聖經新譯本

Shona

Revelation

12

1生子的女人和大龍那時,天上出現了一個奇偉的景象:有一個婦人,身披太陽,腳踏月亮,頭戴十二顆星的冠冕。
1Zvino kudenga kwakaonekwa chishamiso chikuru ichi: Mukadzi, wakakapfeka zuva, nemwedzi uri pasi petsoka dzake, nepamusoro wake korona yenyeredzi gumi nembiri;
2她懷了孕,在生產的痛苦中疼痛呼叫。
2iye wakange ane mimba akachema achirwadziwa pakupona kwake, achitambudzika pakuzvara.
3天上又出現了另一個景象。看哪!有一條大紅龍,有七頭十角,七頭上戴著七個皇冠。
3Zvino kwakaonekwa chimwe chishamiso kudenga, Tarira, zibukanana ziguru zidzvuku rine misoro minomwe, nenyanga gumi nekorona nomwe pamisoro yaro.
4牠的尾巴拖著天上三分之一的星辰,把它們摔在地上。龍站在那快要生產的婦人面前,等她生產了,就要吞吃她的孩子。
4Muswe waro wakakweva chetatu chenyeredzi dzekudenga, ndokudzikandira panyika; zibukanana rikamira pamberi pemukadzi wakange ozvara, kuti riparadze mwana wake kana angozvara.
5她生了一個男孩子,就是將來要用鐵杖治理列國的。她的孩子被提取到 神和他寶座那裡去。
5Akazvara mwana wemukomana, waizotonga marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kumusoro kuna Mwari nekuchigaro chake cheushe.
6婦人就逃到曠野去了,那裡有 神為她預備的地方。她在那裡得供養一千二百六十天。
6Mukadzi akatizira murenje, paakagadzirirwa nzvimbo naMwari, kuti vamuriritira mazuva churu nemazana maviri nemakumi matanhatu.
7天上發生了戰爭:米迦勒和他的天使與龍作戰。龍和牠的天使也起來應戰,
7Zvino kukava nehondo kudenga; Mikaeri nevatumwa vake vakarwa nezibukanana, zibukanana rikarwa rine vatumwa varo;
8龍卻抵擋不住,天上再也沒有牠們的地方了。
8vakasakunda, nenzvimbo yaro haina kuzowanikwa kudenga.
9於是那大龍被摔了下來。牠就是那古蛇,名叫魔鬼,又叫撒但,是迷惑普天下的人的。牠被摔在地上,牠的天使也跟牠一同被摔了下來。
9Zvino zibukanana ziguru rakakandirwa kunze, iya nyoka yekare, inonzi Dhiabhorosi uye Satani, inonyengera nyika yose; yakakandirwa panyika, nevatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe nayo.
10我又聽見天上有大聲音說:“我們 神的救恩、能力、國度和他所立的基督的權柄,現在都已經來到了!因為那晝夜在我們 神面前控告我們弟兄的控告者,已經被摔下來了!
10Zvino ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, neushe hwaMwari wedu, nesimba raKristu wake; nekuti mupomeri wehama dzedu wakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati neusiku.
11弟兄勝過牠,是因著羊羔的血,也因著自己所見證的道,他們雖然至死,也不愛惜自己的性命。
11Zvino ivo vakamukunda neropa reGwayana, neshoko reuchapupu hwavo; uye havana kuda upenyu hwavo kusvikira parufu.
12所以,眾天和住在其中的,你們都歡樂吧!可是地和海有禍了!因為魔鬼知道自己的時日無多,就大大發怒下到你們那裡去了。”
12Saka farai matenga nemwi munogara maari. Mune nhamo vagari vemunyika nevegungwa, nekuti dhiabhorosi wakaburukira kwamuri akatsamwa kwazvo, nekuti unoziva kuti uchine nguva duku.
13龍見自己被摔在地上,就迫害那生了男孩子的婦人。
13Zvino zubukanana rakati raona kuti rakandirwa panyika rikashusha mukadzi wakazvara murume.
14於是有大鷹的兩個翅膀賜給了那婦人,使她可以飛到曠野,到自己的地方,在那裡得供養一年兩年半年,離開那蛇的面。
14Ipapo kumukadzi kukapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanonoriritirwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, abve pauso hwenyoka.
15蛇在婦人後面,從口中吐出水來,好像江河一樣,要把婦人沖去。
15Zvino nyoka yakabudisa mvura mumuromo mayo yakaita serwizi shure kwemukadzi kuti amukonzere kuti akukurwe nerwizi.
16地卻幫助了那婦人,張開口,把從龍口中吐出來的河水吞了。
16Zvino nyika yakabatsira mukadzi, nyika ndokushamisa muromo wayo, ikamedza rwizi rwakabudiswa nezibukanana mumuromo maro.
17龍就向婦人發怒,去和她其餘的子孫作戰,就是和那遵守 神命令堅持耶穌見證的人作戰。 [ (Revelation 12:18) 那時,龍站在海邊的沙上。 ]
17Zvino zibukanana rakatsamwira mukadzi, rikaenda kunoita hondo nevakasara vembeu yake vanochengeta mirairo yaMwari, vane uchapupu hwaJesu Kristu.