聖經新譯本

Shona

Psalms

112

1敬畏 神的必享福樂你們要讚美耶和華。敬畏耶和華、熱愛他的誡命的,這人是有福的。
1Hareruya! Akaropafadzwa munhu anotya Jehovha, Anofarira zvikuru mirairo yake.
2他的後裔在地上必強盛,正直人的後代必蒙福。
2Vana vake vachava nesimba pasi; Rudzi rwowakarurama rucharopafadzwa.
3他家中有財富,有金錢,他的仁義存到永遠。
3fuma nezvakawanda zviri mumba make; Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4正直人在黑暗中有光照亮他,他滿有恩慈,好憐恤,行公義。
4Akarurama anobudirwa nechiedza parima; Iye anenyasha, netsitsi nokururama.
5恩待人,借貸給別人,按公正處理自己事務的,這人必享福樂。
5Ane mufaro munhu uyo anoita nenyasha, anopa chikwereti, Acharuramisirwa mhaka yake pakutonga.
6因為他永遠不會動搖,義人必永遠被記念。
6nekuti haangatongozununguswi; Akarurama acharamba achirangarirwa nokusingaperi.
7他必不因壞消息懼怕;他的心堅定,倚靠耶和華。
7Haangatyi mashoko ezvinhu zvakaipa; moyo wake wakasimba, uchavimba naJehovha.
8他的心堅決,毫不懼怕,直到他看見他的敵人遭報。
8moyo wake wakasimbiswa, haangatyi, Kusvikira aona kukundwa kwavadzivisi vake.
9他廣施錢財,賙濟窮人;他的仁義存到永遠;他的角必被高舉,大有榮耀。
9Akaparadzira, akapa vashaiwi; Kururama kwake kunogara nokusingaperi; Runyanga rwake ruchakwiridzwa nokukudzwa.
10惡人看見就惱怒,他必咬牙切齒,身心耗損;惡人的心願必幻滅。
10Akaipa achazviona, ndokufa neshungu; Achageda-geda meno ake, ndokunyauka; Kuda kowakaipa kuchaparara.