1葡萄園工人的比喻“天國好像一個家主,清早出去雇請工人到他的葡萄園工作。
1Nekuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa.
2他和工人講定了一天的工錢是一個銀幣,然後派他們到葡萄園去。
2Wakati atenderana nevabati padhenari* pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.
3大約九點鐘,他又出去,看見還有人閒站在街市上,
3Akabuda neawa rinenge rechitatu, akaona vamwe vamire pamusika, vasina chekuita;
4就對他們說:‘你們也到葡萄園來吧,我會給你們合理的工錢。’
4akati kwavariwo: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo.
5他們就去了。約在正午和下午三點鐘,他又出去,也是這樣作。
5Akabudazve neawa rinenge rechitanhatu nerepfumbamwe, akaita saizvozvo.
6下午五點鐘左右,他再出去,看見還有人站著,就問他們:‘你們為甚麼整天站在這裡不去作工?’
6Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rose musina chekuita?
7他們回答:‘沒有人用我們。’他說:‘你們也到葡萄園來吧。’
7Vakati kwaari: Nekuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, muchagamuchira zvose zvakafanira.
8到了黃昏,園主對管工說:‘把工人叫來,給他們工錢,從最後的開始,到最先來的。’
8Kuzoti ava madekwana, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvikira kune vekutanga.
9那些下午五點鐘才開始作工的人來了,每個人都領到一個銀幣。
9Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenari*.
10最先作工的人也來了,以為會多得一點,但每個人也是領到一個銀幣。
10Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivo vakagamuchira umwe neumwe dhenari*.
11他們領到之後,就埋怨家主,說:
11Vakati vagamuchira vakagunun'unira mwene weimba,
12‘我們整天在烈日之下勞苦,這些後來的人只工作了一個小時,你卻給他們跟我們一樣的工錢。’
12vachiti: Ava vekupedzisira, vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa.
13家主回答他們當中的一個,說:‘朋友,我並沒有虧待你。你我不是講定了一個銀幣嗎?
13Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenari*?
14拿你的工錢走吧!我給那後來的和給你的一樣,是我的主意。
14Tora zvako uende; ndinoda kupa kune uyu wekupedzisira sewewo.
15難道我不可以照自己的主意用我的財物嗎?還是因為我仁慈你就嫉妒呢?’
15Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nekuti ini ndakanaka here?
16因此,在後的將要在前,在前的將要在後。”
16Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nekuti vazhinji vakadamwa, asi vashoma vachasarudzwa.
17第三次預言受難及復活(可10:32~34;路18:31~34)耶穌上耶路撒冷去的時候,把十二門徒帶到一邊,對他們說:
17Jesu wakati okwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari vega munzira, akati kwavari:
18“我們現在上耶路撒冷去,人子要被交給祭司長和經學家,他們要定他死罪,
18Tarirai, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu uchakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu.
19把他交給外族人凌辱、鞭打,並且釘在十字架上。然而第三天他要復活。”
19Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu uchamuka.
20不是要人服事而是要服事人(可10:35~45)那時,西庇太的兒子的母親,帶著她的兩個兒子前來見耶穌。她跪在耶穌面前求他。
20Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakagwadama vachikumbira chimwe chinhu kwaari.
21耶穌問她:“你想要甚麼?”她說:“求你下令,使我這兩個兒子在你的國裡,一個坐在你的右邊,一個坐在你的左邊。”
21Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Rairai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu.
22耶穌回答:“你們不知道你們求的是甚麼。我將要喝的杯,你們能喝嗎?”他們說:“能。”
22Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kumwa mukombe wandichamwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona.
23他對他們說:“我的杯你們固然要喝,只是坐在我的左右,不是我可以賜的;我父預備賜給誰,就賜給誰。”
23Akati kwavari: Muchamwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu.
24其他十個門徒聽見了,就向他們兄弟二人生氣。
24Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo mukoma nemunin'ina vaviri.
25耶穌把他們叫過來,說:“你們知道各國都有元首統治他們,也有官長管轄他們。
25Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vechirudzi vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo.
26但你們中間卻不要這樣;誰想在你們中間成為大的,就要作你們的僕役;
26Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.
27誰想在你們中間為首的,就要作你們的奴僕。
27Ani nani unoda kuva wekutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.
28正如人子來,不是要受人的服事,而是要服事人,並且要捨命,作許多人的贖價。”
28SeMwanakomana wemunhu usina kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake rwuve rudzikinuro rwevazhinji.
29治好瞎眼的人(可10:46~52;路18:35~43)他們從耶利哥出來的時候,有許多人跟著耶穌。
29Vakati vachibuda Jeriko, chaunga chikuru chikamutevera.
30有兩個瞎眼的人坐在路旁,聽說耶穌經過,就喊叫:“主啊,大衛的子孫,可憐我們吧!”
30Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!
31群眾責備他們,叫他們不要出聲,他們卻更加放聲喊叫:“主啊,大衛的子孫,可憐我們吧!”
31Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!
32耶穌就站住,叫他們過來,說:“要我為你們作甚麼呢?”
32Jesu ndokumira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitirei?
33他們說:“主啊,求你開我們的眼睛。”
33Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe:
34耶穌就憐憫他們,摸他們的眼睛。他們立刻能看見,就跟從了耶穌。
34Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso awo akaonazve, akamutevera.