聖經新譯本

Shona

Revelation

2

1給以弗所教會的信“你要寫信給在以弗所教會的使者,說:‘那右手拿著七星,在七個金燈臺中間行走的,這樣說:
1Kumutumwa wekereke iri paEfeso, nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura iye wakabata nyeredzi nomwe muruoko rwake rwerudyi, unofamba pakati pezvigadziko zvemwenje zvinomwe zvendarama:
2我知道你的行為、你的勞苦、你的忍耐,也知道你不能容忍惡人。你也曾經試驗那些自稱是使徒,而其實不是使徒的人,看出他們是假的。
2Ndinoziva mabasa ako, nekushingaira kwako, nokutsungirira kwako, uye kuti haumirisani nevakaipa; uye wakavaidza ivo vanoti tiri vaapositori asi vasiri ivo, uye ukavawana vari varevi venhema,
3你有忍耐,曾為我的名的緣故忍受一切,並不困倦。
3ukatsungirira, uye ukava nemoyo murefu, zvekare nekuda kwezita rangu, wakashingaira ukasaneta.
4然而有一件事我要責備你,就是你已經離棄了你起初的愛。
4Asi ndine pandinopokana newe, kuti wakasiya rudo rwako rwekutanga.
5所以,你應當回想你是從哪裡墜落的,並且要悔改,作起初所作的事。你若不悔改,我就要來到你那裡,把你的燈臺從原處移去。
5Naizvozvo rangarira pawakawa, uye utendeuke ugoita mabasa ekutanga; kana zvikasadaro ndichauya kwauri nekukurumidza, ndigobvisa chigadziko chako chemwenje panzvimbo yacho, kunze kwekuti watendeuka.
6不過你有這一個優點,就是你恨惡尼哥拉黨的作為,那也是我所恨惡的。
6Asi ichi unacho, kuti unovenga mabasa avaNikoraiti, andinovenga iniwo.
7聖靈向眾教會所說的話,有耳的就應當聽。得勝的,我必定把 神樂園裡生命樹的果子賜給他吃。’
7Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke; kuna iye unokunda ndichapa kuti adye zvemuti weupenyu, uri pakati peParadhiso yaMwari.
8給士每拿教會的信“你要寫信給在士每拿教會的使者,說:‘那首先的、末後的、曾經死去而又活過來的,這樣說:
8Nekumutumwa wekereke iri paSimina, nyora uti: Zvinhu izvi ndizvo zvinotaura wekutanga newekupedzisira, wakange akafa uye mupenyu:
9我知道你的患難和貧窮,但你卻是富足的。我也知道那些自稱是猶太人所說毀謗的話,其實他們不是猶太人,而是撒但的黨徒。
9Ndinoziva mabasa ako nedambudziko neurombo (asi uri mufumi), nekunyomba kwaivo vanoti vaJudha, izvo vasiri, asi vari sinagoge raSatani,
10你不要怕你將要受的苦。看哪!魔鬼將要把你們中間幾個人下在監裡,叫你們受試煉,你們要受患難十天。你要忠心至死,我就把那生命的冠冕賜給你。
10usatya zvinhu izvo zvauchatambudzika nazvo; tarira, dhiabhorosi woda kuisa vamwe venyu mutirongo, kuti muidzwe; uye muchava nedambudziko mazuva gumi. Uve wakatendeka kusvikira parufu, ndigokupa korona yeupenyu.
11聖靈向眾教會所說的話,有耳的就應當聽。得勝的,決不會受第二次死的害。’
11Uyo une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda haangakuvadzwi nerufu rwechipiri.
12給別迦摩教會的信“你要寫信給在別迦摩教會的使者,說:‘那有一把兩刃利劍的,這樣說:
12Uye kumutumwa wekereke iri paPegamo nyora uti: Zvinhu izvi, unotaura iye une munondo unopinza, unocheka mativi maviri:
13我知道你居住的地方,就是撒但王座所在的地方。當我忠心的見證人安提帕在你們那裡,就是在撒但居住的地方被殺的那些日子,你還持守我的名,沒有否認對我的信仰。
13Ndinoziva mabasa ako, uye paunogara ndipo pane chigaro cheushe chaSatani, asi wakabatisisa zita rangu, uye hauna kuramba rutendo rwangu, kunyange nepamazuva aAntipasi chapupu changu chakatendeka, wakaurawa pakati penyu, apo panogara Satani;
14然而有幾件事我要責備你,因為在你那裡有些人持守巴蘭的教訓。這巴蘭曾經教導巴勒把絆腳石放在以色列人面前,叫他們吃祭過偶像的食物,並且行淫亂。
14asi ndine zvinhu zvishoma zvandinopokana newe, nekuti unavo ipapo vanobatisisa dzidziso yaBharami, wakadzidzisa Bharaki kuisa chigumbuso pamberi pevana vaIsraeri, kuti vadye zvakabayirwa zvifananidzo nekuita upombwe.
15同樣,你也有些人持守尼哥拉黨的教訓。
15Nekudaro newe unavo vanobatisisa dzidziso yevaNikoraiti, chinova chinhu chandinovenga.
16所以,你應當悔改;如果不悔改,我就很快地來到你們那裡,用我口中的劍跟他們作戰。
16Tendeuka; kana zvikasadaro, ndichakurumidza kuuya kwauri, ndigorwa navo nemunondo wemuromo wangu.
17聖靈向眾教會所說的話,有耳的就應當聽。得勝的,我必定把那隱藏的嗎哪賜給他,並且賜他一塊白石,石上寫著新的名字,這名字除了那領受的人以外,是沒有人能知道的。’
17Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke. Unokunda, ndichapa kwaari kuti adye mana yakavanzika, uye ndichamupa ibwe jena, nepabwe iro zita idzva rakanyorwa, risingazikamwi nemunhu, asi naiye unorigamuchira.
18給推雅推拉教會的信“你要寫信給在推雅推拉教會的使者,說:‘ 神的兒子,那眼睛像火燄、兩腳像光銅的,這樣說:
18Uye nekumutumwa wekereke iri paTiatira, nyora uti: Zvinhu izvi unoreva Mwanakomana waMwari, une meso ake akafanana nemurazvo wemoto, netsoka dzake dzakaita sendarira inopenya;
19我知道你的行為,你的愛心、信心、服侍和忍耐,也知道你後來所作的比先前的還要多。
19Ndinoziva mabasa ako, nerudo, nekushumira nerutendo, nekutsungirira kwako, uye mabasa ako kuti ekupedzisira anopfuura ekutanga.
20然而有一件事我要責備你,就是你容讓那自稱是先知的婦人耶洗別,教導和引誘我的眾僕人行淫亂,吃祭過偶像的食物。
20Asi zvakadaro ndine zvinhu zvishoma zvandinopokana newe, kuti unotendera mukadzi uya Jezebheri, unozviidza muporofitakadzi kudzidzisa nekutsausa varanda vangu kuti vaite upombwe, nekudya zvakabayirwa zvifananidzo,
21我曾給她時間,讓她悔改,她卻不肯為她的淫行悔改。
21Ndakamupa nguva kuti atendeuke paufeve hwake akasatendeuka.
22看哪,我要把她拋在大患難的床上;那些跟她行淫亂的人,如果不為她的行為悔改,我也要把他們拋在大患難中。
22Tarira, ndichamukandira panhovo nevanoita upombwe naye padambudziko guru, kunze kwekuti vatendeuka pamabasa avo.
23我必以死亡擊殺她的兒女;眾教會就都知道我是察驗人肺腑心腸的,我要照著你們的行為報應你們各人。
23Uye ndichauraya vana vake nerufu; nekereke dzose dzichaziva kuti ndini ndinonzvera itsvo nemoyo; zvino ndichapa kwamuri umwe neumwe zvinoenderana nemabasa enyu.
24至於你們其餘在推雅推拉的人,就是不跟從那教訓,不認識所謂撒但深奧的事的人,我告訴你們,我不會把別的重擔放在你們身上。
24Asi ndinotaura kwamuri nekune vamwe vakasara paTiatira, vose vasina dzidziso iyi, uye vasina kuziva zvakadzika zvaSatani, sezvavanotaura vachiti: Handingakutakudziyi umwe mutoro.
25不過,你們要持守已經得著的,直到我來。
25Asi izvo zvamunazvo batisai kusvikira ndichiuya.
26得勝的,又遵守我的旨意到底的,我必把統治列國的權柄賜給他,
26Uye unokunda nekuchengeta mabasa angu kusvikira pakuguma, kwaari ndichapa simba pamusoro pemarudzi;
27他必用鐵杖治理他們,好像打碎陶器一樣粉碎他們,(“我必把……粉碎他們”引自詩2:8~9)
27uye uchaatonga netsvimbo yedare, semidziyo yemuumbi achaputsanyiwa; sezvandakagamuchirawo kuna Baba vangu.
28好像我從父領受了權柄一樣;我還要把晨星賜給他。
28uye ndichamupa hweva.
29聖靈向眾教會所說的話,有耳的就應當聽。’”
29Une nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.