1兩個見證人有一根好像量尺的蘆葦賜給了我,又有話說:“你起來,把 神的聖所和祭壇,以及在裡面敬拜的人,都量一量、數一數。
1Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita semudonzvo; uye mutumwa wakamira achiti: Simuka uyere tembere yaMwari, nearitari, nevanonamata mairi.
2但聖所外面的院子,不要量它,因為它已經給了外族人,他們要踐踏聖城四十二個月。
2Asi ruvanze ruri kunze kwetembere usiye, uye usaruyera; nekuti rwakapiwa kuvechirudzi; vachatsikira guta dzvene pasi petsoka mwedzi makumi mana nemiviri.
3我要賜能力給我那兩個穿著麻衣的見證人,他們要傳道一千二百六十天。”
3zvekare ndichapa simba kuzvapupu zvangu zviviri, zvino zvichaporofita mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu zvakapfeka masaga.
4他們就是站在全地之主面前的兩棵橄欖樹和兩個燈臺。
4Ava ndiyo miti miviri yemiorivhi nezvigadziko zvemwenje zviviri zvimire pamberi paMwari wenyika.
5如果有人想要傷害他們,就有火從他們口中出來,吞滅他們的仇敵。凡是想要傷害他們的,都必這樣被殺。
5Kana kune unoda kuvakuvadza, moto unobuda mumuromo mavo uchiparadza vavengi vavo; uye kana munhu achishuva kuvakuvadza, unofanira kuurawa saizvozvi.
6他們有權柄在他們傳道的日子叫天閉塞不下雨,又有權柄掌管眾水,使水變成血,並且有權柄可以隨時隨意用各樣災難擊打全地。
6Ava vane simba rekupfiga denga kuti kusanaya nemazuva ekuporofita kwavo; uye vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nekurova nyika nematambudziko ose kazhinji sezvavanoda.
7他們作完了見證的時候,那從無底坑上來的獸要跟他們作戰,勝過他們,把他們殺死。
7Uye kana vapedza kupupura kwavo, chikara chinokwira chichibva mugomba risina chigadziko chichaita hondo navo, chigovakunda nekuvauraya.
8他們的屍首要倒在大城的街道上。這城按著寓意叫所多瑪,又叫埃及,就是他們的主被釘十字架的地方。
8Uye zvitunha zvavo zvichava panzira dzemuguta guru, rinonzi pamweya Sodhoma neEgipita, pakarovererwawo Ishe wedu pamuchinjikwa.
9從各民族、各支派、各方言和各邦國中,都有人觀看他們的屍首三天半,又不許人把屍首安放在墳墓裡。
9Zvekare vanobva kuvanhu nemarudzi nendimi nendudzi vachaona zvitunha zvavo mazuva matatu nehafu, uye havangatenderi zvitunha zvavo kuti zviiswe muguva.
10住在地上的人為了他們的緣故,就歡喜快樂,彼此送禮,因為這兩位先知曾經使他們受痛苦。
10Neavo vanogara panyika vachafara pamusoro pavo nekupembera, uye vachatumirana zvipo, nekuti vaporofita ava vaviri vakatambudza avo vanogara panyika.
11過了三天半,有生命的氣息從 神那裡來,進入他們裡面,他們就站立起來,看見他們的人都非常懼怕。
11Zvino shure kwemazuva matatu nehafu mweya weupenyu wakabva kuna Mwari wakapinda mavari, vakamira netsoka dzavo, uye kutya kukuru kukawira vose vakavaona.
12他們聽見從天上來的大聲音,說:“上這裡來!”他們就駕著雲上了天,他們的仇敵也看見了。
12Ipapo vakanzwa inzwi guru richibva kudenga richiti kwavari: Kwirai pano. Vakakwira kudenga vari mugore, vavengi vavo vakavaona.
13就在那時,大地震發生了,那座城倒塌了十分之一,因著地震而死的有七千人,其餘的人都很害怕,就把榮耀歸給天上的 神。
13Zvino nenguva iyoyo kudengenyeka kwenyika kukuru kwakavapo, chegumi cheguta ndokuwa, nevanhu zvuru zvinomwe vakaurawa mukudengenyeka kwenyika; vakasara vakavhunduswa, vakapa rumbidzo kuna Mwari wekudenga.
14第二樣災禍過去了。看哪,第三樣災禍快要到了!
14Nhamo yechipiri yapfuura; tarira, nhamo yechitatu inokurumidza kusvika.
15吹第七枝號第七位天使吹號,天上就有大聲音說:“世上的國成了我們的主和他所立的基督的國,他要作王,直到永永遠遠!”
15Zvino mutumwa wechinomwe wakaridza; manzwi makuru ndokuvako kudenga, achiti: Ushe hwenyika ino hwava hwaIshe wedu, nehwaKristu wake; uye uchatonga kusvikira rinhi narinhi.
16那在 神面前,坐在自己座位上的二十四位長老,都面伏在地上敬拜 神,
16Uye vakuru makumi maviri nevana vagere pamberi paMwari pazvigaro zvavo zveushe vakawira pasi nezviso zvavo vakanamata Mwari.
17說:“主啊!全能的 神,昔在今在的,我們感謝你!因為你執掌了大權,作王了!
17vachiti: Tinokupai kuvonga imwi, Ishe Mwari Wamasimbaose, uripo, wakange aripo, neuchauya; nekuti makazvitorera simba renyu guru, mukatonga.
18列國忿怒了!你的震怒也臨到了!時候已經到了!死人要受審判!你的眾僕人、先知、聖徒,和所有老幼貴賤、敬畏你名的人,都要得賞賜!你也要毀滅那些敗壞全地的人!”
18Marudzi akatsamwa, nekutsamwa kwenyu kwasvika, nenguva yevakafa kuti vatongwe, uye kuti mupe mubairo kuvaranda venyu vaporofita, nekuvatsvene, nevanotya zita renyu, vaduku nevakuru; uye yekuvaparadza avo vanoparadza nyika.
19於是,在天上 神的聖所開了,他的約櫃就在他的聖所中顯現出來。隨即有閃電、響聲、雷轟、地震、大冰雹。
19Zvino kwakazarurwa tembere yaMwari kudenga; kukaonekwa areka yesungano mutembere yake; ndokuvapo mheni, nemanzwi, nekutinhira, nekudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.