1可拉子孫的訓誨詩,交給詩班長。 神啊!我的心渴慕你,好像鹿渴慕溪水。
1Senondo inotakwairira hova dzemvura, Saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai imwi Mwari.
2我的心渴想 神,就是永活的 神;我甚麼時候可以來朝見 神的面呢?
2Mweya wangu une nyota kuna Mwari, iye Mwari mupenyu, Ndichasvika rinhiko ndionekwe naMwari?
3人整天對我說:“你的 神在哪裡呢?”我就晝夜以眼淚當飯吃。
3Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu masikati nousiku, Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti, Mwari wako aripiko?
4我從前常常和群眾同去,與他們進到 神的殿裡,在歡呼和稱謝聲中,大家守節。每逢想起這些事,我的心就感到難過。
4Ndinorangarira zvinhu izvi, ndichidurura mweya wangu mukati mangu, Zvokuti ndaienda navazhinji, ndichivatungamirira kuimba yaMwari Nenzwi rokufara nokurumbidza, tiri vazhinji vaitamba mutambo.
5我的心哪!你為甚麼沮喪呢?為甚麼在我裡面不安呢?應當等候 神;因為我還要稱讚他,他是我面前的救助、我的 神。
5Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nekuti ndichazomurumbidza hangu, Nokuda kokuponesa kwechiso chake.
6我的心在我裡面沮喪;因此我從約旦地,從黑門嶺,從米薩山,記念你。
6Haiwa Mwari, mweya wangu unosuwa mukati mangu; Naizvozvo ndinokurangarirai ndiri panyika yaJoridhani, Napamakomo eHerimoni, nechikomo cheMizari.
7你的瀑布一發聲,深淵就和深淵響應;你的洪濤和波浪都掩蓋了我。
7Pakadzika panodana pakadzika pakutinhira kwamapopopo enyu; Mafungu enyu namapoporodzi enyu akapfuura napamusoro pangu.
8白天耶和華賜下他的慈愛;夜間我要向他歌頌,向賜我生命的 神禱告。
8Asi Jehovha acharaira unyoro hwake panguva yamasikati, Usiku rwiyo rwake ruchava neni, Uye munyengetero kuna Mwari woupenyu hwangu.
9我要對 神我的磐石說:“你為甚麼忘記我呢?我為甚麼因仇敵的壓迫徘徊悲哀呢?”
9Ndichati kuna Mwari, dombo rangu, Makandikangamwireiko? Ndinofambireiko ndichichema nemhaka yokumanikidza komuvengi wangu?
10我的敵人整天對我說:“你的 神在哪裡呢?”他們這樣辱罵我的時候,就像在擊碎我的骨頭。
10Zvakafanana neguyo pamafupa angu, kana vadzivisi vangu vachindizvidza; Kana vachiramba vachiti kwandiri, Mwari wako aripiko?
11我的心哪!你為甚麼沮喪呢?為甚麼在我裡面不安呢?應當等候 神;因為我還要稱讚他,他是我面前的救助、我的 神。
11Unoshuwireiko, mweya wangu? Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu? Tarira kuna Mwari; nekuti ndichazomurumbidza hangu, Iye ruponeso nechiso changu, naMwari wangu.