聖經新譯本

Shona

Luke

18

1寡婦與法官的比喻耶穌對他們講一個比喻,論到人必須常常祈禱,不可灰心。
1Zvino wakavaudzawo mufananidzo kuti vanofanira kunyengetera nguva dzose, uye vasaora moyo,
2他說:“某城裡有一個法官,不懼怕 神,也不尊敬人。
2achiti: Kwaiva mune rimwe guta neumwe mutongi, wakange asingatyi Mwari, uye asingaremekedzi munhu;
3那城裡有一個寡婦,常常來到他那裡,說:‘求你給我伸冤,使我脫離我的對頭!’
3zvino kwakange kune chirikadzi muguta iro, yakange ichiuya kwaari, ichiti: Ndiruramisirei kumuvengi wangu.
4他多次不肯,後來心裡說:‘我雖然不懼怕 神,也不尊敬人,
4Asi wakange asingadi kwenguva; asi pashure pezvinhu izvi wakati mukati make: Kunyange ndisingatyi Mwari, uye ndisingaremekedzi munhu;
5只是因為這寡婦常常來麻煩我,就給她伸冤吧,免得她不斷地來纏擾我。’”
5asi nekuti chirikadzi iyi inonditambudza, ndichairuramisira, zvimwe pakupedzisira ingandisvota.
6主說:“你們聽聽這不義的法官所說的話吧。
6Ishe ndokuti: Inzwai mutongi usakarurama zvaanoreva.
7難道 神不會為晝夜呼籲他的選民伸冤嗎?難道 神會耽誤他們嗎?
7Ko Mwari haangaruramisiri here vakasanangurwa vake, vanodana kwaari masikati neusiku, kunyange achivanonokera?
8我告訴你們,他要快快地給他們伸冤。然而人子來的時候,在世上找得到這種信心嗎?”
8Ndinoti kwamuri: Uchakurumidza kuvaruramisira. Asi kana Mwanakomana wemunhu achisvika, uchawana rutendo panyika here?
9稅吏和法利賽人的禱告耶穌向那些自恃為義、輕視別人的人,講了這個比喻:
9Zvino wakareva mufananidzo uyu kune vamwewo vaizvivimba kuti vakarurama, vachizvidza vamwe, akati:
10“有兩個人上聖殿去祈禱,一個是法利賽人,一個是稅吏。
10Vanhu vaviri vakakwira kutembere kunonyengetera; umwe muFarisi, uye umwe muteresi.
11法利賽人站著,禱告給自己聽,這樣說:‘ 神啊,我感謝你,我不像別人,勒索、不義、姦淫,也不像這個稅吏。
11MuFarisi wakamira akazvinyengeterera zvinhu izvi, akati: Mwari, ndinokutendai kuti handina kufanana nevamwe vanhu, makororo, vasakarurama, mhombwe, kana kunyange semuteresi uyu.
12我一個禮拜禁食兩次,我的一切收入都奉獻十分之一。’
12Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.
13稅吏卻遠遠站著,連舉目望天也不敢,只捶著胸說:‘ 神啊,可憐我這個罪人!’
13Asi muteresi amire kure wakasada kunyange kusimudzira meso kudenga, asi wakarova pachifuva chake, achiti: Mwari, ndinzwirei tsitsi ini mutadzi.
14我告訴你們,這個人回去,比那個倒算為義了。因為高抬自己的,必要降卑;自己謙卑的,必要升高。”
14Ndinoti kwamuri: Uyu wakaburukira kumba kwake aruramiswa pane uya; nekuti umwe neumwe unozvikwiridzira uchaninipiswa, uye unozvininipisa uchakwiridzirwa.
15讓小孩子到我這裡來(太19:13~15;可10:13~16)有人抱著嬰孩到耶穌面前,要他撫摩他們。門徒看見了,就責備那些人。
15Zvino vakauyisa kwaari vachechewo, kuti avabate; asi vadzidzi vakati vachizviona, vakavatsiura.
16耶穌卻叫他們過來,說:“讓小孩子到我這裡來,不要禁止他們,因為 神的國正屬於這樣的人。
16Asi Jesu wakadanira vacheche kwaari akati: Tenderai vacheche vauye kwandiri, musavadzivisa, nekuti ushe hwaMwari ndehwevakadai.
17我實在告訴你們,凡不像小孩子一樣接受 神的國的,決不能進去。”
17Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani usingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahwuri.
18有錢的人難進 神的國(太19:16~29;可10:17~30)有一個官長問耶穌:“良善的老師,我當作甚麼,才可以承受永生?”
18Zvino umwe mutungamiriri wakamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndiitei kuti ndigare nhaka yeupenyu hwusingaperi?
19耶穌對他說:“你為甚麼稱我是良善的呢?除了 神一位以外,沒有良善的。
19Jesu ndokuti kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, Mwari.
20誡命你是知道的:不可姦淫,不可殺人,不可偷盜,不可作假證供,當孝敬父母。”
20Mirairo unoiziva, inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.
21他說:“這一切我從小都遵守了。”
21Iye ndokuti: Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.
22耶穌聽了,就告訴他:“你還缺少一件,應當變賣你一切所有的,分給窮人,你就必定有財寶在天上,而且你還要來跟從我。”
22Zvino Jesu wakati achinzwa zvinhu izvi akati kwaari: Uchiri kushaiwa chinhu chimwe; tengesa zvose zvaunazvo, ugovere varombo, uye uchava nefuma yakakosha kudenga; ugouya pano wonditevera.
23他聽見這話,非常憂愁,因為他十分富有。
23Zvino wakati anzwa zvinhu izvi, akashungurudzika zvikuru; nekuti wakange akafuma zvikuru.
24耶穌見他這樣,就說:“富有的人要進 神的國,是多麼難哪!
24Zvino Jesu wakati achiona kuti washungurudzika zvikuru akati: Zvicharemera sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari.
25駱駝穿過針眼,比有錢的人進 神的國還容易呢。”
25Nekuti zvakareruka kuti kamera ripinde richidarika nemuburi retsono, kumufumi kupinda muushe hwaMwari.
26聽見的人說:“這樣,誰可以得救呢?”
26Zvino avo vakanzwa, vakati: Zvino ndiani unogona kuponeswa?
27耶穌說:“人所不能的,在 神卻是可能的。”
27Asi iye akati: Zvinhu zvisingagoneki nevanhu, zvinogoneka naMwari.
28彼得說:“你看,我們已捨棄自己所有的,跟從你了!”
28Petro ndokuti: Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.
29耶穌說:“我實在告訴你們,人為 神的國撇下房屋、妻子、弟兄、父母或兒女,
29Zvino akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vabereki, kana madzikoma nevaninina, kana mukadzi, kana vana, nekuda kweushe hwaMwari,
30沒有不在今世得許多倍,來世得永生的。”
30usingazogamuchiri zvakapetwa kazhinji nenguva ino, nemunguva inouya upenyu hwusingaperi.
31第三次預言受難及復活(太20:17~19;可10:32~34)耶穌把十二門徒帶到一邊,對他們說:“我們現在上耶路撒冷去,先知所寫的一切,都要成就在人子身上。
31Zvino wakatora vanegumi nevaviri, akati kwavari: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye zvinhu zvose zvakanyorwa nevaporofita maererano neMwanakomana wemunhu zvichazadziswa.
32他要被交給外族人,受戲弄,被凌辱,他們要向他吐唾沫,
32Nekuti uchakumikidzwa kune vechirudzi, agosekwa, nekuitirwa zvakaipa, nekupfirwa,
33鞭打他,殺害他;第三日他要復活。”
33uye vachamurova netyava nekumuuraya; uye pazuva retatu uchamukazve.
34這些話的含義對門徒是隱藏的。他們聽了,一點也不明白,不知道他說的是甚麼。
34Asi ivo havana kunzwisisa chinhu chimwe cheizvozvi, uye shoko iri rakange rakavanzwa kwavari, uye havana kunzwisisa zvinhu zvakarehwa.
35治好瞎眼的人(太20:29~34;可10:46~52)耶穌走近耶利哥的時候,有一個瞎眼的人坐在路旁討飯,
35Zvino zvakaitika oswedera Jeriko, rimwe bofu raigara padivi penzira richipemha;
36他聽見人群經過,就問是甚麼事。
36rakati richinzwa chaunga chichipfuura, rikabvunza kuti chinyi ichi.
37別人告訴他,是拿撒勒人耶穌經過。
37Zvino vakariudza kuti: Jesu weNazareta unopfuura.
38他就喊叫說:“大衛的子孫耶穌啊,可憐我吧!”
38Zvino rakadanidzira richiti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
39在前頭走的人責備他,叫他不要出聲;但他越發喊叫:“大衛的子孫,可憐我吧!”
39Zvino vakange vakatungamira vakaritsiura kuti rinyarare; asi iro rakanyanyisa kudanidzira, richiti: Mwanakomana waDavidhi, ndinzwirei tsitsi!
40耶穌站住,吩咐領他過來。等他走近,就問他:
40Zvino Jesu wakamira, akaraira kuti riuyiswe kwaari; zvino rakati raswedera akaribvunza,
41“你要我為你作甚麼?”他說:“主啊,叫我能看見!”
41achiti: Unoda kuti ndikuitirei? Zvino rakati: Ishe, kuti ndionezve.
42耶穌說:“你就看見吧!你的信使你痊愈了。”
42Jesu ndokuti kwaari: Chionazve! Rutendo rwako rwakuponesa.
43他立刻看見了,就跟隨耶穌,頌讚 神。眾人看見這事,也讚美 神。
43Pakarepo rikaonazve, rikamutevera, richirumbidza Mwari; vanhu vose vakati vachizviona vakarumbidza Mwari.