聖經新譯本

Shona

Matthew

21

1騎驢進耶路撒冷(可11:1~10;路19:28~38;約12:12~15)耶穌和門徒走近耶路撒冷,來到橄欖山的伯法其那裡。耶穌派了兩個門徒,
1Vakati vachiswedera kuJerusarema, vasvika Bhetefage pagomo reMiorivhi, ipapo Jesu akatuma vadzidzi vaviri,
2對他們說:“你們往對面的村子裡去,立刻就會看見一頭驢拴在那裡,還有小驢跟牠在一起。把牠們解開,牽來給我。
2achiti kwavari: Endai kumusha wakatarisana nemwi, pakarepo muchawana mbongoro yakasungirwa, nedhongwana rinayo; sunungurai, muuyise kwandiri.
3如果有人問你們,就要說:‘主需要牠們。’他會立刻讓你們牽走。”
3Kana ani nani achitaura chinhu kwamuri, muchati: Ishe unozvida; pakarepo uchazvitumira.
4這件事應驗了先知所說的:
4Izvozvo zvose zvakaitika, kuti zvizadziswe zvakataurwa nemuporofita, achiti:
5“要對錫安的居民(“居民”原文作“女子”)說:‘看哪,你的王來到你這裡了;他是溫柔的,他騎著驢,騎的是小驢。’”
5Udzai mukunda weZiyoni: Tarira Mambo wako unouya kwauri, ari munyoro, akatasva mbongoro, nedhongwana, mwana wemhuka yemutoro.
6門徒照著耶穌的吩咐去作。
6Vadzidzi vakaenda, vakaita Jesu sezvaakavaraira,
7牽了驢和小驢來,把衣服搭在牠們上面,耶穌就騎上。
7vakauisa mbongoro nedhongwana, vakaisa nguvo dzavo pamusoro pazvo; vakamugadza pamusoro pazvo.
8有一大群人把自己的衣服鋪在路上,也有人從樹上把樹枝砍下來,鋪在路上。
8Chaunga chikuru kwazvo chikawarira nguvo dzacho munzira; vamwe vakatema matavi pamiti vakawarira munzira.
9前呼後擁的群眾喊叫著:“‘和散那’歸於大衛的子孫,奉主名來的是應當稱頌的,高天之上當唱‘和散那’。”
9Zvaunga zvakange zvakamutungamirira nevakange vachitevera vakadanidzira, vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDavhidhi! Ngaarumbidzwe iye unouya muzita raIshe! Hosana* kumusoro-soro!
10耶穌進了耶路撒冷,全城都震動起來,他們問:“這人是誰?”
10Wakati apinda muJerusarema, guta rose rikazungunuswa, richiti: Ndiani uyu?
11大家都說:“這就是那先知耶穌,是從加利利的拿撒勒來的。”
11Zvaunga zvikati: Uyu ndiJesu muporofita weNazareta reGarirea.
12潔淨聖殿(可11:15~19;路19:45~47;約2:13~22)耶穌進了聖殿,把殿裡所有作買賣的人趕走,並推倒找換銀錢的人的桌子,和賣鴿子的人的凳子;
12Zvino Jesu wakapinda mutembere yaMwari, akadzingira vose vaitengesa nevaitenga mutembere, akapidigura matafura evaitsinhanha mari, nezvigaro zvevaitengesa njiva.
13又對他們說:“經上記著:‘我的殿要稱為禱告的殿。’你們竟把它弄成賊窩了。”
13Akati kwavari: Kwakanyorwa kuchinzi: Imba yangu ichanzi imba yemunyengetero; asi imwi munoiita bako remakororo.
14殿裡的瞎子和瘸腿的都走過來,耶穌就醫好他們。
14Kukauya kwaari mapofu nevaikamhina mutembere; akavaporesa.
15祭司長和經學家看見耶穌所行的奇事,又看見小孩子在殿中喊叫“‘和散那’歸於大衛的子孫”,就很忿怒,
15Asi vapristi vakuru nevanyori vakati vachiona zvinhu zvinoshamisa zvaakange achiita, nevana vachidanidzira mutembere vachiti: Hosana* kuMwanakomana waDhavhidhi! vakatsamwa,
16對耶穌說:“你聽見他們說甚麼嗎?”耶穌說:“我聽見了。‘你從小孩和嬰兒的口中,得著了讚美。’這話你們沒有念過嗎?”
16vakati kwaari: Unonzwa zvavanotaura ivava here? Jesu akati kwavari: Hongu, hamuna kutongoverenga here, kuti: Mumuromo mavacheche nevanoyamwa makaperedzera rumbidzo?
17於是離開他們,出了城,來到伯大尼,在那裡過了一夜。
17Akavasiya, akabuda panze peguta, achienda Bhetaniya, ndokuvatapo.
18咒詛無花果樹(可11:12~14、20~24)耶穌清早回城的時候,覺得餓了。
18Kuzoti mangwanani-ngwanani wakati achidzokera kuguta, akanzwa nzara.
19他看見路旁有一棵無花果樹,就走過去;但他在樹上甚麼也找不到,只有葉子,就對樹說:“你永遠不再結果子了。”那棵樹就立刻枯萎。
19Zvino wakati achiona muonde panzira, akaenda kwauri, akasawana chinhu kwauri, asi mashizha chete; akati kwauri: Ngakurege kuva nezvibereko kwauri kusvikira narinhi. Pakarepo muonde ukasvava.
20門徒看見了,十分驚奇,說:“這棵無花果樹是怎樣立刻枯萎的呢?”
20Vadzidzi vakati vachiona, vakashamisika, vachiti: Muonde wasvava pakarepo sei?
21耶穌回答他們:“我實在告訴你們,如果你們有信心,不懷疑,不但能作我對無花果樹所作的,就是對這座山說‘移開,投到海裡去’,也必成就。
21Jesu akapindura akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Dai maiva nerutendo, musingakononi, hamungaiti izvi kumuonde chete, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa ukandirwe mugungwa; zvichaitwa.
22你們禱告,無論求甚麼,只要相信,都必得著。”
22Nezvose zvipi nezvipi zvamunokumbira mumunyengetero, kana muchitenda, muchazvigamuchira.
23質問耶穌憑甚麼權柄作事(可11:27~33;路20:1~8)耶穌進了聖殿,正在教導人的時候,祭司長和民間的長老前來問他:“你憑甚麼權柄作這些事?誰給你這權柄?”
23Wakati apinda mutembere, vapristi vakuru nevakuru vevanhu vakauya kwaari achidzidzisa, vakati: Munoita zvinhu izvozvi nesimba ripi? Ndiani wakakupai simba iri?
24耶穌回答他們:“我也要問你們一句話,如果你們告訴我,我就告訴你們我憑甚麼權柄作這些事。
24Jesu akapindura akati kwavari: Neni ndichakuvhunzai shoko rimwe; kana mukandiudza iro, neni ndichakuudzai kuti ndinoita izvi nesimba ripi.
25約翰的洗禮是從哪裡來的呢?是從天上來的,還是從人來的呢?”他們就彼此議論:“如果我們說‘是從天上來的’,他會問我們‘那你們為甚麼不信他呢?’
25Rubhabhatidzo rwaJohwani rwakabvepi? Kudenga here kana kuvanhu? Vakarangana vachiti: Kana tikati: Kudenga, uchati kwatiri: Saka makagoregerei kumutenda?
26如果我們說‘是從人來的’,我們又怕群眾,因為他們都認為約翰是先知。”
26Asi kana tikati: Kuvanhu, tinotya chaunga; nekuti vose vakatora Johwani semuporofita.
27於是回答耶穌:“我們不知道。”耶穌也對他們說:“我也不告訴你們,我憑甚麼權柄作這些事。
27Vakapindura Jesu vakati: Hatizivi. Ndokuti kwavari: Neni handingakuudziyi simba randinoita naro zvinhu izvi.
28兩個兒子的比喻“你們認為怎樣?有一個人,他有兩個兒子。他去對大兒子說:‘孩子,你今天到葡萄園去工作吧。’
28Zvino munofungei? Munhu waiva nevana vaviri; akauya kune wekutanga, akati: Mwana, enda nhasi unobata mumunda wangu wemizambiringa.
29他說:‘我不想去。’但後來他改變主意,就去了。
29Iye akapindura akati: Handidi; asi pashure akatendeuka akaenda.
30父親又照樣去吩咐小兒子。小兒子說:‘父親,我會去的。’後來卻沒有去。
30Akaenda kune wechipiri akataura saizvozvo. Iye akapindura akati: Ndinoenda, Ishe; akasaenda.
31這兩個兒子,哪一個聽父親的話呢?”他們說:“大兒子。”耶穌對他們說:“我實在告訴你們:稅吏和娼妓比你們先進 神的國。
31Ndeupi kune ivavo vaviri wakaita kuda kwababa? Vakati kwaari: Wekutanga. Jesu akati kwavari: Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Vateresi nezvifeve vanokutangirai kupinda muushe hwaMwari.
32約翰來到你們那裡,指示你們行義路(或譯:“約翰在義路中,來到你們這裡”),你們不信他;稅吏和娼妓卻信了他。你們看見了之後,還是沒有改變心意去信他。
32Nekuti Johwani wakauya kwamuri nenzira yekururama, mukasamutenda; asi vateresi nezvifeve vakamutenda, asi imwi makati muchiona, hamuna kuzotendeuka shure kwaizvozvi kuti mumutende.
33佃戶的比喻(可12:1~12;路20:9~19)“你們再聽一個比喻:有一個家主,栽種了一個葡萄園,四面圍上籬笆,在園子裡挖了一個壓酒池,蓋了一座瞭望臺,然後把園子租給佃戶,就遠行去了。
33Inzwai umwe mufananidzo. Kwaiva nemunhu, mwene weimba, wakasima munda wemizambiringa, akaisa ruzhowa rwakaukomberedza, akachera pekusvinira waini mauri, akavaka shongwe, akauhaisa* kuvarimi, akafamba rwendo.
34到了收成的時候,園主派了僕人到佃戶那裡,收取應該納給他的果子。
34Kuzoti nguva yezvibereko yaswedera, akatuma varanda vake kuvarimi kuti vagamuchire zvibereko zvawo.
35佃戶卻抓住他的僕人,打傷一個,殺了一個,又用石頭打死一個。
35Asi varimi vakabata varanda vake, umwe vakarova, umwe vakauraya, umwe vakataka nematombo.
36於是園主再派其他的僕人去,人數比前一次更多,但佃戶也是同樣對付他們。
36Akatumazve vamwe varanda vazhinji kune vekutanga; vakavaitira saizvozvo.
37最後,他派了自己的兒子去,說:‘他們必尊敬我的兒子。’
37Asi pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti: Vacharemekedza mwanakomana wangu.
38佃戶看見他的兒子,就彼此說:‘這是繼承產業的;來,我們殺了他,佔有他的產業吧!’
38Asi varimi vakati vachiona mwanakomana, vakataurirana, vachiti: Uyu ndiye mugari wenhaka; uyai, ngatimuurayeyi tibate nhaka yake.
39於是他們抓住他,把他推出葡萄園外殺了。
39Zvino vakamubata vakaposhera kunze kwemunda wemizambiringa vakamuuraya.
40那麼,葡萄園的主人來到的時候,會怎樣對待那些佃戶呢?”
40Naizvozvo kana mwene wemunda wemizambiringa achisvika, uchaitei kuvarimi ivavo?
41他們回答:“他會毫不留情地除掉那些惡人,把葡萄園租給按時繳納果子的佃戶。”
41Vakati kwaari: Uchaparadza zvakaipa avo vakaipa, akahaisa vamwe varimi munda wemizambiringa, vachazomupa zvibereko nenguva dzazvo.
42耶穌對他們說:“經上記著:‘建築工人所棄的石頭,成了房角的主要石頭;這是主所作的,在我們眼中看為希奇。’這話你們沒有念過嗎?
42Jesu akati kwavari: Hamuna kutongoverenga here pamagwaro panoti: Ibwe vavaki ravakaramba, ndiro rakazova musoro wekona; uku kuita kwaIshe, kunoshamisa pameso edu?
43因此我告訴你們, 神的國要從你們那裡取去,賜給那結果子的外族人。
43Naizvozvo ndinoti kwamuri: Ushe hwaMwari huchatorwa kubva kwamuri, hukapiwa kurudzi rwunobereka zvibereko zvahwo.
44誰跌在這石頭上,就必摔碎;這石頭掉在誰的身上,就必把他壓得粉碎。”
44Uye unowira pamusoro pebwe iri, uchavhuniwa; asi pane upi neupi warinowira richamukuya.
45祭司長和法利賽人聽了耶穌這些比喻,知道是指著他們說的。
45Vapristi vakuru nevaFarisi vakati vachinzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti unotaura ivo.
46他們想要逮捕他,但又怕群眾,因為他們都認為耶穌是先知。
46Zvino vakati vachitsvaka kumubata vakatya zvaunga nekuti vaimutora semuporofita.