1頌讚至高的 神垂顧貧寒人你們要讚美耶和華。耶和華的僕人哪!你們要讚美,要讚美耶和華的名。
1Hareruya! Rumbidzai, imwi varanda vaJehovha, Rumbidzai zita raJehovha.
2耶和華的名是應當稱頌的,從現在直到永遠。
2Zita raJehovha ngarikudzwe Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.
3從日出之地到日落之處,耶和華的名都該受讚美。
3Kubva pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.
4耶和華高過萬國,他的榮耀超越諸天。
4Jehovha uri kumusoro kwavahedheni vose, Nokubwinya kwake kumusoro kokudenga-denga.
5誰像耶和華我們的 神呢?他坐在至高之處,
5Ndianiko akafanana naJehovha Mwari wedu, Iye anogara kumusoro,
6他俯首垂顧天上和地下的事。
6Iye anozvidukupisa kuti aone Zviri kudenga napasi?
7他從灰塵中抬舉貧寒人,從糞堆中提拔窮乏人,
7Anosimudza murombo abve muguruva, anomumutsa abve padurunhuru;
8使他們和權貴同坐,就是和他子民中的權貴同坐,
8Kuti amugarise pamwechete namachinda, Iwo machinda avanhu vake.
9他使不能生育的婦人安居家中,成了有許多兒女的快樂母親。你們要讚美耶和華。
9Anogarisa mukadzi asingabereki mumba,ave mai vanofara navana. Hareruya