聖經新譯本

Shona

Matthew

16

1求耶穌顯神蹟(可8:11~13)法利賽人和撒都該人前來試探耶穌,求他顯個從天上來的神蹟給他們看。
1VaFarisi nevaSadhusi ndokuuya vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga vachimuidza.
2耶穌回答:“黃昏的時候,你們說:‘天色通紅,明天一定是晴天。’
2Asi wakapindura akati kwavari: Kana ava madekwana munoti: Kunze kwakanaka; nekuti denga rakatsvuka.
3早上的時候,你們說:‘天色又紅又暗,今天一定有風雨。’你們知道分辨天色,卻不能分辨時代的徵兆嗎?
3Uye mangwanani munoti: Nhasi kunze kwakaipa; nekuti denga rakatsvuka richikwidibira. Vanyepedzeri, munoziva kuongorora mamiriro edenga, asi hamugoni kuongorora zviratidzo zvenguva here?
4邪惡和淫亂的世代要尋求神蹟,除了約拿的神蹟之外,不會有甚麼神蹟給它了。”耶穌就離開他們走了。
4Zera rakaipa uye rinofeva richitsvaka chiratidzo; asi hapana chiratidzo chingapiwa kwariri, kunze kwechiratidzo chaJona muporofita. Ndokuvasiya, akaenda.
5提防法利賽人等的教訓(可8:14~21)門徒到了對岸,忘記了帶餅。
5Zvino vadzidzi vakati vasvika mhiri, vakakangamwa kutora zvingwa.
6耶穌對他們說:“你們要小心,提防法利賽人和撒都該人的酵。”
6Zvino Jesu akati kwavari: Onai mungwarire mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.
7他們就彼此議論說:“這是因為我們沒有帶餅吧。”
7Vakarangana pakati pavo vachiti: Unodaro nekuti hatina kutora chingwa.
8耶穌知道了,就說:“小信的人,為甚麼議論沒有餅這件事呢?
8Zvino Jesu azviziva akati kwavari: Imwi verutendo ruduku, nemhaka yei muchirangana kuti hamuna kutora zvingwa?
9你們還不明白嗎?你們是不是忘記了那五個餅分給五千人,又裝滿了多少個籃子呢?
9Muchigere kunzwisisa here, kana kurangarira zvingwa zvishanu zvevanezvuru zvishanu, uye matengu mangani amakanonga?
10還是忘記了那七個餅分給四千人,又裝滿了多少個大籃子呢?
10Kana zvingwa zvinomwe zvevanezvuru zvina, uye matengu mangani amakanonga?
11我對你們講的不是餅的事,你們為甚麼不明白?你們要提防法利賽人和撒都該人的酵。”
11Hamunzwisisi sei, kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa kuti muchenjere mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi?
12這時他們才領會耶穌說的不是要提防餅酵,而是要提防法利賽人和撒都該人的教訓。
12Zvino vakanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjere mbiriso yezvingwa, asi dzidziso yevaFarisi nevaSadhusi.
13彼得承認耶穌是基督(可8:27~29;路9:18~20)耶穌來到該撒利亞.腓立比的地區,就問自己的門徒:“人說人子是誰?”
13Jesu wakati asvika kumativi eKesariya yeFiripi, akabvunza vadzidzi vake, achiti: Vanhu vanoti ini Mwanakomana wemunhu ndini ani?
14他們回答:“有人說是施洗的約翰,有人說是以利亞,也有人說是耶利米,或是先知裡的一位。”
14Ndokubva vati: Vamwe vanoti Johwani Mubhabhatidzi, uye vamwe Eria, vamwewo Jeremiya, kana umwe wevaporofita.
15他問他們:“你們說我是誰?”
15Akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani?
16西門.彼得回答:“你是基督,是永生 神的兒子。”
16Zvino Simoni Petro akapindura akati: Ndimwi Kristu, Mwanakomana waMwari mupenyu.
17耶穌對他說:“約拿的兒子西門,你是有福的,因為這不是人(“人”原文作“肉和血”)指示你的,而是我在天上的父啟示你的。
17Jesu akapindura akati kwaari: Wakaropafadzwa, Simoni mwanakomana waJona, nekuti nyama neropa hazvina kukuzarurira izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga.
18我告訴你,你是彼得,我要在這磐石上建立我的教會,死亡的權勢(“死亡的權勢”原文作“陰間的門”)不能勝過他。
18Neni ndinoti kwauri: Ndiwe Petro, uye pamusoro peruware urwu ndichavaka kereke yangu, nemasuwo egehena* haangaikundi.
19我要把天國的鑰匙給你,你在地上捆綁的,在天上也被捆綁;你在地上釋放的,在天上也被釋放。”
19Uye ndichapa kwauri kiyi dzeushe hwekumatenga; uye chipi nechipi chauchasunga panyika, chichasungwa kumatenga; nechipi nechipi chauchasunungura panyika, chichasunungurwa kumatenga.
20於是耶穌吩咐門徒不可對人說他就是基督。
20Ipapo akarairisa vadzidzi vake kuti varege kuudza munhu kuti ndiye Jesu iye Kristu.
21耶穌預言受難及復活(可8:31~9:1;路9:22~27)從那時起,耶穌開始向門徒指出,他必須往耶路撒冷去,受長老、祭司長和經學家許多的苦害,並且被殺,第三天復活。
21Kubva panguva iyo Jesu wakatanga kuratidza kuvadzidzi vake kuti unofanira kuenda kuJerusarema, uye kutambudzika zvizhinji zvichibva kuvakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, nekuurawa, nekumutswa nezuva retatu.
22彼得就把他拉到一邊,責怪他說:“主啊,千萬不可這樣,這事一定不會發生在你身上的。”
22Petro akamutora parutivi, akatanga kumutsiura akati: Ngazvirege kuva kwamuri, Ishe; izvi hazvingatongoitiki kwamuri.
23耶穌轉過來對彼得說:“撒但!退到我後面去!你是絆倒我的,因為你不思念 神的事,只思念人的事。”
23Asi iye wakatendeuka akati kuna Petro: Ibva shure kwangu, Satani! Uri chigumbuso kwandiri; nekuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.
24於是耶穌對門徒說:“如果有人願意跟從我,就當捨己,背起他的十字架來跟從我。
24Zvino Jesu akati kuvadzidzi vake: Kana ani nani achida kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.
25凡是想救自己生命的,必喪掉生命;但為我犧牲生命的,必得著生命。
25Nekuti ani nani unoda kuponesa upenyu hwake ucharashikirwa nahwo; asi ani nani unorashikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu uchahuwana.
26人若賺得全世界,卻賠上自己的生命,有甚麼好處呢?人還能用甚麼換回自己的生命呢?
26Nekuti munhu unobatsirwei kana akawana nyika yose, akarashikirwa nemweya wake? Kana munhu uchapei kuti chive muripo wemweya wake?
27人子要在父的榮耀裡和眾天使一同降臨,那時他要照各人的行為報應各人。
27Nekuti Mwanakomana wemunhu achauya mukubwinya kwaBaba vake nevatumwa vake, ipapo achapa mubairo umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.
28我實在告訴你們,站在這裡的,有人在沒有嘗過死味以前,必要看見人子帶著他的國降臨。”
28Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vamwe varipo kune vamire pano, vasingazoraviri rufu kusvikira vaona Mwanakomana wemunhu achiuya muushe hwake.