1道成肉身太初有道,道與 神同在,道就是 神。
1Pakutanga wakange aripo Shoko, uye Shoko wakange ana Mwari, uye Shoko wakange ari Mwari.
2這道太初與 神同在。
2Iye uyu wakange ana Mwari pakutanga.
3萬有是藉著他造的;凡被造的,沒有一樣不是藉著他造的。
3Zvinhu zvose zvakaitwa naye, uye kunze kwake hakuna kuitwa chinhu chimwe chakaitwa.
4在他裡面有生命,(有些抄本第3、4節或譯:“萬有是藉著他造的,沒有一樣不是藉著他造的;凡被造的,都在他裡面有生命……”)這生命就是人的光。
4Maari maiva neupenyu, uye upenyu hwaiva chiedza chevanhu,
5光照在黑暗中,黑暗不能勝過光。
5uye chiedza chinovhenekera murima, asi rima harina kuchigamuchira.
6有一個人,名叫約翰,是 神所差來的。
6Kwakauya munhu wakatumwa kubva kuna Mwari, zita rake riri Johwani.
7他來是要作見證,就是為光作見證,使眾人藉著他可以相信。
7Iye wakauyira uchapupu, kuti apupure zvechiedza, kuti vose vatende naye.
8他不是那光,而是要為那光作見證。
8Iye wakange asiri icho chiedza, asi wakatumwa kuti apupure pamusoro pechiedza.
9那光來到世界,是普照世人的真光。
9Chaiva chiedza chechokwadi, chinovhenekera munhu umwe neumwe unouya panyika.
10他在世界,世界也是藉著他造的,世界卻不認識他。
10Wakange ari munyika, nenyika yakaitwa naye, asi nyika haina kumuziva.
11他到自己的地方來,自己的人卻不接受他。
11Wakauya kune zvake, asi vake havana kumugamuchira.
12凡接受他的,就是信他名的人,他就賜給他們權利,成為 神的兒女。
12Asi vose vakamugamuchira, wakavapa kodzero kuti vave vana vaMwari, ivo vanotenda kuzita rake;
13他們不是從血統生的,不是從肉身的意思生的,也不是從人意生的,而是從 神生的。
13vakaberekwa kwete neropa, kana nechido chenyama, kana nechido chemurume, asi naMwari.
14道成了肉身,住在我們中間,滿有恩典和真理。我們見過他的榮光,正是從父而來的獨生子的榮光。
14Shoko ndokuzova nyama, akagara pakati pedu, uye takaona kubwinya kwake, kubwinya sekwewakaberekwa umwe woga waBaba, azere nenyasha nechokwadi.
15約翰為他作見證,大聲說:“這一位就是我所說的:‘那在我以後來的,位分比我高,因為他本來是在我以前的。’”
15Johwani wakapupura pamusoro pake, akadanidzira achiti: Uyu ndiye wandaireva ndichiti: Uyu unouya shure kwangu wakanditangira; nekuti wakange aripo mberi kwangu.
16從他的豐盛裡我們都領受了,而且恩上加恩。
16Nepakuzara kwake isu tose takagamuchira, uye nyasha nenyasha.
17律法是藉著摩西頒布的,恩典和真理卻是藉著耶穌基督而來的。
17Nekuti murairo wakapiwa naMozisi, nyasha nechokwadi zvakauya naJesu Kristu.
18從來沒有人見過 神,只有在父懷裡的獨生子把他彰顯出來。
18Hakuna wakatongoona Mwari; Mwanakomana wakaberekwa umwe woga, uri pachifuva chaBaba, ndiye wakamuzivisa.
19施洗約翰的見證(太3:1~12;可1:1~8;路3:1~18)以下是約翰的見證:猶太人從耶路撒冷派祭司和利未人到約翰那裡,問他:“你是誰?”
19Uye uhwu ndihwo uchapupu hwaJohwani, apo vaJudha vakatuma vapristi nevaRevhi kubva kuJerusarema kuti vanomubvunza kuti: Iwe ndiwe ani?
20約翰並不否認,坦白地承認說:“我不是基督。”
20Akabvuma, uye haana kuramba; ndokubvuma achiti: Ini handisi Kristu.
21他們又問:“那麼你是誰?是以利亞嗎?”他說:“我不是。”“是那位先知嗎?”他回答:“不是。”
21Zvino vakamubvunza vachiti: Saka kudini? Iwe uri Erija here? Akati: Handisi. Iwe uri uya muporofita here? Akapindura akati: Kwete.
22於是他們再問:“你是誰?好讓我們回覆派我們來的人。你說你自己是誰?”
22Naizvozvo vakati kwaari: Ndiwe ani? Kuti tipe mhinduro vatituma; unoti kudini pamusoro pako?
23他說:“我就是在曠野呼喊者的聲音:‘修直主的路!’正如以賽亞先知所說的。”
23Akati: Ini ndini inzwi reunodanidzira murenje: Ruramisai nzira yaIshe; sezvakareva muporofita Isaya.
24這些人是法利賽人派來的。
24Ava vakange vatumwa vaibva kuvaFarisi.
25他們問約翰:“你既然不是基督,不是以利亞,也不是那位先知,那麼你為甚麼施洗呢?”
25Zvino vakamubvunza, vakati kwaari: Unogobhabhatidzirei, kana iwe usiri Kristu, kana Eria, kana muporofita uya?
26約翰回答:“我是用水施洗,但有一位站在你們中間,是你們不認識的;
26Johwani akavapindura, achiti: Ini ndinobhabhatidza nemvura; asi pakati penyu pamire umwe imwi wamusingazivi;
27他是在我以後來的,我就是給他解鞋帶也不配。”
27ndiye unouya shure kwangu, uri mberi kwangu, wandisina kufanira ini kuti ndisunungure rukanda rweshangu yake.
28這些事發生在約旦河東的伯大尼,約翰施洗的地方。
28Izvozvi zvakaitika paBhetabhara, mhiri kwaJoridhani, kwaibhabhatidza Johwani.
29 神的羊羔第二天,約翰見耶穌迎面而來,就說:“看哪, 神的羊羔,是除去世人的罪孽的!
29Ava mangwana Johwani wakaona Jesu achiuya kwaari, akati: Tarirai, gwayana raMwari, rinobvisa rotakura chivi chenyika.
30這一位就是我所說的:‘有一個人,是在我以後來的,位分比我高,因為他本來是在我以前的。’
30Uyu ndiye ini wandaitaura nezvake ndichiti: Shure kwangu kunouya murume, wakanditangira, nekuti wakange ariko mberi kwangu.
31我本來不認識他,但為了要把他顯明給以色列人,因此我來用水施洗。”
31Neni ndakange ndisingamuzivi; asi kuti aziviswe kuna Israeri, nekuda kweizvozvo ini ndakauya ndichibhabhatidza nemvura.
32約翰又作見證說:“我曾看見聖靈,好像鴿子從天上降下來,停留在他的身上。
32Johwani ndokupupura, achiti: Ndakaona Mweya achiburuka kudenga senjiva, akagara pamusoro pake.
33我本來不認識他,但那差我來用水施洗的對我說:‘你看見聖靈降下來,停留在誰身上,誰就是用聖靈施洗的。’
33Neni ndakange ndisingamuzivi; asi wakandituma kubhabhatidza nemvura, ndiye wakati kwandiri: Uyo waunoona Mweya achiburukira pamusoro pake nekugara pamusoro pake, ndiye unobhabhatidza neMweya Mutsvene.
34我看見了,就作見證說:‘這就是 神的兒子。’”
34Zvino ini ndakaona ndikapupura kuti uyu Mwanakomana waMwari.
35呼召第一批門徒(太4:18~22;可1:16~20;路5:2~11)過了一天,約翰和他的兩個門徒又站在那裡。
35Ava mangwanazve Johwani wakange amire, nevaviri vevadzidzi vake;
36約翰看見耶穌走過的時候,就說:“看哪, 神的羊羔!”
36zvino wakatarisa Jesu achifamba-famba, akati: Tarirai Gwayana raMwari.
37那兩個門徒聽見他的話,就跟從了耶穌。
37Vadzidzi vaviri ndokumunzwa achitaura, ndokutevera Jesu.
38耶穌轉過身來,看見他們跟著,就問:“你們要甚麼?”他們說:“拉比,你在哪裡住?”(“拉比”的意思就是“老師”。)
38Zvino Jesu atendeuka wakavaona vachitevera, akati kwavari: Munotsvakei? Vakati kwaari: Rabhi* (ndokuti kana zvichishandurwa, Mudzidzisi) munogarepi?
39他說:“你們來看吧!”於是他們就去看他所住的地方。那一天他們就和耶穌住在一起;那時大約是下午四點鐘。
39Akati kwavari: Uyai muone. Vakauya vakaona paaigara; ndokugara naye zuva iroro; rakange riri awa rinenge regumi.
40聽了約翰的話而跟從耶穌的那兩個人,一個是西門.彼得的弟弟安得烈。
40Andiriya munin'ina waSimoni Petro waiva umwe wevaviri vakange vazvinzwa naJohwani vakamutevera.
41他先找到自己的哥哥西門,告訴他:“我們遇見彌賽亞了!”(“彌賽亞”的意思就是“基督”。)
41Iye wakatanga kuwana mukoma wake chaiye Simoni akati kwaari: Tamuwana Mesiasi; ndiko kuti Kristu, kana zvichishandurwa.
42安得烈就帶他到耶穌那裡。耶穌定睛看著他,說:“你是約翰的兒子西門,你要稱為磯法。”(“磯法”翻譯出來就是“彼得”。)
42Zvino akamuisa kuna Jesu. Jesu ndokuti amutarira akati: Iwe uri Simoni mwanakomana waJona; iwe uchanzi Kefasi (zvinoshandurwa kunzi Petro).
43呼召腓力和拿但業再過一天,耶穌決定往加利利去;他遇見腓力,就對他說:“來跟從我!”
43Ava mangwana Jesu akada kubuda aende Garirea, ndokuwana Firipi, ndokuti kwaari: Nditevere.
44腓力是伯賽大人,與安得烈和彼得同鄉。
44Zvino Firipi wakange ari weBhetisaidha, muguta raAndiriyasi naPetro.
45腓力找到拿但業,告訴他:“摩西在律法書上所寫的,和眾先知所記的那位,我們已經遇見了,他就是約瑟的兒子拿撒勒人耶穌。”
45Firipi akawana Nataniyeri, ndokuti kwaari: Tamuwana iye Mozisi waakanyora nezvake pamurairo nevaporofita, Jesu weNazareta, mwanakomana waJosefa.
46拿但業說:“拿撒勒還能出甚麼好的嗎?”腓力說:“你來看!”
46Nataniyeri ndokuti kwaari: Chinhu chakanaka chinogona kubva muNazareta here? Firipi akati kwaari: Uya uone.
47耶穌看見拿但業向他走過來,就論到他說:“看哪,這的確是個以色列人,他心裡沒有詭詐。”
47Jesu wakaona Nataniyeri achiuya kwaari, ndokuti pamusoro pake: Tarirai muIsraeri wechokwadi, musina kunyengera maari.
48拿但業問他:“你怎麼認識我呢?”耶穌回答:“腓力還沒有招呼你,你在無花果樹下的時候,我就看見你了。”
48Nataniyeri akati kwaari: Mandizivirepi? Jesu akapindura, akati kwaari: Firipi asati akudana, pawanga uri munyasi momuonde, ndakuona.
49拿但業說:“拉比,你是 神的兒子,你是以色列的王!”
49Nataniyeri akapindura ndokuti kwaari: Rabhi, imwi muri Mwanakomana waMwari, imwi muri Mambo waIsraeri.
50耶穌說:“因為我告訴你‘我看見你在無花果樹下’,你就信了嗎?你還要看見比這些更大的事。”
50Jesu akapindura ndokuti kwaari: Unotenda nekuti ndati kwauri, ndakuona munyasi momuonde. Uchaona zvinhu zvikuru kune izvi.
51又對他說:“我實實在在告訴你們,你們要看見天開了, 神的眾使者在人子的身上,上去下來。”
51Zvino akati kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Kubva ikozvino muchaona denga razaruka, nevatumwa vaMwari vachikwira nekuburukira pamusoro peMwanakomana wemunhu.