聖經新譯本

Shona

Numbers

30

1許願的條例摩西告訴以色列人眾支派的領袖:“這是耶和華吩咐的話:(本節在《馬索拉抄本》為30:2)
1Zvino Mozisi akataura navakuru vamarudzi avana vaIsiraeri, akati, Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha:
2如果人向耶和華許願,或是起誓要約束自己,就不可食言,總要照著自己口裡所出的一切話行。
2Kana munhu achinge apikira Jehovha mhiko, kana kuzvisunga nokupika, haafaniri kushandura shoko rake; anofanira kuita zvose zvakabuda mumuromo make.
3女子年幼還在父家的時候,如果向耶和華許願要約束自己,
3Nomukadziwo, kana achinge apikira Jehovha, kana kuzvisunga nokusunga kokupika, achiri mumba mababa vake, achiri musikana;
4她父親若是聽見她所許的願和約束自己的話,卻對她默不作聲,她所許的一切願和所說約束自己的話,就為有效。
4baba vake vakanzwa kupika kwake, nokuzvisunga kwaakazvisunga nako, baba vake vakamunyararira havo, ipapo kupika kwake kose kuchava nesimba, nokusunga kwake kose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
5但是她父親聽見的時候,如果阻止她,她所許的願和所說約束自己的話,就都為無效;耶和華也必赦免她,因為她父親阻止她。
5Asi kana baba vake vakamudzivisa nomusi wavanozvinzwa nawo, kupika kwake kose, nokuzvisunga kwake kose, kwaakazvisunga nako, hakungavi nesimba; Jehovha achamukangamwira, nekuti baba vake vamudzivisa.
6“如果她已嫁了丈夫,她許願或嘴裡說冒失話約束自己的時候,
6Kana akawanikwa nomurume achakasungwa nokupika kwake, kana namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo;
7她丈夫聽見了,但在聽見的時候,默不作聲,她所許的願和約束自己的話,就為有效。
7murume wake akazvinzwa, akamunyararira hake nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kwake, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
8但是她丈夫聽見的時候,如果阻止她,就算廢了她所許的願和她嘴裡所說約束自己的冒失話;耶和華也必赦免她。
8Asi kana murume wake akamudzivisa nomusi waanozvinzwa nawo, ipapo iye anokonesa kupika kwake, kwaakazvisunga nako, namashoko aakareva asina kurangarira zvakanaka, aakazvisunga nawo; Jehovha achamukangamwira.
9“寡婦,或是離了婚的婦人所許的願,就是她所說約束自己的一切話,都為有效。
9Asi kupika kwechirikadzi, kana komukadzi akarambwa nomurume wake, chinhu chipi nechipi chaakazvisunga nacho, zvichava nesimba kwaari.
10如果她在丈夫家裡許了願,或用誓言約束自己,
10Kana achinge apika ari mumba momurume wake, kana kuzvisunga nokupika,
11她丈夫聽見了,卻默不作聲,也沒有阻止她,她所許的願和所說一切約束自己的話,就為有效。
11murume wake akazvinzwa, akamunyararira, asingamudzivisi, ipapo kupika kwake kuchava nesimba, nokuzvisunga kose, kwaakazvisunga nako, kuchava nesimba.
12但是她丈夫聽見的時候,如果把這兩樣都廢了,婦人口中所說一切關於許願的話和約束自己的話,都必無效;她丈夫已經把這兩樣都廢了,耶和華也必赦免她。
12Asi kana murume wake akazvikonesa kwazvo nomusi waakazvinzwa nawo, ipapo zvose zvakabuda mumuromo make pakupika kwake, kana kuzvisunga kwake, hazvingavi nesimba; murume wake wazvikonesa; Jehovha achamukangamwira.
13“婦人所許的願和刻苦約束自己所起的誓,她丈夫都可以確立,也可以廢去。
13Mhiko dzose, nokupika kose kwaanozvisunga nako kuchema pamweya wake, murume wake angazvikonesa.
14如果她丈夫天天向她默不作聲,那就算是確立她所許的願和所說約束自己的一切話;因為丈夫在聽見的日子,向她默不作聲,就使這兩樣生效。
14Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva rimwe nerimwe, ipapo unosimbisa mhiko dzake dzose nokuzvisunga kwake kose, kwaakazvisunga nako; azvisimbisa, nekuti amunyararira nomusi waakazvinzwa nawo.
15但是,如果丈夫聽了很久以後,才把這兩樣完全廢去,他就要擔當妻子的罪孽。”
15Asi kana akazozvikonesa kwazvo, azvinzwa hake, iye anofanira kuva nemhosva yake.
16以上是耶和華吩咐摩西的條例,是關於丈夫與妻子,父親與女兒,女兒年幼在父家的時候的條例。
16Ndiyo mitemo yakarairwa Mozisi naJehovha, pakati pomurume nomukadzi wake, napakati pababa nomwanasikana wavo, achiri musikana paimba yababa vake.