1耶穌復活(太28:1~8;可16:1~8;約20:1~10)禮拜日大清早的時候,婦女們帶著預備好的香料,來到墳墓那裡,
1Zvino nemusi wekutanga wevhiki, mambakwedza, vakauya kuguva, vakatakura zvinonhuhwira zvavakange vagadzirira, nevamwe vanavo.
2發現石頭已經從墳墓輥開了,
2Zvino vakawana ibwe rakakunguruswa kubva paguva.
3就進去,卻找不著主耶穌的身體。
3Vakabva vapinda vakasawana mutumbi waIshe Jesu.
4她們正為此事猜疑的時候,忽然有兩個人,穿著閃爍耀目的衣服,站在她們旁邊。
4Zvino zvikaitika vakakanganiswa nazvo, zvino tarira, varume vaviri vakamira navo vakapfeka nguvo dzinopenya;
5她們害怕,把臉伏在地上。那兩個人對她們說:“為甚麼在死人中找活人呢?
5zvino vachiri kutya, ndokukotamisa zviso pasi, varume vakati kwavari: Munotsvakirei mupenyu pevakafa?
6他不在這裡,已經復活了。你們應當記得他還在加利利的時候,怎樣告訴你們,
6Haasi pano, asi wamuka; rangarirai kuti wakataura sei kwamuri achiri muGarirea,
7說:‘人子必須被交在罪人手裡,釘在十字架上,第三日復活。’”
7achiti: Mwanakomana wemunhu unofanira kukumikidzwa mumaoko evanhu vezvivi, nekurovererwa pamuchinjikwa, uye pazuva retatu amukezve.
8她們就想起他的話,
8Zvino vakarangarira mashoko ake.
9於是從墳地回去,把這一切事告訴十一個使徒和其餘的人。
9Zvino vakadzoka vachibva guva, akaudza zvinhu izvi zvose kuvanegumi neumwe nekune vamwe vose.
10那些婦女就是抹大拉的馬利亞,約亞拿和雅各的母親馬利亞,以及其他在一起的婦女,她們把這些事向使徒說了。
10Vaiva Maria Magidharini naJohwana naMaria mai vaJakobho, nevamwe vavaiva navo, vakaudza vaapositori zvinhu izvi.
11使徒以為這些話是無稽之談,就不相信。
11Zvino mashoko avo akaonekera sekutaura kusina maturo pamberi pavo, uye havana kuvatenda.
12彼得卻起來跑到墳墓那裡,屈身往裡觀看,只見細麻布在那裡,就回去了,對所發生的事非常驚奇。
12Asi Petro wakasimuka akamhanyira kuguva; ndokukotama akadongorera, akaona micheka yerineni yakaradzikwa yoga; ndokuenda, ashamisika mukati make nezvakange zvaitika.
13在以馬午斯路上顯現(可16:12~13)同一天,門徒中有兩個人往一個叫以馬午斯的村子去,那村子距耶路撒冷約十一公里;
13Zvino tarira, pazuva irero vaviri vavo vaifamba vachienda kumusha wainzi Emausi, wakange uri masitadhia* makumi matanhatu kubva kuJerusarema.
14他們彼此談論所發生的這一切事。
14Zvino ivo vaitaurirana pamusoro pezvinhu izvi zvose zvakange zvaitika.
15正在交談議論的時候,耶穌親自走近他們,與他們同行,
15Zvino zvakaitika kuti vachitaurirana nekubvunzana, Jesu amene wakaswedera akafamba navo,
16但他們的眼睛卻給蒙蔽了,認不出他來。
16asi meso avo akange abatwa kuti vasamuziva.
17耶穌說:“你們走路的時候,彼此討論的是甚麼事呢?”他們就站住,面帶愁容;
17Zvino wakati kwavari: Mashoko ei awa amunokurukura muchifamba, uye makasuruvara?
18一個名叫革流巴的回答他:“在耶路撒冷作客的,難道只有你不知道這幾天在那裡所發生的事嗎?”
18Umwe, zita rake rainzi Kiriyopasi, ndokupindura akati kwaari: Ndiwe woga mutorwa muJerusarema, usati aziva zvakaitikamo mumazuva ano here?
19他說:“甚麼事呢?”他們說:“就是拿撒勒人耶穌的事。他是先知,在 神和眾人面前,說話行事都有大能。
19Zvino akati kwavari: Zvinhui? Ivo vakati kwaari: Zviri maererano naJesu weNazareta, waiva murume muporofita une simba pachiito nepashoko pamberi paMwari nevanhu vose;
20我們的祭司長和官長,竟把他交出去,判了死罪,釘在十字架上。
20uye kuti vapristi vakuru nevatongi vedu vakamukumikidza sei kuti atongerwe rufu, uye vakamuroverera pamuchinjikwa.
21但我們素來盼望要救贖以色列的就是他。不但這樣,這些事發生到今天,已經是第三天了。
21Asi isu taivimba kuti ndiye waizodzikunura Israeri. Asiwo kunze kweizvi zvose, nhasi rino zuva retatu kubva zvaitika zvinhu izvi.
22而且我們中間有幾個婦女使我們驚奇,她們清早到墳墓那裡去,
22Asi vamwewo vakadzi vekwedu vatishamisa, vanga vafumira kuguva;
23卻找不到他的身體。她們回來說看見天使顯現,天使說他活了。
23zvino vati vasingawani mutumbi wake, vauya vachiti vaona chiratidzo chevatumwawo, vati mupenyu.
24又有我們中間的幾個人到墳墓那裡去,所看見的正如婦女們所說的,只是沒有看見他。”
24Uye vamwe vevaiva nesu vaenda kuguva, vakawanawo zvakadaro vakadzi sezvavakange vareva; asi iye havana kumuona.
25耶穌說:“無知的人哪,先知所說的一切話,你們心裡信得太遲鈍了!
25Zvino iye akati kwavari: Haiwa imwi vekusanzwisisa, uye mune moyo ine chinono kutenda zvose vaporofita zvavakataura!
26基督這樣受害,然後進入他的榮耀,不是應當的嗎?”
26Ko Kristu wakange asingafaniri kutambudzika nezvinhu izvi, ndokupinda pakubwinya kwake here?
27於是他從摩西和眾先知起,把所有關於自己的經文,都給他們解釋明白了。
27Ndokutanga kuna Mozisi nekuvaporofita vose, akadudzira kwavari mumagwaro ose zvinhu zviri maererano naye.
28他們走近要去的村子,他好像還要往前行,
28Zvino vakaswedera kumusha kwavakange vachienda; iye ndokuita sewopfuurira.
29他們強留他說:“天晚了,太陽下山了,請與我們同住吧!”他就進去與他們同住。
29Asi vakamumanikidza, vachiti: Garai nesu, nekuti koda kuvira, uye zuva ranyura. Ndokupinda kunogara navo.
30到了吃飯的時候,他拿起餅來,感謝了,擘開遞給他們,
30Zvino zvakaitika agere navo pakudya, wakatora chingwa akaropafadza, akamedura ndokupa kwavari.
31他們的眼睛開了,才認出是耶穌來;他卻從他們面前不見了。
31Zvino meso avo ndokuzarurwa, ndokumuziva; iye ndokunyangarika kwavari.
32他們彼此說:“在路上他對我們說話,給我們解釋聖經的時候,我們的心不是火熱的嗎?”
32Zvino vakataurirana vachiti: Moyo yedu yanga isingapisi mukati medu here paanga achitaura nesu munzira, nepaanga achitizarurira magwaro?
33他們就立時起來回耶路撒冷去。在那裡遇見十一個使徒和跟他們聚在一起的人,
33Zvino vakasimuka neawa iroro, vakadzokera kuJerusarema, vakawana vanegumi neumwe vakaungana nevaiva navo,
34說:“主果然復活了,已經向西門顯現了。”
34vachiti: Ishe wamuka zvirokwazvo, waonekwa naSimoni.
35兩個人就把在路上的事,和擘餅的時候他們怎樣認出耶穌來的事,都述說了一遍。
35Ivo vakarondedzera zvinhu zvakaitika munzira, uye kuti wakazikamwa navo sei pakumedura chingwa.
36向眾門徒顯現(太28:16~20;可16:14~18;約20:19~23。參徒1:6~8)正說這話的時候,耶穌親自站在他們當中,說:“願你們平安。”
36Zvino vakati vachataura zvinhu izvozvi, Jesu amene wakamira pakati pavo, akati kwavari: Rugare kwamuri.
37他們非常驚怕,以為看見了靈。
37Asi vakavhunduswa, vakatya, vakafunga kuti vaona mweya.
38他說:“你們為甚麼驚慌,為甚麼心裡疑惑呢?
38Zvino akati kwavari: Munotambudzikirei, uye mifungo inomukirei mumoyo yenyu?
39你們看我的手、我的腳,就知道我是誰。摸我看看,靈沒有骨,沒有肉;你們看,我是有的。”
39Tarirai maoko angu netsoka dzangu, kuti ndini ndomene. Ndibatei, muone, nekuti mweya hauna nyama nemafupa, sezvamunoona ndinazvo.
40說了這話,就把手和腳給他們看。
40Zvino wakati areva izvi akavaratidza maoko netsoka.
41他們歡喜到不敢相信,並且很驚奇。耶穌說:“你們這裡有甚麼吃的沒有?”
41Zvino vakati vachigere kutenda nekuda kwekufara vachishamisika, akati kwavari: Mune chinodyika pano here?
42他們就給了他一片燒魚。
42Zvino vakamupa nhindi yehove yakagochwa neyezinga reuchi.
43他接過來,在他們面前吃了。
43Iye ndokutora akadya pamberi pavo.
44主對他們說:“這就是我從前與你們同在的時候,對你們說過的話:摩西的律法、先知書和詩篇上所記關於我的一切事,都必定應驗。”
44Zvino wakati kwavari: Awa mashoko andakataura kwamuri ndichiri nemwi, kuti zvinhu zvose zvinofanira kuzadziswa, zvakanyorwa pamurairo waMozisi, nepavaporofita nepaMapisarema maererano neni.
45於是他開他們的心竅,使他們明白聖經;
45Ipapo akazarura kunzwisisa kwavo, kuti vanzwisise magwaro.
46又說:“經上這樣記著:基督必須受害,第三天從死人中復活。
46Ndokuti kwavari: Zvakanyorwa saizvozvi, saizvozvo zvakafanira Kristu kutambudzika, nekumuka kuvakafa zuva retatu,
47人要奉他的名,傳講悔改與赦罪的道,從耶路撒冷起,直傳到萬國。
47uye kuti kutendeuka nekangamwiro yezvivi zviparidzirwe marudzi ose muzita rake, kutanga paJerusarema.
48你們就是這些事的見證。
48Uye imwi muri zvapupu zvezvinhu izvi.
49我要使我父的應許臨到你們身上,你們當在城裡等候,直到得著從上面來的能力。”
49Zvino tarirai, ini ndinotuma chivimbiso chaBaba vangu pamusoro penyu; asi imwi garai muguta reJerusarema, kusvikira mafukidzwa nesimba rinobva kumusoro.
50耶穌升天(參可16:19~20;徒1:9~11)主帶他們出去,到了伯大尼附近,舉手給他們祝福。
50Zvino akavatungamirira kunze kusvikira Bhetaniya, ndokusimudza maoko ake akavaropafadza.
51正在祝福的時候,他就離開他們,被接到天上去了。
51Zvino zvakaitika achavaropafadza, akaparadzana navo, akakwidzwa kudenga.
52他們就敬拜他,歡歡喜喜地回到耶路撒冷,
52Zvino vakamufugamira, vakadzokera kuJerusarema vane mufaro mukuru;
53常常在殿裡稱頌 神。
53uye vakagara nguva dzose mutembere, vachirumbidza nekutenda Mwari. Ameni