聖經新譯本

Shona

Psalms

39

1大衛的詩,交給詩班長耶杜頓。我曾說:“我要謹慎我的行為,不讓我的舌頭犯罪;惡人在我面前的時候,我總要用罩子約束我的嘴。”
1Ndakati, Ndichachenjerera nzira dzangu, Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu; Ndichachengeta muromo wangu netomu, Kana wakaipa ari pamberi pangu.
2我靜默不出聲,甚至連好話也不說(“甚至連好話也不說”或譯:“我安靜也得不到安慰”),我的痛苦就更加劇烈。
2Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri, Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka. Kuchema kwangu kukamutswa.
3我的心在我裡面發熱;我默想的時候,心裡火燒;我就用舌頭說話:
3moyo wangu wakange uchipisa mukati mangu; Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta; Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati,
4“耶和華啊!求你使我知道我的結局,我的壽數有多少,使我知道我的生命多麼短促。
4Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini; Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu.
5你使我的日子窄如手掌,我的一生在你面前如同無有;各人站得最穩的時候,也只不過是一口氣。(細拉)
5Tarirai, makaita mazuva angu sohupamhi bwechanza; Uye nguva yokurarama kwangu sechinhu chisipo pamberi penyu; Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe kunyange akasimba kwazvo, mweya chete.
6世人來來往往只是幻影,他們忙亂也是虛空;積聚財物,卻不知道誰要來收取。
6Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe anofamba-famba somumvuri; Zvirokwazvo, vanoita bope pasina; Anounganidza fuma, asi haazivi kuti ndiani achaidya.
7主啊!現在我還等候甚麼呢?我的指望在乎你。
7Zvino Ishe, ndakarindireiko? Tariro yangu iri kwamuri.
8求你救我脫離我的一切過犯,不要使我遭受愚頑人的羞辱。
8Ndirwirei pakudarika kwangu kose; Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi.
9因為是你作了這事,我就靜默不開口。
9Ndakanga ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; nekuti ndimi makazviita.
10求你除掉你降在我身上的災禍;因你手的責打,我就消滅。
10Bvisai shamhu yenyu kwandiri; Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu.
11你因人的罪孽,藉著責罰管教他們,叫他們所寶貴的消失,像被蟲蛀蝕;世人都不過是一口氣。(細拉)
11Kana muchiraira munhu muchimuranga pamusoro pezvakaipa, Munopedza kunaka kwake sechifusi; Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake.
12耶和華啊!求你垂聽我的禱告,留心聽我的呼求;我流淚,求你不要緘默;因為我在你面前是客旅,是寄居的,像我所有的祖先一樣。
12Inzwai munyengetero wangu, Jehovha, rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu; Musanyarara muchiona misodzi yangu, nekuti ndiri mweni kwamuri, Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.
13求你不要怒視我,使我在去而不返之先,可以喜樂。”
13Regai kunditarira, kuti ndimbonaya hangu, Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo.