1 神配合的人不可分開(太19:1~9;路16:18)耶穌從那裡動身,來到約旦河東的猶太境內。許多人又聚集到他那裡,他像平常一樣教導他們。
1Zvino wakati asimukapo, akauya kumiganhu yeJudhiya, achigura nemhiri kwaJoridhani; chaunga chikaunganirazve kwaari; akapamha kuvavadzidzisa zvose sezvaakange ajaira.
2有法利賽人前來試探耶穌,問他:“丈夫可以休妻嗎?”
2VaFarisi vakauya kwaari, vakamubvunza vachiti: Zviri pamutemo here kuti murume arambe mukadzi? vachimuidza.
3耶穌回答:“摩西吩咐你們的是甚麼呢?”
3Akapindura, akati kwavari: Mozisi wakakurairai chii?
4他們說:“摩西准許‘人寫了休書就可以休妻’。”
4Zvino vakati: Mozisi wakatendera kunyora rugwaro rwerambano, nekumuramba.
5耶穌說:“因為你們的心硬,摩西才寫這條例給你們。
5Jesu akapindura akati kwavari: Nekuda kweukukutu hwemoyo yenyu, wakakunyorerai murairo uyu.
6但從起初創造的時候, 神是‘造男造女’。
6Asi kubva pakutanga kwezvisikwa, Mwari wakavaita murume nemukadzi.
7‘因此人要離開父母,與妻子連合,
7Nekuda kweizvozvo munhu uchasiya baba namai vake, anamatire mukadzi wake;
8二人成為一體了。’這樣,他們不再是兩個人,而是一體的了。
8zvino avo vaviri vachava nyama imwe. Naizvozvo havasichiri vaviri, asi nyama imwe.
9所以 神所配合的,人不可分開。”
9Naizvozvo Mwari zvaakabatanidza, ngapasava nemunhu unoparadzanisa.
10回到屋子裡,門徒再提起這件事來問他。
10Mumba vadzidzi vake vakapamha kumubvunza pamusoro pazvo.
11他對他們說:“誰休妻另娶,誰就是犯姦淫,得罪了妻子。
11Zvino akati kwavari: Ani nani unoramba mukadzi wake, akawana umwe, unoita upombwe kwaari.
12如果妻子棄夫另嫁,也是犯了姦淫。”
12Uye kana mukadzi achiramba murume wake, achiwanikwa neumwe, unoita upombwe.
13為小孩子按手祝福(太19:13~15;路18:15~17)有人帶著小孩子到耶穌跟前,要他撫摩他們;門徒卻責備那些人。
13Zvino vakauya nevana vaduku kwaari, kuti avabate; asi vadzidzi vakatsiura avo vaiuya navo.
14耶穌看見了就生氣,對門徒說:“讓小孩子到我這裡來,不要禁止他們,因為 神的國是屬於這樣的人的。
14Zvino Jesu wakati achizviona, akatsamwa zvikuru, akati kwavari: Tenderai vana vaduku kuuya kwandiri, uye musavadzivisa, nekuti ushe hwaMwari ndohwevakadai.
15我實在告訴你們,凡是不像小孩子一樣接受 神的國的,絕對不能進去。”
15Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Ani nani usingagamuchiri ushe hwaMwari semucheche, haangatongopindi mahuri.
16於是耶穌把小孩子抱起來,為他們按手祝福。
16Uye akavagumbatira, achiisa maoko pamusoro pavo, akavaropafadza.
17有錢的人難進 神的國(太19:16~30;路18:18~30)耶穌又開始他的行程。那時,有一個人跑過來,跪在他面前,問他說:“良善的老師,我當作甚麼,才可以承受永生?”
17Zvino wakati achibudira kunzira, umwe wakamumhanyira, akamufugamira akamubvunza, achiti: Mudzidzisi wakanaka, ndingaitei kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?
18耶穌對他說:“你為甚麼稱我是良善的?除了 神一位以外,沒有良善的。
18Jesu akati kwaari: Unondiidzirei wakanaka? Hakuna wakanaka, kunze kweumwe, iye Mwari.
19誡命你是知道的:不可殺人,不可姦淫,不可偷盜,不可作假證供,不可欺詐,當孝敬父母。”
19Unoiziva mirairo inoti: Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, usabiridzira, kudza baba namai vako.
20他對耶穌說:“老師,這一切我從小都遵守了。”
20Zvino akapindura akati kwaari: Mudzidzisi, izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.
21耶穌看著他,就愛他,對他說:“你還缺少一件:去變賣你所有的,分給窮人,就必定有財寶在天上,而且你要來跟從我。”
21Jesu ndokumutarira akamuda, akati kwaari: Chinhu chimwe chaunoshaiwa; enda, utengese zvose zvaunazvo, upe varombo, zvino uchava nefuma kudenga; ugouya utakure muchinjikwa, unditevere.
22那人聽見這話,就變了臉色,憂憂愁愁地走了,因為他的財產很多。
22Asi atsamwa neshoko iro, wakaenda neshungu, nekuti wakange ane nhumbi zhinji.
23耶穌周圍觀看,對門徒說:“富有的人要進 神的國,是多麼難哪!”
23Ipapo Jesu akaringa-ringa, akati kuvadzidzi vake: Vacharemerwa sei vane fuma kupinda muushe hwaMwari!
24門徒都希奇他的話,耶穌又對他們說:“孩子們哪,(有些抄本在此有“倚靠錢財的人”一句)要進 神的國,是多麼困難!
24Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jesu wakapindurazve, akati kwavari: Vana, zvinorema sei kune vanovimba nefuma kupinda muushe hwaMwari;
25駱駝穿過針眼,比有錢的人進 神的國還容易呢!”
25zvingarerukira kamera kudarika nemuburi retsono, pane kuti mufumi apinde muushe hwaMwari.
26門徒就更加驚奇,彼此說:“這樣,誰可以得救呢?”
26Ipapo vakashamisika zvisingaverengeki, vachitaurirana vachiti: Ndiani zvino ungagoponeswa?
27耶穌看著他們,說:“在人不能,在 神卻不然,因為在 神凡事都能。”
27Zvino Jesu wakati achivatarira, akati: Kuvanhu hazvibviri, asi kwete kuna Mwari; nekuti kuna Mwari zvinhu zvose zvinobvira.
28彼得對他說:“你看,我們已經捨棄了一切,而且來跟從你了。”
28Petro akatanga kuti kwaari: Tarira, isu takasiya zvose tikakuteverai.
29耶穌說:“我實在告訴你們,人為著我和福音捨棄了房屋、弟兄、姊妹、母親、父親、兒女、田地,
29Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanin'ina nemadzikoma, kana hanzvadzi, kana baba, kana mai, kana mukadzi, kana vana, kana minda, nekuda kwangu nekweevhangeri,
30沒有不在今生得百倍──就是房屋、弟兄、姊妹、母親、兒女、田地,同時要受迫害──在來世還要得永生。
30usingazogamuchiri kane zana ikozvino nenguva ino, dzimba, nevanin'ina nemadzikoma, nehanzvadzi, nanamai, nevana, neminda; pamwe nekushushwa, neupenyu husingaperi munguva inouya.
31然而許多在前的將要在後,在後的將要在前。”
31Asi vazhinji vekutanga vachava vekupedzisira, nevekupedzira vekutanga.
32第三次預言受難及復活(太20:17~19;路18:31~33)在上耶路撒冷的路途中,耶穌走在前面,門徒希奇,跟從的人也害怕。耶穌又把十二門徒帶到一邊,把自己將要遭遇的事告訴他們,
32Zvino vachiri munzira vachikwira kuJerusarema; Jesu akavatungamirira; vakashamisika; zvino pavaitevera, vaitya. Akatorazve vanegumi nevaviri, akatanga kuvaudza zvinhu zvakange zvichizoitika,
33說:“我們現在上耶路撒冷去,人子要被交給祭司長和經學家,他們要定他的罪,並且把他交給外族人。
33achiti: Tarirai, tinokwira kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa kuvapristi vakuru nekuvanyori, uye vachamutongera rufu, nekumukumikidza kuvahedheni,
34他們要凌辱他,向他吐唾沫,鞭打他,殺害他,三天以後,他要復活。”
34vachamusveveredza, vachamurova netyava, nekumupfira, nekumuuraya; zvino nezuva retatu uchamukazve.
35不是要人服事而是要服事人(太20:20~28)西庇太的兒子雅各、約翰,來到耶穌跟前,對他說:“老師,我們無論向你求甚麼,願你為我們作成。”
35Zvino Jakobho naJohwani, vanakomana vaZebhedhi, vakauya kwaari vachiti: Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitire chero chatichakumbira.
36耶穌說:“要我為你們作甚麼?”
36Akati kwavari: Chii chamunoda kuti ndikuitirei?
37他們說:“在你的榮耀裡,讓我們一個坐在你的右邊,一個坐在你的左邊。”
37Vakati kwaari: Tipei kuti tigare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, uye umwe kuruboshwe rwenyu mukubwinya kwenyu.
38耶穌說:“你們不知道你們求的是甚麼。我喝的杯,你們能喝嗎?我受的洗,你們能受嗎?”
38Asi Jesu wakati kwavari: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kumwa mukombe wandinomwa ini here? nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini here?
39他們說:“能。”耶穌說:“我喝的杯,你們固然要喝;我受的洗,你們也要受。
39Vakati kwaari: Tingagona. Jesu akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo mukombe wandinomwa ini, nekubhabhatidzwa norubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini;
40只是坐在我的左右,不是我可以賜的,而是 神預備賜給誰,就賜給誰。”
40asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kupa, asi zvevakazvigadzirirwa.
41其他十個門徒聽見了,就向雅各、約翰生氣。
41Vanegumi vakati vachizvinzwa, vakatanga kutsamwira zvikuru Jakobho naJohwani.
42耶穌把他們叫過來,對他們說:“你們知道各國都有被尊為元首的統治他們,也有官長管轄他們。
42Asi Jesu akavadanira kwaari akati kwavari: Munoziva kuti avo vanonzi machinda evahedheni anovadzvinyirira, nevakuru vavo vanoshandisa simba pamusoro pavo.
43但你們中間卻不要這樣;誰想在你們中間為大的,就要作你們的僕役,
43Zvino hazvingadaro pakati penyu; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu;
44誰想在你們中間為首的,就要作大家的奴僕。
44ani nani wenyu unoda kuva wokutanga, ngaave mushandi wevose.
45因為人子來,不是要受人服事,而是要服事人,並且要捨命,作許多人的贖價。”
45Nekuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nekupa upenyu hwake ruve rudzikunuro rwevazhinji.
46治好瞎眼的巴底買(太20:29~34;路18:35~43)他們進了耶利哥。耶穌、門徒和一大群人從耶利哥出來的時候,有一個瞎眼的人,是底買的兒子,名叫巴底買,坐在路旁討飯。
46Vakasvika Jeriko; zvino wakati achibuda Jeriko nevadzidzi vake nechaunga chikuru, Bhatimio bofu, mwanakomana waTimio, akange agere padivi penzira achipemha.
47他聽見是拿撒勒人耶穌,就喊叫,說:“大衛的子孫耶穌啊,可憐我吧!”
47Wakati anzwa kuti ndiJesu weNazareta, akatanga kudanidzira nekuti: Jesu Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
48許多人斥責他,叫他不要出聲;他卻更加放聲喊叫:“大衛的子孫啊,可憐我吧!”
48Vazhinji vakamutsiura kuti anyarare; asi iye wakanyanya kudanidzira kwazvo, achiti: Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei tsitsi!
49耶穌就站住,說:“把他叫過來。”他們就叫那瞎眼的人,對他說:“放心吧,起來,他叫你了。”
49Jesu ndokuramba amire, akati adamwe; vakadana bofu vachiti kwariri: Tsunga moyo; simuka, unokudana.
50他就丟下衣服,跳起來,走到耶穌那裡。
50Ipapo rikarasha nguvo yaro rikasimuka, rikauya kuna Jesu.
51耶穌對他說:“你要我為你作甚麼呢?”瞎眼的人對他說:“拉波尼,我要能看見。”
51Jesu akapindura, akati kwariri: Unoda kuti ndikuitirei? Bofu rikati kwaari: Rabhoni*, kuti ndionezve.
52耶穌說:“去吧,你的信使你痊愈了。”他立刻看見了,就在路上跟隨耶穌。
52Jesu akati kwariri: Enda; rutendo rwako rwakuponesa. Pakarepo rikaonazve, rikatevera Jesu munzira.