聖經新譯本

Shona

Mark

15

1耶穌被押交彼拉多(太27:1~2、11~14;路23:1~3;約18:29~37)一到清晨,祭司長和長老、經學家以及公議會全體一致議決,把耶穌綁起來,押去交給彼拉多。
1Zvino pakarepo mangwanani-ngwanani vapristi vakuru vakaita zano nevakuru nevanyori nedare remakurukota rose, vakasunga Jesu, vakamutakura, vakamukumikidza kuna Pirato.
2彼拉多問他:“你是猶太人的王嗎?”耶穌回答:“你說的是。”
2Pirato ndokumubvunza achiti: Iwe uri Mambo wevaJudha here? Akapindura, akati kwaari: Unoreva iwe.
3祭司長控告了他許多事。
3Vapristi vakuru vakamupomera zvinhu zvizhinji, asi iye haana kupindura chinhu.
4彼拉多又問他:“你看,他們控告你這麼多的事!你甚麼都不回答嗎?”
4Pirato akamubvunzazve achiti: Haupinduri chinhu here? Tarira, zvinhu zvingani zvavanokupupurira!
5耶穌還是一言不答,使彼拉多非常驚奇。
5Asi Jesu haana kuzopindurazve chinhu, zvekuti Pirato wakashamisika.
6彼拉多判耶穌釘十字架(太27:15~26;路23:13~25;約18:38~19:16)每逢這節期,彼拉多按著眾人所要求的,照例給他們釋放一個囚犯。
6Zvino pamabiko waivasunungurira musungwa umwe, chero upi wavanenge vakumbira.
7有一個人名叫巴拉巴,和作亂的人囚禁在一起,他們作亂的時候,曾殺過人。
7Zvino kwakange kune wainzi Bharabhasi, akasungwa pamwe nevakange vamutsa mhirizhonga naye, vakange vaita umhondi pamhirizhonga iyoyo.
8群眾上去,要求彼拉多援例給他們辦理。
8Zvino chaunga chakadanidzira, vakatanga kukumbira kuti aite sezvaaigarovaitira.
9彼拉多回答他們:“你們要我給你們釋放這個猶太人的王嗎?”
9Asi Pirato akavapindura, achiti: Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wevaJudha here?
10他知道祭司長是因為嫉妒才把耶穌交了來。
10Nekuti wakange achiziva kuti vapristi vakuru vakange vamutengesa negodo.
11祭司長卻煽動群眾,寧可要總督釋放巴拉巴給他們。
11Asi vapristi vakuru vakamutsa chaunga, kuti zviri nani avasunungurire Bharabhasi.
12彼拉多又對他們說:“那麼,你們稱為猶太人的王的,你們要我怎樣處置他呢?”
12Pirato akapindura akatizve kwavari: Naizvozvo munoda kuti ndimuitirei, wamunoti ndiMambo wevaJudha?
13他們就喊著說:“把他釘十字架!”
13Vakadanidzirazve vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
14彼拉多說:“他作了甚麼惡事呢?”眾人卻更加大聲喊叫:“把他釘十字架!”
14Asi Pirato akati kwavari: Nemhaka yei? Wakaita chakaipa chei? Vakanyanyisa kudanidzira vachiti: Murovere pamuchinjikwa!
15彼拉多有意討好群眾,就釋放了巴拉巴給他們,把耶穌鞭打了,交給他們釘十字架。
15Zvino Pirato, achida kuti agutse chaunga, akavasunungurira Bharabhasi; ndokukumikidza Jesu, amurova netyava, kuti arovererwe pamuchinjikwa.
16士兵戲弄耶穌(太27:27~31)士兵把耶穌帶進總督府的院子裡,召集了全隊士兵。
16Zvino mauto akamuisa mukati meruvanze, rwunova imba yemutungamiriri, akadanira hondo yose pamwe;
17他們給他披上紫色的外袍,又用荊棘編成冠冕給他戴上;
17vakamupfekedza zvine ruvara rwehute, vakaruka korona yemhinzwa, vakaisa paari.
18就向他祝賀說:“猶太人的王萬歲!”
18Vakatanga kumukwazisa, vachiti: Hekanhi, Mambo wevaJudha!
19又用一根蘆葦打他的頭,向他吐唾沫,並且跪下來拜他。
19Vakamurova musoro norutsanga, vakamupfira, vakafugama mabvi, vakamunamata.
20他們戲弄完了,就把他的紫色的外袍脫下,給他穿回自己的衣服,帶他出去,要釘十字架。
20Zvino vakati vamusweveredza, vakamubvisa zveruvara rwehute, ndokumupfekedza nguvo dzake pachake, vakabuda naye kundomuroverera pamuchinjikwa.
21耶穌被釘十字架(太27:32~44;路23:26~43;約19:17~24)有一個古利奈人西門,就是亞歷山大和魯孚的父親,從鄉下來到,經過那裡,士兵就強迫他背著耶穌的十字架。
21Vakamanikidza umwe waipfuura wainzi Simoni muKurini, achibva kuruwa, baba vaArekizandiro naRufo, kuti atakure muchinjikwa wake.
22他們把耶穌帶到各各他地方(這地名譯出來就是“髑髏地”),
22Vakamuisa kunzvimbo yainzi Gorogota, ndokuti kana zvichishandurwa: Nzvimbo yedehenya.
23拿沒藥調和的酒給他,他卻不接受。
23Vakamupa waini yakavhenganiswa nemura kuti amwe, asi haana kugamuchira.
24他們就把他釘了十字架;又抽籤分他的衣服,看誰得著甚麼。
24Zvino vakati vamuroverera pamuchinjikwa, vakagovana nguvo dzake, vachikanda mujenya pamusoro padzo, kuti umwe neumwe uchatorei.
25他們釘他十字架的時候,是在上午九點鐘。
25Rakange rava awa rechitatu, vakabva vamuroverera pamuchinjikwa.
26耶穌的罪狀牌上寫著“猶太人的王”。
26Nerugwaro rwemhosva yake rwakange rwakanyorwa pamusoro, ruchiti: MAMBO WEVAJUDHA.
27他們又把兩個強盜和他一同釘十字架,一個在右,一個在左。
27Pamwe naye vakaroverera pamuchinjikwa makororo maviri, umwe kuruoko rwerudyi, neumwe kuruboshwe rwake.
28(有些抄本有第28節:“這就應驗了經上所說的:‘他和不法者同列。’”)
28Rugwaro rukazadzisika, rwunoti: Wakaverengwa pamwe nevasina murairo.
29過路的人譏笑他,搖著頭說:“哼,你這個要拆毀聖所,三日之內又把它建造起來的,
29Nevaipfuura vakamunyomba, vachidzungudza misoro yavo, vachiti: Ehe-e, iwe unoputsa tembere, nekuivaka nemazuva matatu,
30從十字架上把自己救下來吧!”
30zviponese, uburuke pamuchinjikwa!
31祭司長和經學家也同樣譏笑他,彼此說:“他救了別人,卻不能救自己;
31Saizvozvo vapristiwo vakuru vakamusweveredza pamwe nevanyori pakati pavo, vachiti: Wakaponesa vamwe, iye haagoni kuzviponesa.
32以色列的王基督啊,現在可以從十字架上下來,讓我們看見就信吧。”那和他同釘十字架的人也侮辱他。
32Kristu Mambo waIsraeri ngaaburuke ikozvino pamuchinjikwa, kuti tione titende. Nevakange varovererwa pamuchinjikwa pamwe naye vakamunyomba.
33耶穌死時的情形(太27:45~56;路23:44~49;約19:28~30)從正午到下午三點鐘,遍地都黑暗了。
33Zvino awa rechitanhatu rakati rasvika, rima rikavapo panyika yose kusvikira paawa repfumbamwe.
34下午三點的時候,耶穌大聲呼號:“以羅伊,以羅伊,拉馬撒巴各大尼?”這句話譯出來就是:“我的 神,我的 神,你為甚麼離棄我?”
34Zvino neawa repfumbamwe, Jesu akadana nenzwi guru, achiti: "Eroi, Eroi, rama Sabhakitani!" Ndokuti, kana zvichishandurwa: Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiirei?
35有些站在旁邊的人聽見了就說:“看,他呼叫以利亞呢。”
35Vamwe vevakange vamirepo vakati vachizvinzwa, vakati: Tarirai, unodana Eria.
36有一個人跑去拿海綿浸滿了酸酒,綁在蘆葦上,遞給他喝,說:“等一等,我們看看以利亞來不來救他。”
36Ipapo umwe wakamhanya, akazadza chipanje nevhiniga, akaisa parutsanga, akamupa kuti amwe, achiti: Regai, tione kana Eria achiuya kumuburusa.
37耶穌大叫一聲,氣就斷了。
37Ipapo Jesu akadanidzira nenzwi guru akapa mweya.
38聖所裡的幔子,從上到下裂成兩半。
38Vheiri retembere rikabvaruka kuita mapandi maviri, kubva kumusoro kusvikira pasi.
39站在他對面的百夫長,看見他這樣斷氣,就說:“這人真是 神的兒子!”
39Zvino mukuru wezana wakange amirepo pakatarisana naye, wakati achiona kuti wadanidzira akapa mweya, akati: Zvirokwazvo, munhu uyu wanga ari Mwanakomana waMwari.
40也有些婦女遠遠地觀看,她們之中有抹大拉的馬利亞,小雅各和約西的母親馬利亞,以及撒羅米。
40Uye kwakange kune vakadziwo vakatarira vari kure, pakati pavo pakange pana Maria Magidhariniwo, naMaria mai vaJakobho muduku naJose, naSarome,
41這些婦女,當耶穌在加利利的時候,就一直跟隨他、服事他。此外,還有許多和他一同上耶路撒冷的婦女。
41(avowo vaimutevera achiri muGarirea, vachimushandira), nevamwe vakadzi vazhinji vakange vakwira kuJerusarema naye.
42耶穌葬在墳墓裡(太27:57~61;路23:50~56;約19:38~42)到了晚上,因為是預備日,就是安息日的前一日,
42Zvino atova manheru, zvarakange riri gadziriro, ndokuti zuva rinotangira sabata,
43一個一向等候 神國度的尊貴的議員,亞利馬太的約瑟來了,就放膽地進去見彼拉多,求領耶穌的身體。
43Josefa waiva weArimatia, nhengo yedare yairemekedzwa, wakange akamirirawo pachake ushe hwaMwari wakauya, akapinda kuna Pirato akatsunga, akakumbira chitunha chaJesu.
44彼拉多驚訝耶穌已經死了,就叫百夫長前來,問他耶穌是不是死了很久。
44Pirato akashamisika nekuti wakange atofa; akadanira kwaari mukuru wezana, akamubvunza kana akange ava nenguva afa.
45他從百夫長知道了實情以後,就把屍體給了約瑟。
45Zvino wakati azvinzwa nemukuru wezana, akapa Josefa chitunha.
46約瑟買了細麻布,把耶穌取下,用細麻布裹好,安放在一個從磐石鑿出來的墳墓裡,又輥過一塊石頭來擋住墓門。
46Akatenga mucheka werineni, akamuburusa, akamuputira nemucheka wakapfava, ndokumuradzika muguva rakange rakacherwa muruware, ndokukungurusira ibwe pamukova weguva.
47抹大拉的馬利亞和約西的母親馬利亞都看見安放他的地方。
47Zvino Maria Magidharini, naMaria mai vaJose, vakaona paakaradzikwa.