聖經新譯本

Shona

Revelation

1

1耶穌基督的啟示耶穌基督的啟示,就是 神賜給他,叫他把快要發生的事指示他的眾僕人。他就差派天使顯示給他的僕人約翰。
1Chakazarurwa chaJesu Kristu, Mwari chaakapa kwaari, kuti aratidze kuvaranda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitika, akazvituma nemutumwa wake, ndokuratidza muranda wake Johwani,
2約翰把 神的道,和耶穌基督的見證,凡是自己所看見的,都見證出來了。
2wakapupura shoko raMwari, neuchapupu hwaJesu Kristu, nezvinhu zvose zvaakaona.
3讀這書上預言的人,和那些聽見這預言並且遵守書中記載的人,都是有福的!因為時候近了。
3Wakaropafadzwa uyo unoverenga, neavo vanonzwa mashoko echiporofita ichi vachichengeta zvinhu izvo zvakanyorwa mazviri, nekuti nguva yava pedo.
4問候七教會約翰寫信給在亞西亞的七個教會。願恩惠平安,從那位今在、昔在、以後永在的 神,從他寶座前的七靈,
4Johwani; kukereke nomwe dziri paAsia: Nyasha kwamuri, nerugare zvinobva kuna iye uripo, uye wakange aripo, neuchazouya; nekumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake cheushe;
5又從那信實的見證人、死人中首先復生的、地上眾君王的統治者耶穌基督臨到你們。他愛我們,用自己的血把我們從我們的罪中釋放出來,
5nekuna Jesu Kristu, chapupu chakatendeka, dangwe revakafa, mutungamiriri wemadzishe enyika. Kuna iye wakatida akatisuka kubva pazvivi zvedu muropa rake;
6又使我們成為國度,作他父 神的祭司。願榮耀權能都歸給他,直到永永遠遠。阿們。
6akatiita madzimambo nevapristi kuna Mwari naBaba vake, kwaari ngakuve kubwinya nesimba kusvikira rinhi narinhi. Ameni.
7看哪,他駕著雲降臨,每一個人都要看見他,連那些刺過他的人也要看見他,地上的萬族都要因他捶胸。這是必定的,阿們。
7Tarira, unouya pamwe nemakore, uye ziso rose richamuona, naivo vakamubaya; nemarudzi ose enyika achachema nekuda kwake. Hongu. Ameni.
8主 神說:“我是阿拉法,我是俄梅格;我是今在、昔在、以後永在,全能的 神。”
8Ini ndini Arifa naOmega, kutanga nekuguma, ndizvo zvinoreva Ishe, uripo, wakange aripo, neuchazouya, Wemasimbaose.
9基督向約翰顯現我約翰,就是你們的弟兄,在耶穌裡跟你們一同分享患難、國度和忍耐的,為了 神的道和耶穌的見證,曾經在那名叫拔摩的海島上。
9Ini Johwani ndiri hama yenyuwo, uye mufambidzani pakutambudzika, nemuushe, nekutsungirira kwaJesu Kristu, ndakange ndiri pachiwi chinonzi Patimosi nekuda kweshoko raMwari nekweuchapupu hwaJesu Kristu.
10有一個主日,我在靈裡,聽見在我後邊有一個大聲音,好像號筒的響聲,
10Ndakange ndiri muMweya nezuva raIshe, ndikanzwa shure kwangu inzwi guru, serinenge rehwamanda,
11說:“你所看見的,要寫在書上,也要寄給以弗所、士每拿、別迦摩、推雅推拉、撒狄、非拉鐵非、老底嘉七個教會。”
11richiti: Ndini Arifa naOmega kutanga nekupedzisira; nekuti: Zvaunoona, nyora mubhuku utumire kukereke nomwe, dziri muAsia, paEfeso, nepaSimina, nepaPegamo, nepaTiatira, nepaSadhisi, nepaFiradhefia, nepaRaodhikia.
12我轉過身來要看看那跟我說話的聲音是誰發的;一轉過來,就看見七個金燈臺。
12Ndikatendeuka kuona inzwi rakataura neni. Zvino ndatendeuka ndakaona zvigadziko zvemwenje zvendarama zvinomwe;
13燈臺中間有一位好像人子的,身上穿著直垂到腳的長衣,胸間束著金帶。
13nepakati pezvigadziko zvemwenje, mumwe wakaita seMwanakomana wemunhu, akafuka nguvo yakasvikira kutsoka, akazvisunga kupoteredza chifuva nebhanhire rendarama.
14他的頭和頭髮像白羊毛、像雪一樣潔白,他的眼睛好像火燄,
14Musoro wake nemavhudzi zvakanga zvakachena semakushe amakwai, semagada echando; uye meso ake semurazvo wemoto;
15他的兩腳好像在爐中精煉過的發光的銅,他的聲音好像眾水的聲音。
15uye tsoka dzake dzakafanana nendarira inopenya, sedzinenge dzakapiswa muvira; neinzwi rake senzwi remvura zhinji.
16他的右手拿著七星,有一把兩刃的利劍從他口中吐出來;他的臉發光好像正午的烈日。
16Uye wakange ane muruoko rwake rwerudyi nyeredzi nomwe; zvino mumuromo make makabuda munondo unopinza unocheka mativi maviri; uye chiso chake chaiva sezuva rinopenya musimba raro.
17我看見了他,就仆倒在他腳前,像死了一樣。他用右手按著我,說:“不要怕!我是首先的,我是末後的,
17Zvino ndakati ndichimuona, ndakawira patsoka dzake sewakafa; akaisa ruoko rwake rwerudyi pamusoro pangu achiti kwandiri: Usatya, ndini wekutanga newekupedzisira.
18又是永活的;我曾經死過,看哪,現在又活著,直活到永永遠遠,並且拿著死亡和陰間的鑰匙。
18naiye mupenyu; uye ndakange ndakafa, zvino tarira, ndiri mupenyu kusvikira rinhi narinhi. Ameni. Uye ndine kiyi dzegehena nedzerufu.
19所以,你要把所看見的,現在的,和今後將要發生的事都寫下來。
19Nyora zvinhu zvawaona, nezvinhu zviripo, nezvinhu zvichazovapo shure kwaizvozvi.
20你所看見在我右手中的七星和七個金燈臺的奧祕就是這樣:七星是七個教會的使者,七燈臺是七個教會。”
20Chakavanzika chenyeredzi nomwe dzawaona muruoko rwangu rwerudyi, nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama. Nyeredzi nomwe ndivo vatumwa vekereke nomwe; nezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvawaona ndidzo kereke nomwe.