1商議怎樣殺害耶穌(太26:1~5;路22:1~6)過兩天,就是逾越節和除酵節了,祭司長和經學家設法怎樣用詭計逮捕耶穌,把他殺害。
1Shure kwemazuva maviri kwaiva nepasika nomutambo wechingwa chisina mbiriso; vapristi vakuru nevanyori ndokutsvaka kuti vangamubata sei neumhare vamuuraye.
2不過他們說:“不可在節期下手,免得引起民眾暴動。”
2Asi vakati: Kwete pamutambo, zvimwe kungava nebongozozo revanhu.
3伯大尼婦人用香膏膏主(太26:6~13。參約12:1~8)耶穌在伯大尼,在患痲風的西門家裡吃飯的時候,有一個女人來了,拿著一瓶珍貴的純哪噠香膏。她打破了瓶,把香膏澆在耶穌的頭上。
3Zvino wakati ari paBhetaniya, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, kwakauya mukadzi, ane chinu chearibhasiteri* chechizoro chenaridho* chakakosha zvikuru; akaputsa chinu chearibhasiteri, akachidurura pamusoro wake.
4有幾個人很生氣,彼此說:“為甚麼這樣浪費香膏呢?
4Asi kwaiva nevamwe vakatsamwa mukati mavo, vakati: Kutambisa ikoku kwechizoro kwaitirwei?
5這香膏可以賣三百多個銀幣,用來賙濟窮人。”他們就向她發怒。
5Nekuti ichi chingadai chatengeswa nemadhenari* anopfuura mazana matatu, akapiwa varombo. Vakamutsutsumwira.
6但耶穌說:“由她吧!為甚麼難為她呢?她在我身上作的是一件美事。
6Asi Jesu wakati: Musiyei; munomutambudzirei? Wandiitira basa rakanaka.
7你們常常有窮人跟你們在一起,只要你們願意,隨時都可以向他們行善,然而你們卻不常有我。
7Nekuti varombo munavo nguva dzose, uye nguva ipi neipi yamunoda, munogona kuvaitira zvakanaka; asi ini hamuneni nguva dzose.
8她已經盡她所能的作了。她預先用香膏膏了我的身體,是為了我的安葬。
8Waita zvaanogona; wakagara azodzera muviri wangu kuvigwa.
9我實在告訴你們,福音無論傳到世界上甚麼地方,都要傳講這女人所作的來記念她。”
9Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Kose kose kunozoparidzirwa evhangeri iyi panyika yose, zvaakaitawo zvicharehwa, chive chirangaridzo chake.
10猶大出賣耶穌(太26:14~16)十二門徒中的一個,就是加略人猶大,去見祭司長,要把耶穌交給他們。
10Zvino Judhasi Isikariyoti, umwe wevanegumi nevaviri, wakaenda kuvaprisita vakuru, kuti amutengese kwavari.
11他們聽見了就很歡喜,答應給他銀子。於是猶大就找機會出賣耶穌。
11Uye vakati vachizvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari. Akatsvaka kuti ungamutengesa sei panguva yakafanira.
12最後的晚餐(太26:17~30;路22:7~23;約13:21~30。參林前11:23~25)除酵節的第一天,就是宰殺逾越節羊羔的那一天,門徒問耶穌:“你要我們到哪裡去,為你預備逾越節的晚餐呢?”
12Nezuva rekutanga rechingwa chisina mbiriso, pavaibaya pasika, vadzidzi vake vakati kwaari: Ndekupi kwamunoda kuti tiende kunogadzirira kuti mudye pasika?
13他就差派兩個門徒,對他們說:“你們到城裡去,必有一個拿著水瓶的人,向你們迎面而來,你們就跟著他,
13Akatuma vaviri vevadzidzi vake, akati kwavari: Endai muguta, ipapo munhu uchasangana nemwi akatakura chirongo chemvura; mumutevere,
14無論他進入哪一家,你們要對那家主說,老師說:‘我的客廳在哪裡?我和門徒好在那裡吃逾越節的晚餐。’
14uye chero paanenge apinda, muti kumwene weimba: Mudzidzisi wati: Imba yevaeni iripi, pandichadyira pasika nevadzidzi vangu?
15他必指給你們樓上一間布置整齊、預備妥當的大房間,你們就在那裡為我們預備。”
15Uye iye uchakutaridzai imba huru yekumusoro yakarongedzwa, yakagadzirwa; tigadzirirei ipapo.
16門徒出去,進了城,所遇見的正如耶穌所說的,就預備好了逾越節的晚餐。
16Vadzidzi vake vakabuda, vakasvika muguta, vakawana sezvaakange areva kwavari; vakagadzirira pasika.
17到了晚上,耶穌和十二門徒來了。
17Kuzoti ava madekwani akasvika nevanegumi nevaviri.
18他們坐著吃飯的時候,耶穌說:“我實在告訴你們,你們中間有一個跟我一起吃飯的人要出賣我。”
18Zvino vakati vagara vachidya, Jesu akati: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Umwe wenyu unodya neni uchanditengesa.
19他們就很憂愁,一個一個地問他:“是我嗎?”
19Ndokubva vatanga kushungurudzika, umwe neumwe akati kwaari: Zirokwazvo handisi ini here? neumwe: Zvirokwazvo handisi ini here?
20耶穌對他們說:“他是十二門徒裡的一個,和我一同把手蘸在盤子裡的。
20Asi wakapindura akati kwavari: Umwe wevanegumi nevaviri, unoseva neni mundiro.
21正如經上指著人子所說的,他固然要離世,但出賣人子的那人有禍了!他沒有生下來還好。”
21Mwanakomana wemunhu unoenda zvirokwazvo, sezvazvakanyorwa pamusoro pake; asi une nhamo munhu uyo, Mwanakomana wemunhu waanotengeswa naye! Zvaiva nani kwaari kana munhu uyo aiva asina kuzvarwa.
22他們吃的時候,耶穌拿起餅來,祝謝了,就擘開,遞給門徒,說:“你們拿去吃吧,這是我的身體。”
22Zvino vakati vachidya, Jesu akatora chingwa, akaropafadza, akamedura, ndokupa kwavari, akati: Torai, idyai, ichi ndicho muviri wangu.
23又拿起杯來,祝謝了就遞給門徒,他們都喝了。
23Akatora mukombe, akati avonga akapa kwavari, vakamwa vose pauri.
24耶穌說:“這是我的血,是為立約的,為許多人流出來的。
24Zvino akati kwavari: Iri iropa rangu, iro resungano itsva, rinoteurirwa vazhinji.
25我實在告訴你們,我決不再喝這葡萄酒,直到我在 神的國裡喝新酒的那一天。”
25Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Handichazotongomwi zvechibereko chemuzambiringa, kusvikira zuva iro randichazochimwa naro chava chitsva muushe hwaMwari.
26他們唱完了詩,就出來,往橄欖山去。
26Zvino vakati vaimba rwiyo rwekurumbidza vakabuda vakaenda kugomo reMiorivhi.
27預言彼得不認主(太26:31~35;路22:31~34;約13:36~38)耶穌對他們說:“你們都要後退,因為經上記著:‘我要擊打牧人,羊群就分散了。’
27Zvino Jesu akati kwavari: Mose muchagumburwa nekuda kwangu usiku huno, nekuti kwakanyorwa kuchinzi: Ndicharova mufudzi, makwai agopararira.
28但我復活以後,要比你們先到加利利去。”
28Asi shure kwekumutswa kwangu, ndichatungamira kuenda kuGarirea.
29彼得對他說:“就算所有的人都後退,我卻不會。”
29Asi Petro akati kwaari: Kunyange vose vakagumburwa, asi kwete ini.
30耶穌對他說:“我實在告訴你,就在今天晚上,雞叫兩遍以前,你會三次不認我。”
30Jesu ndokuti kwaari: Zvirokwazvo ndinoti kwauri: Nhasi, neusiku huno, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.
31彼得更堅決地說:“就算必須與你一同死,我也決不會不認你!”眾人也都這樣說。
31Asi iye wakareva zvakanyanya kusimba, achiti: Kunyange ndikatofanira kufa nemwi, handingatongokurambiyi. Nevosewo vakadaro.
32在客西馬尼禱告(太26:36~46;路22:39~46)他們來到一個地方,名叫客西馬尼;耶穌對門徒說:“你們坐在這裡,我去禱告。”
32Zvino vakasvika panzvimbo yainzi Getsemani; akati kuvadzidzi vake: Garai pano, ndichindonyengetera.
33他帶了彼得、雅各、約翰一起去,就驚懼起來,非常難過。
33Akatora pamwe naye Petro naJakobho naJohwani, akatanga kuvhunduka nekunetseka zvikuru.
34於是對他們說:“我的心靈痛苦得快要死了;你們要留在這裡,也要警醒。”
34Akati kwavari: Mweya wangu unoshungurudzika kwazvo kusvikira pakufa; garai pano murinde.
35耶穌稍往前走,俯伏在地上禱告:如果可能的話,使那時刻不要臨到他。
35Akapfuura zvishoma, akawira pasi, akanyengetera, kuti kana zvaibvira, nguva ipfuure kwaari.
36他說:“阿爸、父啊,你凡事都能作,求你叫這杯離開我。但不要照我的意思,只要照你的旨意。”
36Zvino akati: Abha*, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri, asi kwete zvandinoda ini, asi zvamunoda imwi.
37耶穌回來,看見門徒睡著了,就對彼得說:“西門,你睡覺嗎?你連一個小時也不能警醒嗎?
37Zvino akasvika, akavawana vavete; akati kuna Petro: Simoni, uvete here? Wakonewa kurinda awa rimwe here?
38應當警醒、禱告,免得陷入試探;你們心靈雖然願意,肉體卻是軟弱的。”
38Rindai munyengetere, kuti murege kupinda mumuedzo. Mweya unoda hawo, asi nyama ine utera.
39耶穌又去禱告,說的也是同樣的話。
39Akaendazve, akanyengetera achireva mashoko mwamwechete.
40他再回來的時候,看見門徒睡著了;因為他們十分疲倦,不知道該怎樣回答他。
40Zvino paakadzoka, akavawana vavatazve, nekuti meso avo akange orema; vakasaziva zvavangamupindura.
41耶穌第三次回來,對他們說:“你們還在睡覺休息嗎?夠了,時候到了,看哪,人子要被交在罪人手裡了。
41Akauya rwechitatu, akati kwavari: Chirambai muvete zvino muzorore. Zvaringana; nguva yasvika; tarirai, Mwanakomana wemunhu wokumikidzwa mumaoko avatadzi.
42起來,我們走吧!出賣我的人來了。”
42Simukai, tiende; tarirai, wonditengesa wava pedo.
43耶穌被捕(太26:47~56;路22:47~53;約18:3~11)耶穌還在說話的時候,十二門徒中的猶大和一群拿著刀棒的人來到了;他們是祭司長、經學家和長老派來的。
43Pakarepo achataura, Judhasi akasvika, umwe wevanegumi nevaviri, chaunga chikuru chinaye chine minondo netsvimbo, chichibva kuvapristi vakuru nevanyori nevakuru.
44出賣耶穌的人給他們一個暗號,說:“我跟誰親嘴,誰就是他。你們把他逮捕,小心帶去。”
44Zvino iye wakamutengesa wakange avapa chiratidzo, achiti: Uyo wandinongotsvoda ndiye; mumutore muende naye makamuchengetedza.
45猶大來到,立刻上前對耶穌說:“拉比!”就跟他親嘴。
45Zvino wakati asvika, pakarepo akaswedera kwaari akati: Rabhi*! Rabhi! Akamutsvoda.
46他們就動手拿住耶穌,逮捕了他。
46Vakabva vaisa maoko avo kwaari, vakamubata.
47站在旁邊的人中有一個拔出刀來,砍了大祭司的僕人一刀,削掉了他的一隻耳朵。
47Zvino umwe wevakange vamirepo wakavhomora munondo akatema muranda wemupristi mukuru, akagura nzeve yake.
48耶穌對他們說:“你們帶著刀棒出來,把我當作強盜捉拿嗎?
48Zvino Jesu akapindura akati kwavari: Mabuda semakanangana negororo neminondo netsvimbo kuzondibata here?
49我天天在殿裡教導人,跟你們在一起,你們卻沒有捉拿我;但這是為了要應驗經上的話。”
49Ndakange ndinemwi mutembere zuva nezuva ndichidzidzisa, asi hamuna kundibata, asi izvi zvaitwa kuti magwaro azadziswe.
50門徒都離開他逃跑了。
50Vose ndokumusiya vakatiza.
51有一個青年,赤身披著一塊麻布,跟著耶穌。眾人捉住他的時候,
51Zvino rimwe jaya rakamutevera, rakamonera mucheka werineni rakashama. Majaya akaribata;
52他就丟掉麻布,赤身逃跑了。
52ndokubva rasiya mucheka werineni, rikavatiza rakashama.
53大祭司審問耶穌(太26:57~68;路22:67~71;約18:12~13、19~24)他們把耶穌押到大祭司那裡,所有的祭司長、長老和經學家都聚集在一起。
53Zvino vakaendesa Jesu kumupristi mukuru; vakaunganira kwaari vapristi vakuru vose nevakuru nevanyori.
54彼得遠遠地跟著耶穌,直到大祭司的官邸,和差役一同坐著烤火。
54Petro akamutevera ari kure kusvikira mukati meruvanze rwomupristi mukuru; akange agere pamwe nevaranda, achidziya moto.
55祭司長和公議會全體都尋找證據控告耶穌,要把他處死,卻沒有找著。
55Zvino vapristi vakuru nedare rose remakurukota vakatsvaka uchapupu hwakanangana naJesu, kuti vamuuraye; asi havana kuhuwana.
56有許多人作假證供控告他,但他們的證供各不相符。
56Nekuti vazhinji vaimupupurira nhema, asi uchapupu hauna kupindirana.
57有幾個人站起來,作假證供控告他說:
57Ndokubva kwasimuka vamwe vakamupupurira nhema vachiti:
58“我們聽他說過:‘我要拆毀這座人手所造的聖所,三日之內要另建一座不是人手所造的聖所。’”
58Isu takamunzwa achiti: Ini ndichaputsa tembere iyi yakaitwa nemaoko, uye mumazuva matatu ndichavaka imwe isina kuitwa nemaoko.
59就是這樣的見證,他們也不一致。
59Asi kunyange zvakadaro uchapupu hwavo hauna kupindirana.
60大祭司站起來,走到中間,問耶穌:“這些人作證控告你的是甚麼呢?你怎麼不回答呢?”
60Zvino mupristi mukuru akasimuka pakati pavo, akabvunza Jesu, achiti: Haupinduri chinhu here? Vanopupurei ava chakanangana newe?
61耶穌卻不作聲,甚麼也不回答。大祭司又問他:“你是那受稱頌者的兒子基督嗎?”
61Asi wakanyarara, akasapindura chinhu. Mupristi mukuru akamubvunzazve, akati kwaari: Iwe uri Kristu, Mwanakomana woWakaropafadzwa here?
62耶穌說:“我是。你們要看見人子,坐在權能者的右邊,駕著天上的雲降臨。”
62Jesu akati: Ndini iye. Uye muchaona Mwanakomana wemunhu agere kuruoko rwerudyi rwesimba, achiuya nemakore ekudenga.
63大祭司就撕開自己的衣服,說:“我們還要甚麼證人呢?
63Mupristi mukuru ndokubvarura nguvo dzake akati: Tichadirei zvapupu?
64你們都聽見這褻瀆的話了。你們認為怎麼樣?”眾人都定他該死的罪。
64Manzwa kunyomba; munofungei? Zvino vose vakamurasha kuti ave nemhosva yerufu.
65於是有些人就向他吐唾沫,蒙住他的臉。用拳頭打他,對他說:“你說預言吧!”差役把他拉去,用手掌打他。
65Vamwe vakatanga kumupfira, nekufukidza chiso chake, nekumurova netsiva, nekuti kwaari: Porofita! Varanda vakamurova nembama dzamaoko avo.
66彼得三次不認主(太26:69~75;路22:54~62;約18:15~18、25~27)彼得在下邊院子的時候,大祭司的一個婢女來了,
66Zvino Petro achiri paruvanze pasi, pakasvika umwe wevarandakadzi vemupristi mukuru;
67看見彼得烤火,就瞪著他說:“你也是和拿撒勒人耶穌一夥的!”
67achiona Petro achizvidziyisa, akamutarira akati: Iwewo wakange una Jesu weNazareta.
68彼得卻否認說:“我不知道,也不明白你在說甚麼!”他就走出去,到了前院,雞就叫了(有些抄本無“雞就叫了”一句)。
68Asi wakaramba, achiti: Handizivi kana kunzwisisa zvaunoreva. Akabuda panze akaenda kumusuwo; jongwe rikarira.
69那婢女看見他,又對站在旁邊的人說:“這個人也是他們一夥的。”
69Zvino murandakadzi akamuonazve, akatanga kuti kuna vakange vamirepo: Uyu ndewavo.
70彼得還是不承認。過了一會,站在旁邊的人也對彼得說:“你真是他們一夥的,因為你也是加利利人。”
70Asi wakarambazve. Zvino shure kwechinguvana, vakange vamirepo vakatizve kuna Petro: Zvirokwazvo, uri wavo, nekuti newe uri muGarirea nemutauro wako unotenderana nazvo.
71彼得就發咒起誓說:“我不認得你們說的這個人!”
71Akatanga kupa rushambwa nekupika, achiti: Handimuzivi munhu uyu wamunoreva.
72立刻雞就叫了第二遍。彼得想起耶穌對他說過的話:“雞叫兩遍以前,你要三次不認我。”他一想起來,就哭了(“他一想起來,就哭了”或譯:“他就奪步而出,痛哭起來”)。
72Zvino jongwe rikarira rwechipiri. Petro ndokurangarira shoko Jesu raakange areva kwaari rekuti: Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu. Zvino wakati achifunga izvozvo akachema.