1饒恕、信心、服事等教訓(太18:6~7、21~22;可9:42)耶穌又對門徒說:“使人犯罪的事是免不了的,但那使人犯罪的人有禍了!
1Zvino wakati kuvadzidzi: Hazvigoneki kuti zvigumbuso zvisauya; asi une nhamo wazvinouya kubudikidza naye.
2就算拿一塊大磨石拴在他的頸項上,把他沉在深海裡,比他使這小子中的一個犯罪還好。
2Zvaiva nani kwaari kuti guyo rinorema risungirirwe kupoteredza mutsipa wake, ndokukandirwa mugungwa, pakuti agumbuse umwe wevaduku ava.
3你們應當謹慎。如果你弟兄得罪你,就勸戒他;他若懊悔,就饒恕他。
3Muzvichenjerere imwi. Zvino kana hama yako ikakutadzira, mutsiure; uye kana akatendeuka, mukangamwire.
4如果他一天七次得罪你,又七次回轉,對你說:‘我懊悔了!’你總要饒恕他。”
4Uye kana akutadzira kanomwe pazuva, akadzoka kwauri kanomwe pazuva, achiti: Ndatendeuka; uchamukangamwira.
5使徒對主說:“請你加添我們的信心。”
5Zvino vaapositori vakati kuna Ishe: Wedzerai kwatiri rutendo.
6主說:“如果你們有信心像一粒芥菜種,就是對這棵桑樹說:‘拔起根來,栽到海裡去!’它也必聽從你們。
6Ishe ndokuti: Kana maiva nerutendo rwakaita setsanga yemasitadha, maiti kumuhabhurosi uyu: Dzurwa, usimwe mugungwa; uye waikuteererai.
7“你們中間誰有僕人去耕地或是放羊,從田裡回來,你就對他說:‘快過來坐下吃飯’;
7Asi ndeupi kwamuri une muranda unorima kana kufudza, uchati achingopinda achibva kumunda: Swedera ugare pakudya?
8而不對他說:‘給我預備晚餐,束起腰來服事我,等我吃喝完了,你才吃喝’呢?
8Asi ungarega here kuti kwaari: Gadzira zvandingaraira, uye uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ndadya, ndikamwa; zvino mushure iwe udye nekumwa?
9僕人作了所吩咐的事,主人還謝謝他嗎?
9Unotenda muranda uyo nekuti wakaita zvarairwa here? Handifungi.
10你們也是這樣,作完一切吩咐你們的事,應該說:‘我們是無用的僕人,我們只作了應分作的。’”
10Saizvozvo neimwi, kana maita zvose zvamakarairwa, muti: Tiri varanda pasina, nekuti taita zvataifanira kuita.
11治好十個痲風病人耶穌往耶路撒冷去,經過撒瑪利亞和加利利的邊境。
11Zvino zvakaitika pakuenda kwake kuJerusarema, kuti iye wakapfuura nepakati peSamaria neGarirea.
12他走進一個村莊,有十個痲風病人迎面而來,遠遠地站著,
12Zvino wakati achipinda mune umwe musha, varume gumi vaiva nemaperembudzi vakasangana naye, vamire kure.
13大聲說:“主耶穌啊,可憐我們吧!”
13Zvino ivo vakasimudza inzwi, vachiti: Jesu, Tenzi, tinzwirei tsitsi!
14他看見了,就對他們說:“你們去給祭司檢查吧。”他們去的時候就潔淨了。
14Zvino wakati achivaona, akati kwavari: Endai munozviratidza kuvapristi. Zvino zvakaitika kuti vachienda, vakanatswa.
15內中有一個人見自己已經好了,就回來大聲頌讚 神,
15Zvino umwe wavo paakaona kuti aporeswa, wakadzoka achikudza Mwari nenzwi guru;
16在耶穌腳前把臉伏在地上感謝他。他是一個撒瑪利亞人。
16ndokuwira pasi nechiso patsoka dzake, achimuvonga; zvino iye wakange ari muSamaria.
17耶穌說:“潔淨了的不是有十個人嗎?那九個在哪裡?
17Asi Jesu wakapindura akati: Vanga vasiri gumi here vanatswa? Ko vapfumbamwe varipi?
18除了這外族人,再沒有一個回來頌讚 神嗎?”
18Hapana kuwanikwa vadzokera kuzopa Mwari rukudzo, kunze kweuyu mutorwa.
19耶穌就對他說:“起來,走吧,你的信使你痊愈了。”
19Zvino akati kwaari: Simuka, enda; rutendo rwako rwakuponesa.
20 神的國降臨的情形(太24:37~41)法利賽人問耶穌:“ 神的國甚麼時候來到呢?”他回答:“ 神的國來到,是眼睛看不見的。
20Zvino wakati achibvunzwa nevaFarisi, kuti ushe hwaMwari hwunosvika rinhi, akavapindura akati: Ushe hwaMwari hahwuuyi nekuonekwa;
21人不能說:‘看哪!在這裡’,或說:‘在那裡’;因為 神的國就在你們裡面。”
21uye havangati: Tarirai pano; kana: Tarira uko. Nekuti tarirai, ushe hwaMwari hwuri mukati menyu.
22他又對門徒說:“日子將到,你們渴望看見人子的一個日子,卻見不到。
22Zvino wakati kuvadzidzi: Mazuva achasvika amuchashuva kuona rimwe ramazuva eMwanakomana wemunhu, asi hamungarioni.
23有人會對你們說:‘看哪,在那裡;看哪,在這裡!’你們不要出去,也不要追隨他們。
23Zvino vachati kwamuri: Tarirai pano; kana: Tarirai uko; regai kuenda, kana kutevera.
24電光怎樣從天這邊一閃,直照到天那邊,人子在他的日子也是這樣。
24Nekuti semheni inopenya ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga, saizvozvo zvichaitawo Mwanakomana wemunhu nezuva rake.
25但他必須先受許多苦,被這個世代棄絕。
25Asi kutanga unofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji, nekurambwa nezera iri.
26挪亞的時代怎樣,人子的時代也是怎樣。
26Uye sezvazvakange zvakaita mumazuva aNowa, ndizvo zvazvichavawo mazuva eMwanakomana wemunhu.
27當時人們吃喝嫁娶,直到挪亞進入方舟的那一天,洪水來了,把他們全都滅掉。
27Vaidya, vaimwa, vaiwana, vachiwaniswa, kusvikira zuva iro Nowa raakapinda naro muareka, mafashame akasvika, ndokuvaparadza vose.
28在羅得的時代也是這樣,人們吃喝買賣,耕種建造,
28Saizvozvowo sezvazvakange zvakaita mumazuva aRoti; vaidya, vaimwa, vaitenga, vaitengesa, vaidzvara, vaivaka;
29直到羅得離開所多瑪的那一天,火與硫磺從天上降下來,把他們全都滅掉。
29asi nemusi Roti waakabuda muSodoma, kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga, zvikaparadza vose.
30人子顯現的日子也是這樣。
30Zvichava seizvi nezuva Mwanakomana wemunhu raachabudiswa pachena naro.
31當那日,人在房頂上,器具在屋裡,不要下來拿;在田裡的,照樣不要回家。
31Muzuva iro, uyo uchava pamusoro pedenga reimba, nenhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; neuri kumunda saizvozvo ngaarege kudzokera zvinhu zviri shure.
32應當記著羅得的妻子的教訓。
32Yeukai mukadzi waRoti.
33凡是想保全生命的,必喪掉生命;凡是犧牲生命的,卻必保全生命。
33Ani nani unotsvaka kuponesa upenyu hwake ucharashikirwa nahwo, uye ani nani unorashikirwa nahwo uchahwuraramisa.
34我告訴你們,當那夜,兩個人在一張床上,一個被接去,一個被撇下。
34Ndinoti kwamuri: Muusiku uhwo kuchava nevaviri pamubhedha umwe; umwe uchatorwa, uye umwe uchasiiwa.
35兩個女人一起推磨,一個被接去,一個被撇下。”
35Vaviri vachava vachikuya pamwe, umwe uchatorwa, uye umwe uchasiiwa.
36(有些抄本有第36節:“兩個人在田裡,一個被接去,一個撇下來。”)
36Vaviri vachava mumunda; umwe uchatorwa, uye umwe asiiwe.
37門徒問耶穌:“主啊,這些事會在哪裡發生呢?”主說:“屍首在哪裡,鷹也會聚集在哪裡。”
37Zvino vakapindura vakati kwaari: Kupi Ishe? Ndokuti kwavari: Pane mutumbi, ndipo pachaunganidzwa magora.