kumupristi, kuti vazvibayire Jehovha, zvive zvibayiro zvezvipiriso zvokuyananisira.
6祭司要把血潑在會幕門口耶和華的祭壇上,把脂肪焚燒,獻給耶和華作馨香的祭。
6Zvino mupristi ngaasase ropa razvo paaritari yaJehovha, pamukova wetende rokusangana; apisewo mafuta, kuti zvinhuwire zvakanaka pamberi paJehovha.
7他們不可再殺祭牲,獻給那些山羊,就是他們所隨從行邪淫的鬼神。這要作他們世世代代永遠的律例。
7Havafaniri kuzobayira nhongo zvibayiro zvavo kumadhimoni, idzo dzavaitevera pakupata kwavo. Uyo unofanira kuva murayiro usingaperi kwavari kusvikira kumarudzi avo ose.
8“你要對他們說:以色列家的任何人,或是在你們中間寄居的外人,獻燔祭或是平安祭的時候,
8Iwe unofanira kuti kwavari, Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unopisira chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro,
9如果不牽到會幕門口,把牠獻給耶和華,那人就必從自己的族人中被剪除。
9asingauyi nacho kumukova wetende rokusangana, kuti achibayire Jehovha, munhu uyo anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.
10嚴禁吃血“以色列家的任何人,或是在你們中間寄居的外人,如果吃了任何血,我必向那吃血的人變臉,把他從自己的族人中剪除。
10Munhu upi noupi waveimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere pakati pavo, unodya ropa ripi neripi, ndichatonga munhu uyo unodya ropa, ndimubvise pakati porudzi rwake.
11因為動物的生命是在血裡,我指定這祭壇上的血代替你們的生命,因為血裡有生命,所以能代贖生命。
11nekuti upenyu bwenyama huri muropa; ndakakupai iro paaritari, kuti riyananisire mweya yenyu; nekuti iropa rinoyananisira nokuda koupenyu hurimo.
12所以我對以色列人說:你們中間任何人都不可吃血,在你們中間寄居的外人也不可吃血。
12Naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, Kurege kuva nomumwe wenyu uchadya ropa, kana mutorwa upi noupi ugere pakati penyu, ngaarege kudya ropa.
13任何以色列人,或是在你們中間寄居的外人中,有人打獵得了可以吃的禽獸,總要放盡牠的血,用泥土掩蓋。
13Munhu upi noupi kuvana vaIsiraeri, kana kuvatorwa vagere pakati pavo, wakabata pakuvhima kwake mhuka ipi neipi kana shiri inodyiwa, anofanira kudurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva.
14“因為所有動物的生命就在牠們的血中,所以我對以色列人說:任何動物的血,你們都不可吃;因為所有動物的血,就是牠的生命;吃血的,必被剪除。
14Nekuti kana huri upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndihwo upenyu hwazvo, naizvozvo ndakati kuvana vaIsiraeri, Regai kudya ropa razvo; ani naani unoridya anofanira kubviswa:
15吃了自死的,或是被野獸撕裂的動物,無論是本地人或是寄居的,都要洗淨自己的衣服,用水洗澡,並且不潔淨到晚上,以後他才算潔淨。
15Munhu upi noupi unodya chinhu chakangofa choga, kana chakaurawa nezvikara, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa, anofanira kusuka nguvo dzake, nokuzvishambidza nemvura, ave usina kunaka kusvikira madeko; ipapo uchazova wakanaka.
16但是,如果他不洗淨衣服,也不洗身,他就要擔當自己的罪責。”
16Asi kana asingadzisuki, kana kushambidza muviri wake, uchafanira kuva nemhosva yake.