1大衛的詩,交給詩班長。我所讚美的 神啊!求你不要緘默無聲,(本節在《馬索拉抄本》包括細字標題)
1Regai kunyarara, Mwari wokurumbidza kwangu;
2因為邪惡的人的嘴和詭詐的人的口,已經張開攻擊我;他們用虛謊的舌頭對我說話。
2nekuti vakandishamisira muromo wowakaipa, uye muromo unonyengedzera; Vakandireva norurimi rune nhema.
3他們說毒恨的話圍攻我,無緣無故攻擊我。
3Vakandikombawo namashoko embengo, Vakarwa neni pasina mhosva.
4他們以敵對的態度來回報我的愛;至於我,我只有禱告。
4Pakuvada kwangu vava vadzivisi vangu; Asi ini ndinonyengetera hangu.
5他們對我以惡報善,以憎恨回報我的愛。
5Vakanditsivira zvakaipa pane zvakanaka, zvandakavaitira, Nembengo pakuvada kwangu.
6求你派一個惡人對付他;派一個對頭站在他的右邊。
6Isai munhu akaipa ave ishe wake; Mudzivisi ngaamire paruoko rwake rworudyi.
7他受審判的時候,願他被判為有罪;願他的禱告成為罪。
7Kana achitongwa, ngaapiwe mhosva; Munyengetero wake ngaushandurwe zvivi.
8願他的年日短少,願別人取代他的職分。
8Mazuva ake ngaave mashoma; Mumwe ngaatore basa rake.
9願他的兒女成為孤兒;願他的妻子成為寡婦。
9Vana vake ngavave nherera, Uye mukadzi wake ngaave chirikadzi.
10願他的兒女流離失所,到處求乞;願他們從他們破毀的家中被趕逐出去。
10Vana vake ngavave vadzungairi, navapemhi; Ngavatsvake zvokudya kure namatongo avo.
11願債主奪去他一切所有的;願外人都劫掠他勞碌得來的。
11Waakadyira chikwereti ngaatore zvose zvaanazvo; Vatorwa ngavapambe zvose zvaakabatira.
12願無人對他施仁慈;願無人恩待他的孤兒。
12Ngakushaikwe munhu anomunzwira tsitsi; Ngakushaikwe munhu anetsitsi nenherera dzake.
13願他的後人被除滅,願他們的名字在下一代被塗抹。
13Vana vake ngavarove; Zita ravo ngaridzimwe parudzi runotevera.
14願他列祖的罪孽被耶和華謹記;願他母親的罪惡不被塗抹。
14Zvakaipa zvamadzibaba ake ngazvirangarirwe naJehovha; Zvivi zvamai vake ngazvirege kudzimwa.
15願這些罪常在耶和華面前,好使他們的名號從地上被除掉。
15Ngazvirambe zviri pamberi paJehovha nguva dzose, Kuti aparadze kurangarirwa kwavo pasi.
16因為他從沒有想起要施慈愛,只知道迫害困苦、貧窮和傷心的人,要把他們置於死地。
16Nemhaka yokuti haana kurangarira kunzwira tsitsi, Asi wakatambudza murombo nomushaiwi, Neanomoyo wakaputsika, kuti avauraye.
17他愛咒詛,願咒詛臨到他;他不喜愛祝福,願福樂遠離他。
17Zvirokwazvo, kutuka ndizvo zvaakada, zvikauyawo kwaari; Kukomborera haana kukufarira kukagara kure naye.
18他以咒詛當作衣服穿上,咒詛就像水一般進入他的內臟,像油一樣進入他的骨頭。
18Akazvifukidzawo nokutuka, zvikaita senguvo yake, Zvikapinda mukati make semvura, Samafuta mumafupa ake.
19願這咒詛像衣服一般給他披上,並當作他常常束上的腰帶。
19Ngazvive kwaari sechisimiro chaanofukidza nacho, Segwarada raakazvisunga naro nguva dzose.
20願敵對我和用惡言攻擊我的,都從耶和華那裡得到這報應。
20Uyu ndiwo mubayiro wavadzivisi vangu, unobva kuna Jehovha, nowavanotaurira mweya wangu zvakaipa.
21至於你,主耶和華啊!求你為你名的緣故恩待我;按著你美好的慈愛拯救我。
21Asi imwi Jehovha Ishe, ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu; tsitsi dzenyu zvadzakanaka, ndirwirei.
22因為我困苦貧窮,我的內心傷痛。
22nekuti ndiri murombo nomushaiwi, Nomoyo wangu wakakuvadzwa mukati mangu.
23我像日影傾斜,漸漸消逝,又像蝗蟲被抖掉。
23Ndaenda somumvuri wareba; Ndapepereswa semhashu.
24我因禁食,雙膝軟弱無力;我的身體消瘦枯乾。
24Mabvi angu haachine simba nokutsanya; Nyama yangu yaonda nokushaiwa mafuta.
25我成了他們羞辱的對象;他們一看見我,就搖頭。
25Ndavawo chinhu chinozvidzwa navo; Kana vachindiona vanodzungudza misoro yavo.
26耶和華我的 神啊!求你幫助我;求你按著你的慈愛拯救我,
26Ndibatsirei, Jehovha, Mwari wangu; Ndiponesei netsitsi dzenyu.
27好讓人知道這是出於你的手,是你耶和華所作的事。
27Kuti vazive kuti ndirwo ruoko rwenyu; Kuti imwi Jehovha, ndimwi makazviita.
28任憑他們咒詛,只願你賜福;願起來攻擊我的都蒙羞,你的僕人卻要歡喜。
28Ngavatuke havo, asi imwi ropafadzai; Kana vachisimuka, vachanyadziswa, asi muranda wenyu achafara kwazvo.
29願敵對我的披戴羞辱;願他們以自己的恥辱為外袍披在身上。
29Vadzivisi vangu ngavafukidzwe nokunyadziswa, Ngavazvifukidze nokunyara kwavo sejasi.
30我要用口極力稱謝耶和華;我要在眾人中間讚美他。
30Ndichavonga Jehovha kwazvo nomuromo wangu; Zvirokwazvo, ndichamurumbidza pakati pavazhinji.
31因為他必站在貧窮人的右邊,拯救他脫離定他死罪的人。
31nekuti iye achamira kuruoko rworudyi rwomushaiwi, Kuti amuponese panavanotonga mweya wake.