1施洗約翰被殺(可6:14~29)那時,分封王希律聽見耶穌的名聲,
1Panguva iyo Herodhe umwe wevatongi vana wakanzwa mukurumbira waJesu,
2就對臣僕說:“這人是施洗的約翰,他從死人中復活,所以他身上有行神蹟的能力。”
2akati kuvaranda vake: Uyu ndiJohwani Mubhabhatidzi; iye wakamuka kuvakafa, naizvozvo mabasa esimba awa anobata maari.
3原來希律為了他弟弟腓力的妻子希羅底的緣故,拘捕了約翰,把他捆綁,關在監裡,
3Nekuti Herodhe wakange abata Johwani akamusunga akamuisa mutirongo nekuda kwaHerodhiasi mukadzi waFiripi munin'ina wake.
4因為約翰多次告訴他:“你佔有她是不合理的。”
4Nekuti Johwani wakange ati kwaari: Hazvitenderwi kwauri kuti uve naye.
5他想殺約翰,但又害怕群眾,因為他們都認為約翰是個先知。
5Zvino wakange achida kumuuraya, akatya chaunga, nekuti vaimutora semuporofita.
6到了希律生日的那天,希羅底的女兒在眾人面前跳舞,希律非常高興,
6Asi kwakati kuchichengetedzwa zuva rekuberekwa kwaHerodhe, mukunda waHerodhiasi akatamba pakati pavo, akafadza Herodhe.
7就起誓答應她,無論求甚麼都給她。
7Naizvozvo wakavimbisa nemhiko kuti uchamupa chipi nechipi chaaizokumbira.
8她在母親的慫恿之下,說:“請把施洗的約翰的頭放在盤子上給我。”
8Zvino iye, wakati amborairwa namai vake, akati: Ndipei pano mundiro musoro waJohwani Mubhabhatidzi.
9王就憂愁,但因為誓言和在座的賓客,就下令給她。
9Mambo akashungurudzika, asi nekuda kwemhiko, uye kwevakange vagere naye pakudya, wakaraira kuti apiwe.
10他派人去,在監裡斬了約翰的頭,
10Akatuma vanhu akagura Johwani musoro mutirongo.
11把頭放在盤子上,拿來給那女孩子,她又帶給母親。
11Musoro wake ukauyiswa mundiro, ukapiwa kumusikana, akauisa kuna mai vake.
12約翰的門徒前來,領了屍體,把它埋葬,然後去告訴耶穌。
12Vadzidzi vake vakauya vakatora mutumbi vakauviga, ndokuenda ndokuudza Jesu.
13給五千人吃飽的神蹟(可6:32~44;路9:10~17;約6:1~13。參太15:32~38)耶穌聽見了,就離開那裡,獨自坐船到曠野去。群眾聽見了,就從各城步行來跟隨他。
13Jesu wakati azvinzwa, akabvapo nechikepe, akaenda kunzvimbo yerenje ari oga; asi zvaunga zvakati zvichizvinzwa zvikamutevera netsoka zvichibva mumaguta.
14耶穌上了岸,看見一大群人,就憐憫他們,醫好了他們的病人。
14Zvino Jesu wakati abuda akaona chaunga chikuru, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
15黃昏的時候,門徒前來對他說:“這是曠野的地方,時間也不早了,請叫群眾散開,好讓他們往村裡去,買自己的食物吧。”
15Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vachiti: Iyi inzvimbo yerenje, uye ikozvino nguva dzaenda; regai zvaunga zviende, kuti vaende kumisha vanozvitengera chikafu.
16耶穌回答:“他們用不著離開,你們給他們吃吧!”
16Asi Jesu wakati kwavari: Havafaniri kuenda; vapei imwi kuti vadye.
17但門徒說:“我們這裡除了五個餅和兩條魚,甚麼也沒有。”
17Asi vakati kwaari: Hatina pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.
18他說:“拿過來給我。”
18Iye akati: Uyai nazvo pano pandiri.
19於是吩咐群眾坐在草地上,拿起那五個餅兩條魚,望著天,祝謝了;然後把餅擘開,遞給門徒,門徒又分給群眾。
19Akaraira zvaunga kuti zvigare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kumusoro kudenga, akazviropafadza, akamedura ndokupa zvingwa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa kuzvaunga.
20大家都吃了,並且吃飽了,他們把剩下的零碎拾起來,裝滿了十二個籃子。
20Vakadya vose, vakaguta, vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu gumi nemaviri azere.
21吃的人,除了婦女和孩子,約有五千。
21Uye vakange vadya vaiva varume zvuru zvishanu pasina vakadzi nevana vaduku.
22耶穌在海面上行走(可6:45~52;約6:15~21)耶穌立刻催門徒上船,叫他們先到對岸去,他卻留下來叫群眾散開。
22Pakarepo Jesu wakamanikidza vadzidzi vake kupinda muchikepe, vamutungamirire mhiri, iye acharega zvaunga zvichienda.
23他解散了群眾,就獨自上山去禱告。到了晚上,他還是獨自一人在那裡。
23Zvino wakati arega zvaunga zvichienda, akakwira mugomo ari oga kunonyengetera; akati ava madekwana, wakange ari oga ipapo.
24那時門徒的船已經離岸數公里,因為逆風,被波浪沖擊。
24Asi chikepe zvino chakange chava pakati pegungwa chichivheyeswa nemafungu; nekuti mhepo yakange ichipikisa.
25天快亮的時候(“天快亮的時候”原文作“夜裡四更天”),耶穌在海面上向他們走過去。
25Nenguva yechina yemurindiro yeusiku Jesu akaenda kwavari achifamba pamusoro pegungwa.
26門徒見他在海面上行走,就很驚慌,說:“有鬼啊!”並且恐懼得大叫起來。
26Zvino vadzidzi vakati vachimuona achifamba pamusoro pegungwa, vakavhunduka vachiti idzangaradzimu. Vakadanidzira nekutya.
27耶穌立刻對他們說:“放心吧!是我,不要怕。”
27Asi pakarepo Jesu wakataura navo akati: Tsungai moyo; ndini; musatya.
28彼得對他說:“主啊,如果是你,讓我在水面上到你那裡去。”
28Petro ndokumupindura akati: Ishe, kana muri imwi ndirairei ndiuye kwamuri pamusoro pemvura.
29他說:“來吧!”彼得就從船上下來,行在水面上,走向耶穌那裡去。
29Ndokubva ati: Uya. Petro ndokuburuka muchikepe akafamba pamusoro pemvura, kuenda kuna Jesu.
30但他一見風浪就害怕,快要沉下去的時候,就呼叫:“主啊!救我!”
30Asi wakati achiona mhepo ine simba akatya; zvino otanga kunyura, akadanidzira, achiti: Ishe, ndiponesei!
31耶穌馬上伸手拉住他,對他說:“小信的人哪,為甚麼疑惑?”
31Pakarepo Jesu wakatandavadza ruoko, akamubata, akati kwaari: Iwe werutendo ruduku, unokononei?
32他們上了船,風就平靜了。
32Vakati vapinda muchikepe, mhepo ikanyarara.
33船上的人都拜他,說:“你真是 神的兒子。”
33Vakange vari muchikepe ndokuuya vakamunamata vachiti: Zvirokwazvo muri Mwanakomana waMwari.
34治好革尼撒勒的病人(可6:53~56)他們過到對岸,來到革尼撒勒的地區。
34Vakati vayambuka, vakasvika panyika yeGenesareti.
35那地的人認出是耶穌,就把消息傳遍了那一帶。眾人把一切有病的人都帶來,
35Varume venzvimbo iyo vakati vamuziva, vakatuma shoko panyika yose iyo yakapoteredza, vakauyisa kwaari vose vairwara.
36求耶穌讓他們只摸一摸他衣服的繸子,摸著的人就都痊愈了。
36Vakakumbirisa kwaari kuti vabate chete mupendero wenguvo yake; uye vose vakabata vakaporeswa.