聖經新譯本

Shona

Luke

4

1耶穌受試探(太4:1~11;可1:12~13)耶穌被聖靈充滿,從約旦河回來,聖靈引他到曠野,四十天受魔鬼的試探。
1Zvino Jesu azere neMweya Mutsvene wakadzoka achibva paJoridhani, akatungamirirwa neMweya kurenje,
2那些日子他甚麼也沒有吃,日子滿了他就餓了。
2achiidzwa nadhiabhorosi mazuva makumi mana. Uye wakange asingadyi chinhu nemazuva iwayo; zvino akati apera pakupedzisira akazonzwa nzara.
3魔鬼對他說:“你若是 神的兒子,就吩咐這塊石頭變成食物吧!”
3Zvino dhiabhorosi akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, udza ibwe iri kuti rive chingwa.
4耶穌回答:“經上記著:‘人活著不是單靠食物。’”
4Jesu akamupindura, achiti: Kwakanyorwa kuti: Munhu haangararami nechingwa chete, asi neshoko rimwe nerimwe raMwari.
5魔鬼引他上到高處,霎時間把天下萬國指給他看,
5Dhiabhorosi ndokumutora akamutungamidza pagomo refu, akamuratidza ushe hwose hwenyika nechinguvana.
6對他說:“這一切權柄、榮華,我都可以給你;因為這些都交給了我,我願意給誰就給誰。
6Dhiabhorosi ndokuti kwaari: Simba iri rose ndichakupa nekukudzwa kwahwo, nekuti ndakaripiwa ini, uye ndinoripa ani nani wandinoda.
7所以,只要你在我面前拜一拜,這一切就全是你的了。”
7Naizvozvo iwe kana ukandishumira pamberi pangu, zvose zvichava zvako.
8耶穌回答:“經上記著:‘當拜主你的 神,單要事奉他。’”
8Jesu akapindura akati kwaari: Ibva shure kwangu, Satani; nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Uchamata Ishe, Mwari wako, uye umushumire iye oga.
9魔鬼又引他到耶路撒冷,叫他站在殿頂上,對他說:“你若是 神的兒子,就從這裡跳下去吧!
9Akaenda naye kuJerusarema, akamuisa pachiruvu chetembere, akati kwaari: Kana uri Mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;
10因為經上記著:‘他為了你,會吩咐自己的使者保護你。’
10nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ucharaira vatumwa vake pamusoro pako, kuti vakuchengete;
11又記著:‘用手托住你,免得你的腳碰到石頭。’”
11uye: Pamaoko vachakugamha, zvimwe ungagumbusa rutsoka rwako pabwe.
12耶穌回答:“經上說:‘不可試探主你的 神。’”
12Jesu achipindura, akati kwaari: Kwakanzi: Usaidza Ishe Mwari wako.
13魔鬼用盡了各種試探,就暫時離開了耶穌。
13Dhiabhorosi akati apedza muedzo wose, akabva kwaari kusvikira pane imwe nguva.
14在加利利傳道(太4:12~17;可1:14~15)耶穌帶著聖靈的能力,回到加利利。他的名聲傳遍了周圍各地。
14Zvino Jesu wakadzokera kuGarirea nesimba reMweya; mukurumbira wake ukabudira kudunhu rose rakapoteredza.
15他在各會堂裡教導人,很受眾人的尊崇。
15Iye ndokudzidzisa mumasinagoge avo, achikudzwa nevose.
16在本鄉遭人厭棄(太13:53~58;可6:1~6)耶穌來到拿撒勒自己長大的地方,照著習慣在安息日進入會堂,站起來要讀經。
16Akasvika paNazareta, paakange arerwa; netsika yake wakapinda musinagoge nemusi wesabata, akasimuka kuti averenge.
17有人把以賽亞先知的書遞給他,他展開書卷找到一處,上面寫著:
17Akapiwa rugwaro rwomuporofita Isaya. Zvino wakati avhura rugwaro, akawana nzvimbo pakange pakanyorwa kuti:
18“主的靈在我身上,因為他膏我去傳福音給貧窮的人,差遣我去宣告被擄的得釋放,瞎眼的得看見,受壓制的得自由,
18Mweya waIshe uri pamusoro pangu, nekuti wakandizodza, kuti ndiparidzire evhangeri kuvarombo; wakandituma kuti ndiporese vakavodzwa moyo, kuparidza kusunungurwa kuna vakatapwa, nekuona kumapofu, ndisunungure vakatsikirirwa,
19又宣告主悅納人的禧年。”
19nekudanidzira gore rakanaka raIshe.
20他把書卷捲好,交還侍役,就坐下。會堂裡眾人都注視他。
20Akapeta rugwaro, akadzosera kumuranda, akagara pasi; meso avose vaiva musinagoge akamudzvokora.
21他就對他們說:“這段經文今天應驗在你們中間(“中間”原文作“耳中”)了。”
21Zvino akatanga kuti kwavari: Nhasi rugwaro urwu rwazadziswa munzeve dzenyu.
22眾人稱讚他,希奇他口中所出的恩言,並且說:“這不是約瑟的兒子嗎?”
22Vose vakapupura nezvake, vakashamisika nemashoko enyasha akabuda mumuromo make, vakati: Uyu haazi mwanakomana waJosefa here?
23他說:“你們必向我說這俗語:‘醫生,治好你自己吧!’也必說:‘我們聽見你在迦百農所行的一切事,也該在你本鄉這裡行啊!’”
23Akati kwavari: Zvirokwazvo muchataura kwandiri dimikira iri: Murapi, zvirape iwe; zvose zvatakanzwa zvakaitwa paKapenaumi, zviitewo muno munyika yekwako.
24他又說:“我實在告訴你們,沒有先知在他本鄉是受歡迎的。
24Iye ndokuti: Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Hakuna muporofita unogamuchirwa munyika yekwake.
25我對你們說實話,當以利亞的時候,三年六個月不下雨(“不下雨”原文作“天閉塞”),遍地大起饑荒,那時以色列中有許多寡婦,
25Asi chokwadi ndinoti kwamuri: Chirikadzi zhinji dzaivako kuna Israeri pamazuva aEria, apo denga rakavharwa makore matatu nemwedzi mitanhatu, kusvikira kwava nenzara huru panyika yose;
26以利亞沒有奉差遣往他們中間任何一個那裡去,只到西頓撒勒法的一個寡婦那裡。
26asi Eria haana kutumwa kune umwe wavo, kunze kwekuSarepita yeSidhoni, kumukadzi chirikadzi.
27以利沙先知的時候,以色列中有許多患痲風的人,其中除了敘利亞的乃縵,沒有一個得潔淨的。”
27Uye vanemaperembudzi vazhinji vaivako kuna Israeri panguva yemuporofita Erisha; asi hakuna umwe wavo wakanatswa, kunze kwaNaamani muSiria.
28會堂裡的眾人聽見這話,都怒氣填胸,
28Ipapo vose vakange vari musinagoge vakazara nehasha, vachinzwa zvinhu izvi.
29起來趕他出城(這城原來建在山上),他們拉他到山崖,要把他推下去。
29Ndokusimuka, vakamusundidzira kunze kweguta, vakamutinha kusvika pamawere pegomo, pakange pakavakwa guta ravo, kuti vamuposhera pasi.
30耶穌卻從他們中間走過,就離去了。
30Asi iye wakapfuura nepakati pavo akaenda.
31在迦百農趕出污靈(可1:21~28)耶穌下到加利利的迦百農城,在安息日教導人。
31Wakabva aburukira Kapenaume, guta reGarirea; uye waivadzidzisa nemasabata.
32他們對他的教訓都很驚奇,因為他的話帶著權柄。
32Vakashamisika nedzidziso yake, nekuti shoko rake rakange rine simba.
33會堂裡有一個被污鬼附著的人,大聲喊叫:
33Zvino musinagoge makange mune munhu waiva ane mweya wedhimoni retsvina; akadanidzira nenzwi guru,
34“哎!拿撒勒人耶穌,我們跟你有甚麼關係呢?你來毀滅我們嗎?我知道你是誰,你是 神的聖者。”
34akati: Regai! Tinei nemwi Jesu muNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimwi ani: Mutsvene waMwari.
35耶穌斥責他說:“住口!從他身上出來!”鬼把那人摔倒在眾人中間,就從他身上出來了,沒有傷害他。
35Zvino Jesu akautsiura, achiti: Nyarara, ubude kwaari! Dhimoni rakati ramuwisira pakati, rikabuda kwaari, risina kumukuvadza.
36眾人都驚駭,彼此談論說:“這是怎麼回事?他用權柄能力吩咐污靈,污靈竟出來了。”
36Kushamisika kukavasvikira vose, vakataurirana, vachiti: Ishoko ripi iri? Nekuti nesimba nechikuriri unoraira mweya yetsvina, ikabuda.
37耶穌的名聲,傳遍了周圍各地。
37Mukurumbira wake ukabuda kunzvimbo dzose dzedunhu rakapoteredza.
38治病趕鬼(太8:14~17;可1:29~34)他起身離開會堂,進入西門的家。西門的岳母正在發高熱,他們為她求耶穌。
38Zvino wakasimuka akabuda musinagoge, akapinda mumba maSimoni; zvino mbuyawasha vaSimoni vakange vakabatwa nefivhiri huru; vakamukumbirira kwaari.
39耶穌站在她旁邊,斥責那熱病,熱就退了;她立刻起身服事他們。
39Zvino akakotamira pamusoro pavo, akatsiura fivhiri, ikavarega; uye pakarepo vakasimuka vakavashandira.
40日落的時候,不論害甚麼病的人,都被帶到耶穌那裡;他一一為他們按手,醫好他們。
40Zvino zuva rakati rovira, vose vaiva nevarwere vezvirwere zvakasiyana siyana vakavauyisa kwaari; akaisa maoko pamusoro peumwe neumwe wavo akavaporesa.
41又有鬼從好些人身上出來,喊著說:“你是 神的兒子。”耶穌斥責他們,不許他們說話,因為他們知道他是基督。
41Nemadhimoni akabuda kuvazhinji, achidanidzira achiti: Imwi muri Kristu Mwanakomana waMwari. Akaatsiura akasaatendera kutaura, nekuti akange achiziva kuti ndiKristu.
42往別的城傳道(可1:35~39)天一亮,耶穌出來,到曠野地方去。眾人尋找他,一直找到他那裡,要留住他,不要他離開他們。
42Zvino kwakati kwaedza, akabuda, akaenda kunzvimbo yerenje, zvaunga zvikamutsvaka, zvikauya kwaari, zvikamudzivirira kuti arege kubva kwazviri.
43他卻說:“我也必須到別的城去傳 神國的福音,因為我是為了這緣故奉差遣的。”
43Asi wakati kwavari: Ndinofanira kuparidzira evhangeri yeushe hwaMwari kumamwe magutawo; nekuti ndizvo zvandakatumirwa.
44於是他往猶太的各會堂去傳道。
44Akasiparidza mumasinagoge eGarirea.