1耶穌又對他們說:“我實在告訴你們,站在這裡的,有人在沒有嘗過死味以前,必定看見 神的國帶著能力降臨。”
1Zvino wakati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu, kusvikira vaona ushe hwaMwari huchiuya nesimba.
2在山上改變形象(太17:1~13;路9:28~36)過了六天,耶穌帶著彼得、雅各、約翰,領他們悄悄地上了高山,在他們面前改變了形象。
2Zvino shure kwemazuva matanhatu, Jesu akatora Petro, naJakobho, naJohwani, akavatungamidza mugomo refu, pachavo vari vega; akashandurwa chimiro pamberi pavo.
3他的衣服閃耀發光,極其潔白,地上漂布的沒有能漂得這樣白的。
3Zvipfeko zvake zvikapenya, zvikachenesesa zvikuru semagada echando; hakuna musuki panyika, ungagona kuzvichenesa zvikadaro.
4又有以利亞和摩西向他們顯現,並且跟耶穌談話。
4Zvino kwakaonekwa kwavari Eria naMozisi, uye vaitaurirana naJesu.
5彼得對耶穌說:“拉比,我們在這裡真好!我們可以搭三個帳棚,一個為你,一個為摩西,一個為以利亞。”
5Petro akapindura akati kuna Jesu: Rabhi*, zvakatinakira kuti tive pano; ngativake matende matatu, rimwe renyu, uye rimwe raMozisi, uye rimwe raEria.
6彼得不知道該說甚麼才好,因為他們都非常害怕。
6Nekuti wakange asingazivi chekutaura; nekuti vaitya zvikuru.
7有一片雲彩來,籠罩他們,又有聲音從雲中出來:“這是我的愛子,你們要聽他。”
7Zvino kwakava negore rakavadzikatira, inzwi rikabuda mugore, richiti: Uyu Mwanakomana wangu unodika, inzwai iye.
8門徒立刻周圍觀看,再也看不見別的人,只見耶穌單獨和他們在一起。
8Kamwe-kamwe, vakati varinga-ringa, havana kuzochaona munhu, asi Jesu chete anavo.
9他們下山的時候,耶穌吩咐他們,人子從死人中復活之前,不要把所看見的告訴人。
9Zvino vakati vachiburuka mugomo, akavaraira kuti varege kuudza munhu zvavakange vaona kunze kwekuti Mwanakomana wemunhu amuka kuvakafa.
10門徒把這句話記在心裡,又彼此討論從死人中復活是甚麼意思。
10Vakachengeta shoko iro mukati mavo, vachibvunzana kuti kumuka kwevakafa chii.
11他們就問耶穌:“經學家為甚麼說以利亞必須先來呢?”
11Vakamubvunza, vachiti: Vanyori vanoreverei kuti Eria unofanira kutanga kuuya?
12耶穌說:“以利亞固然要先來復興一切,但聖經為甚麼又記載人子要受許多苦,被人藐視呢?
12Akapindura, akati kwavari: Eria zvirokwazvo unotanga kuuya, avandudze zvinhu zvose; uye kwakagonyorwa sei zveMwanakomana wemunhu, kuti uchatambudzika zvinhu zvizhinji nekuzvidzwa?
13其實我告訴你們,以利亞已經來了,他們卻任意待他,正如經上指著他所說的。”
13Asi ndinoreva kwamuri kuti Eriawo wakasvika, vakamuitira zvose zvavaida, sezvazvakanyorwa pamusoro pake.
14治好癲癇病的小孩(太17:14~21;路9:37~42)他們回到門徒那裡,看見一大群人圍著他們,又有經學家和他們辯論。
14Zvino wakati asvika kuvadzidzi, akaona chaunga chikuru chakavakomba, nevanyori vachipikisana navo.
15眾人看見了耶穌,都很驚奇,就跑上前去向他問安。
15Pakarepo chaunga chose chakati chichimuona chikashamisika zvikuru, chikamhanyira kwaari, chikamukwazisa.
16他問他們:“你們和他們辯論甚麼?”
16Akabvunza vanyori akati: Munopikisanei navo?
17群眾當中有一個回答他:“老師,我把我的兒子帶到你這裡來,他被啞巴鬼附著。
17Umwe wechaunga akapindura akati: Mudzidzisi, ndauyisa kwamuri mwanakomana wangu, une mweya wechimumumu;
18無論在哪裡,鬼抓住他,把他摔倒,他就口吐白沫,咬牙切齒,渾身僵硬。我請你的門徒把鬼趕出去,他們卻辦不到。”
18pangava papi paunomubata, unomubvambura; opupuma furo, nekugeda-geda meno ake, uye unooma; zvino ndakataura nevadzidzi venyu kuti vaubudise, vakasagona.
19耶穌回答他們:“唉!不信的世代啊!我跟你們在一起到幾時呢?我要忍受你們到幾時呢?把他帶到我這裡來吧。”
19Akamupindura akati: Haiwa zera risina rutendo, ndichava nemwi kusvikira rinhi? Ndichakuitirai moyo murefu kusvikira rinhi? Muuyisei kwandiri.
20他們就把孩子帶到他跟前。那鬼一見耶穌,就立刻使孩子抽了一陣瘋,倒在地上,流著唾沫打滾。
20Vakamuuyisa kwaari; wakati achimuona, pakarepo mweya ukamubvambura; akawira pasi, akaumburuka achipupuma furo.
21耶穌問他父親:“這事臨到他有多久了?”他說:“從小就是這樣。
21Ndokubva abvunza baba vake akati: Yava nguva yakadini kubvira izvozvi zvichiitika kwaari? Akati: Kubva paupwere.
22鬼常常把他扔在火裡水中,要毀滅他。如果你能作甚麼,求你可憐我們,幫助我們。”
22Kazhinji wakamuwisira nemumoto nemumvura, kuti umuparadze; asi kana muchigona kuita chinhu, mutinzwire tsitsi, mutibatsire.
23耶穌對他說:“‘如果你能’(“如果你能”有些抄本作“你若能信”)──對於信的人,甚麼都能!”
23Jesu ndokuti kwaari: Kana uchigona kutenda, zvinhu zvose zvinogoneka kune unotenda.
24孩子的父親立刻喊著說:“我信!但我的信心不夠,求你幫助我。”
24Uye pakarepo baba vemucheche vakadanidzira nemisodzi vakati: Ndinotenda, Ishe, batsirai pakusatenda kwangu.
25耶穌看見群眾圍攏了來,就斥責那污鬼說:“聾啞的鬼,我吩咐你從他身上出來,不要再進去。”
25Jesu wakati achiona kuti chaunga chinouya chichimhanyirana, akatsiura mweya wetsina, akati kwauri: Iwe, mweya wechimumumu nematsi, ini ndinokuraira: Buda maari, urege kupindazve maari.
26那鬼大聲喊叫,使孩子重重地抽了一陣瘋,就出來了。孩子好像死了一樣,所以許多人都說:“他死了!”
26Zvino ukadanidzira, ukamubvundisa zvikuru ukabuda; akaita sewakafa, nekudaro vazhinji vakati: Wafa.
27但耶穌拉著他的手,扶他起來,他就站起來了。
27Asi Jesu wakabata ruoko rwake akamusimudza; akasimuka.
28耶穌進了屋子,門徒私下問他說:“為甚麼我們不能把那污鬼趕出去呢?”
28Zvino wakati apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari vega vachiti: Sei isu takange tisingagoni kuubudisa?
29耶穌對他們說:“這一類的鬼,非用禱告是趕不出去的。”
29Ndokubva ati kwavari: Zera iri harigoni kubuda nechinhu, kunze nekunyengetera nekutsanya.
30第二次預言受難及復活(太17:22~23;路9:43~45)他們從那裡出去,經過加利利,耶穌不想讓人知道,
30Vakabva ipapo, vakagura neGarirea, akange asingadi kuti chero ani azvizive.
31因為他正在教導門徒。他又對他們說:“人子將要被交在人的手裡,他們要殺害他,死後三天他要復活。”
31Nekuti waidzidzisa vadzidzi vake, achiti kwavari: Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya; kana aurawa uchamuka nezuva retatu.
32門徒不明白這話,又不敢問他。
32Asi havana kunzwisisa shoko iro, vachitya kumubvunza.
33門徒爭論誰最大(太18:1~5;路9:46~48)他們來到迦百農。在屋裡的時候,耶穌問他們:“你們在路上爭論甚麼?”
33Zvino wakasvika Kapenaume; akati ava mumba, akavabvunza, achiti: Manga muchikakavadzana chii munzira?
34門徒一聲不響,因為他們在路上彼此爭論誰為大。
34Asi vakanyarara, nekuti munzira vakange vakakavadzana kuti mukurusa ndiani.
35耶穌坐下,叫十二門徒來,對他們說:“誰想為首,就該作眾人中最末的一個,作眾人的僕人。”
35Zvino akagara pasi, akadana vanegumi nevaviri, akati kwavari: Kana munhu achida kuva wekutanga, uchava wekupedzisira kune vose nemushandi wevose.
36於是拉過一個小孩子來,叫他站在門徒中間,又把他抱起來,對他們說:
36Ndokutora mucheche, akamumisa pakati pavo; akati amugumbatira, akati kwavari:
37“凡因我的名接待一個這樣的小孩子的,就是接待我;凡接待我的,不是接待我,而是接待那差我來的。”
37Ani nani unogamuchira umwe wevacheche vakadai muzita rangu, unogamuchira ini; uye ani nani unogamuchira ini, haagamuchiri ini, asi uyo wakandituma.
38反對與贊成(路9:49~50)約翰對耶穌說:“老師,我們看見有一個人奉你的名趕鬼,就禁止他,因為他不跟從我們。”
38Zvino Johwani akamupindura, achiti: Mudzidzisi, takaona umwe asingatiteveri achibudisa madhimoni muzita renyu; tikamudzivisa, nekuti haana kutitevera.
39耶穌說:“不要禁止他,因為沒有人能奉我的名行了神蹟,又立刻毀謗我。
39Asi Jesu wakati: Musamudzivisa, nekuti hakuna munhu ungaita basa resimba muzita rangu, unogona kukurumidza kutaura zvakaipa pamusoro pangu.
40不反對我們的,就是贊成我們的。
40Nekuti usingapikisani nesu, ndewedu.
41無論誰因你們有屬基督的名分,給你們一杯水喝的,我實在告訴你們,他決不會失掉賞賜。
41Nekuti ani nani unokupai mukombe wemvura kuti mumwe muzita rangu, nekuti muri vaKristu, zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Haangamborashikirwi nemubairo wake.
42堅拒犯罪(太18:6~9;路17:1~2)“如果有人使一個信我的小弟兄犯罪,倒不如在他的頸項上拴一塊大磨石投在海裡。
42Uye ani nani unogumbusa umwe wevaduku avo vanotenda kwandiri, zviri nani kwaari kuti guyo guru riremberedzwe pamutsipa wake, akandirwe mugungwa.
43如果你的一隻手使你犯罪,就把它砍下來。你身體殘廢進永生,總比有兩隻手下到地獄,進入那不滅的火裡好得多。
43Uye kana ruoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uri chirema, pane kuti une maoko maviri uende mugehena, mumoto usingadzimiki,
44(有些抄本有第44節:“在那裡蟲是不死的,火是不滅的。”)
44apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.
45如果你的一隻腳使你犯罪,就把它砍下來。你瘸腿進永生,總比你有兩隻腳而被丟在地獄裡好得多。
45Uye kana rutsoko rwako ruchikugumbusa, rugure; zviri nani kwauri kupinda muupenyu uchikamhina, pane kuti une tsoka mbiri ukandirwe mugehena mumoto usingadzimiki,
46(有些抄本有第46節:“在那裡蟲是不死的,火是不滅的。”)
46apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.
47如果你的一隻眼睛使你犯罪,就把它挖出來。你只有一隻眼睛進 神的國,總比你有兩隻眼睛而被丟在地獄裡好得多,
47Zvino kana ziso rako richikugumbusa, ridzure; zviri nani kwauri kupinda muushe hwaMwari une ziso rimwe, pakuti une maziso maviri, ukandirwe mugehena remoto,
48在那裡蟲是不死的,火是不滅的。
48apo pasingafi honye yavo, nemoto usingadzimi.
49每一個人必被火當鹽來醃。(有些抄本在此有“各祭物必用鹽來醃”一句;也有些抄本只有附註的一句,而沒有正文的一句)
49Nekuti wose ucharungwa nemoto uye chibayiro chose chicharungwa nemunyu.
50鹽是好的,但如果失了味,可以用甚麼使它再鹹呢?你們自己裡面應當有鹽,彼此和睦。”
50Munyu wakanaka; asi kana munyu warasa kuvava, mungaurunga nei? Ivai nemunyu mamuri, mugarisane nerugare.